Mateu 1
1
Madzitateguru aJesu Kristu
(Ruka 3:23-38)
1Mazita amadzitateguru aJesu Kristu, mwanakomana waDhavhidhi, mwanakomana waAbhurahamu:
2Abhurahamu akabereka Isaka; Isaka akabereka Jakobho; Jakobho akabereka Judha navanun'una vake; 3Judha akabereka Faresi naZara nomukadzi wake Tamari; Faresi akabereka Esiromi; Esiromi akabereka Arami; 4Arami akabereka Aminadhabhu; Aminadhabhu akabereka Nasoni; Nasoni akabereka Saremoni;
5Saremoni akabereka Bhoazi kumukadzi wake Rahabhi; Bhoazi akabereka Obhedhi nomukadzi wake Rute; Obhedhi akabereka Jesi; 6Jesi akabereka mambo Dhavhidhi.
Dhavhidhi akabereka Soromoni nomukadzi waUriya; 7Soromoni akabereka Robhoami; Robhoami akabereka Abhia; Abhia akabereka Asafa; 8Asafa akabereka Josafati; Josafati akabereka Joramu; Joramu akabereka Ozia;
9Ozia akabereka Jotamu; Jotamu akabereka Ahazi; Ahazi akabereka Ezekia; 10Ezekia akabereka Manase; Manase akabereka Amoni; Amoni akabereka Josia; 11Josia akabereka Jekonia navanun'una vake nenguva yokutapwa kwavo Bhabhironi.
12Shure kwokutapwa kwavo Bhabhironi Jekonia akabereka Saratieri; Saratieri akabereka Zerubhabheri; 13Zerubhabheri akabereka Abhiudhi; Abhiudhi akabereka Eriakimi; Eriakimi akabereka Azori; 14Azori akabereka Sadhoki; Sadhoki akabereka Akimi; Akimi akabereka Eriudhi; 15Eriudhi akabereka Ereazari; Ereazari akabereka Matani; Matani akabereka Jakobho; 16Jakobho akabereka Josefa, murume waMaria, iye akabereka Jesu, anonzi Kristu.
17Naizvozvo zvizvarwa zvose kubva kuna Abhurahamu kusvikira kuna Dhavhidhi zvaiva zvizvarwa gumi nezvina; kubva kuna Dhavhidhi kusvikira pakutapwa Bhabhironi zvizvarwa zvine gumi nezvina; kubva pakutapwa Bhabhironi kusvikira kuna Jesu Kristu zvizvarwa zvine gumi nezvina.
Kuberekwa kwaJesu Kristu
18Kuberekwa kwaJesu Kristu kwaiva kudai: Maria, mai vake, akati akaroorwa naJosefa, vasati vasangana, akaonekwa ava napamuviri naMweya Mutsvene. 19Zvino Josefa, murume wake, zvaakanga ari munhu akarurama, asingadi kumunyadzisa, akafunga kumuramba chinyararire. 20Zvino akati acharangarira izvozvo, tarira, mutumwa waIshe akazviratidza kwaari pakurota, akati, “Josefa, mwanakomana waDhavhidhi, usatya kutora Maria, mukadzi wako; nokuti chakaumbwa mukati make ndechaMweya Mutsvene. 21Iye achazvara mwanakomana, agomutumidza zita rinonzi Jesu; nokuti ndiye achaponesa vanhu vake pazvivi zvavo.”
22Izvozvo zvose zvakaitwa kuti zviitike zvakarehwa naIshe, nomuromo womuporofita, achiti,
23“Tarira, mhandara ichava nepamuviri, ichazvara mwanakomana, vachamutumidza zita rinonzi Emanueri;” ndokuti, “Kana zvichishandurwa, Mwari anesu.”
24Zvino Josefa akamuka pahope dzake akaita sezvaakarairwa nomutumwa waIshe, akatora mukadzi wake; 25akasamuziva kusvikira azvara mwanakomana wake wedangwe, ndokumutumidza zita rinonzi Jesu.
Currently Selected:
Mateu 1: SNA2002
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002
Mateu 1
1
I: KUBEREKWA KWAJESU NOUCHECHE HWAKE
Madzitateguru aJesu
(Ruka 3:23–38)
1Uyu ndiwo mudungwe wamazita amadzitateguru aJesu Kristu Mwanakomana waDhavhidhi mwanakomana waAbhurahamu.
2Abhurahamu akabereka Isaki;
Isaki akaberekawo Jakobho;
Jakobho ndokuberekawo Judha;
navanun'una vake.
3Judha akabereka Faresi naZera;
akavabereka naTamari.
Faresi akabereka Esiromu;
Esiromu akaberekawo Aramu#1:3 Aramu: Vamwe vanoti Ramu.
4Aramu akabereka Aminadhabhu;
Aminadhabhu akaberekawo Naashoni;
Naashoni ndokuberekawo Sarimoni.
5Sarimoni ndokuzoberekawo Bhoazi,
akamubereka naRahabhu
Bhoazi akabereka Obedhi
akamuberekawo naRute.
Obedhi akazoberekawo Jese
6Jese akabereka mambo Dhavhidhi
Dhavhidhi akabereka Soromoni
nomukadzi waUria.
7Soromoni akabereka Rehobhoamu,
Rehobhoamu akaberekawo Abhiya.
Abhiya ndokubereka Asafu.
8Asafu akabereka Jehoshafati;
Jehoshafati akaberekawo Joramu;
Joramu ndokubereka Uziya;
9Uziya akabereka Jotamu.
Jotamu akabereka Ahazi
Ahazi akazoberekawo Hezekia
10Hezekia akabereka Manase.
Manasewo akabereka Amosi.#1:10 Amosi: Vamwe vanoti Amoni.
Amosi ndokubereka Josia
11Josia akabereka Jokonia navakoma navanun'una vake panguva yavakatapwa kuenda kuBhabhironi.
12Mushure mehutapwa ihwohwo kuBhabhironi, Jokonia akabereka Sheatieri
Sheatieri akabereka Zerubhabheri.
13Zerubhabheri akabereka Abhihudhi;
Abhihudhi akaberekawo Eriyakimu;
Eriyakimu ndokubereka Azori.
14Azori akabereka Zadhoki;
Zadhokiwo akabereka Akimu;
Akimu akaberekawo Erihudhi.
15Erihudhi akabereka Eriazari
Eriazari akaberekawo Matani
Matani akabereka Jakobho.
16Jakobho akabereka Josefi murume waMaria, Maria ndiye akazobereka Jesu anonzi Kristu.
17Nezvo zvizvarwa zvose kubvira pana Abhurahamu kusvikira pana Dhavhidhi pane zvizvarwa gumi nezvina. Kubvirawo pana Dhavhidhi kusvikira pautapwa hokuBhabhironi pane zvizvarwa gumi nezvina. Kubvirawo pahutapwa huya hokuBhabhironi kusvika kuna iye Kristu pane zvizvarwa gumi nezvina.
Kuberekwa kwaJesu
(Ruka 2:1–7)
18Uku ndiko kuberekwa kwakaitwa Jesu Kristu. Amai vake Maria vakanga vachangoroorwa naJosefi. Vasati vagara vose Maria akaonekwa ava napamuviri nesimba raMweya Mutsvene. 19Murume wake Josefi somunhu akanga akarurama, uye pamusana pokusada kumufumura, akafunga zvokumuramba chinyararire. 20Paakanga achiri kufunga izvi, hoyo mutumwa waTenzi akazviratidza kwaari mukurota achiti, “Josefi mwanakomana waDhavhidhi usatye zvako kutora Maria mukadzi wako nokuti pamuviri paanapo akapaita nesimba raMweya Mutsvene. 21Achapona Mwanakomana waunofanira kutumidza zita rokuti Jesu nokuti achaponesa vanhu vake kuzvitadzo zvavo.” 22Zvose izvi zvakaitika kuzadzisa zvakanga zvataurwa naTenzi nomuromo womuporofita uya zvokuti:
23“Tarirai, mhandara ichava napamuviri ichizobereka mwana mukomana. Zita rake richazonzi Imanueri” (zvinoreva kuti Mwari Anesu.) 24Josefi paakamuka akaita sokuudzwa kwaakanga aitwa nomutumwa waTenzi. 25Akatora mudzimai wake asi haana kuzivana naye kusvikira apona mwana mukomana. Akamutumidza zita rokuti Jesu.
Currently Selected:
:
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.