Mateu 18
18
Mukuru muushe hwedenga nezvigumbuso
(Mako 9:33-37; Ruka 9:46-48)
1Nenguva iyo vadzidzi vakauya kuna Jesu, vakati, “Ndianiko mukuru muushe hwedenga?” 2Akadanira kwaari mwana muduku, akamuisa pakati pavo, 3akati, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kana musingasanduki, mukava savana vaduku, hamungatongopindi muushe hwedenga. 4Naizvozvo ani naani anozvininipisa somwana uyu muduku, ndiye mukuru muushe hwedenga. 5Ani naani anogamuchira mwana muduku mumwe wakadai nezita rangu, anogamuchira ini.
6“Asi ani naani anogumbusa mumwe wavaduku ava, vanotenda kwandiri, zviri nani kwaari kuti guyo guru risungirirwe mumutsipa wake, anyudzwe mugungwa rakadzika.
7“Nyika ine nhamo nemhaka yezvigumbuso! Nokuti zvigumbuso zvinofanira kuuya hazvo; asi anenhamo munhu uyo anogumbusa vamwe.
8“Kana ruoko rwako kana rutsoka ruchikugumbusa, urugure, ururasire kure newe; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uri chirema, kana uchikamhina, pakukandwa mumoto usingagumi, unamaoko maviri kana tsoka mbiri. 9Kana ziso rako richikugumbusa, uribvise, urirasire kure newe. Zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu, uneziso rimwe, pakukandwa muGehena romoto, unameso maviri.
10“Chenjerai kuti murege kuzvidza mumwe wavaduku ava; nokuti ndinoti kwamuri, kudenga vatumwa vavo vanosiona misi yose chiso chaBaba vangu vari kudenga. [ 11Nokuti Mwanakomana womunhu akauya kuzoponesa charasika.]
Hwai yakarasika
(Ruka 15:3-7)
12“Munofungeiko? Kana munhu anamakwai ane zana, rimwe rawo rikarasika, haangasiyi makumi mapfumbamwe namapfumbamwe, akaenda kumakomo kundotsvaka yarasika here?
13“Kana aiwana, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, anofarira kupfuura makumi mapfumbamwe namapfumbamwe dzisina kurasika. 14Nokudaro hakusi kuda kwaBaba venyu vari kudenga kuti mumwe wavaduku ava aparare.
Kukanganwirana, muranda akanga asina tsitsi
15“Kana hama yako yakutadzira, enda umuudze mhosva yake, iwe naiye muri moga; kana akakunzwa, wadzora hama yako. 16Asi kana asinganzwi, tora mumwe kana vaviri newe, kuti mashoko ose asimbiswe nemiromo yezvapupu zviviri kana zvitatu. 17Kana asingavanzwi, uudze ungano; kana asinganzwiwo ungano, ngaave kwauri somuhedheni nomuFarisi. 18Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, zvose zvamunosunungura panyika, zvichasunungurwa kudenga. 19Ndinoti kwamurizve, kana vaviri venyu vakatenderana panyika pamusoro pechimwe chinhu chavanokumbira, vachachiitirwa naBaba vangu vari kudenga. 20Nokuti apo pakaungana vaviri kana vatatu muzita rangu, ndiripo pakati pavo.”
21Zvino Petirosi akauya akati kwaari, “Ishe, hama yangu ichanditadzira kanganiko, ndakairegerera? Kusvikira kanomwe here?”
22Jesu akati kwaari, “Handiti kwauri, kusvikira kanomwe; asi kusvikira makumi manomwe anoverengwa kanomwe. 23Saka ushe hwedenga hungafanana nomumwe mambo, akanga achida kugadzira mangava navaranda vake. 24Zvino akati achitanga kugadzira, mumwe akanga anechikwerete chamatarenda ane zviuru zvamazana zvine gumi akaiswa kwaari. 25Asi akati achishayiwa chaangaripa nacho, ishe wake akarayira kuti atengeswe, iye nomukadzi navana, nezvose zvaakanga anazvo, kuti chikwerete chigoripwa 26Zvino muranda akawira pasi, akakumbira, akati, ‘Ishe, ivai nomwoyo murefu neni, ndichazokuripirai zvose.’ 27Ishe womuranda uyo akamunzwira tsitsi, akamusunungura, akamuregerera chikwerete.
28“Asi muranda uyo akati achibuda, akawana mumwe muranda waishanda pamwechete naye, akanga ane chikwerete kwaari chamadhenari ane zana; akamubata, akamudzipa, akati, ‘Ripa chikwerete changu!’ 29Zvino muranda uyo aishanda pamwechete naye, akawira pasi, akakumbira zvikuru kwaari, akati, ‘Uve nomwoyo murefu neni, ndichazokuripira.’
30“Asi iye akaramba, akaenda, akamuisa mutorongo, kusvikira achizoripa chikwerete. 31Zvino vamwe varanda vaishanda pamwechete naye vakati vachiona zvaitwa, vakafa neshungu kwazvo, vakaenda kundoudza ishe wavo zvose zvakaitwa. 32Zvino ishe wake akamudana, akati kwaari, ‘Iwe muranda wakaipa, ndakakuregerera chikwerete icho chose, nokuti iwe wakakumbira zvikuru kwandiri. 33Ko iwe hausi waifanira kunzwira tsitsi mumwe muranda unoshanda pamwechete newe, seni ndakakunzwira tsitsi here?’ 34Zvino ishe wake akatsamwa, akamuisa kuvarwadzi, kusvikira achizoripa chikwerete chake chose.”
35Saizvozvo Baba vangu vari kudenga vachakuitiraiwo, kana asingaregerere mumwe nomumwe hama yake nomwoyo wose.
Currently Selected:
Mateu 18: SNA2002
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002
Mateu 18
18
B: CHIKAMU CHINOTAURA NEZVESANGANO
Mukuru ndiani muumambo hwaMwari
(Mak 9:33–37; Ruka 9:46–48)
1Nenguva iyoyo vadzidzi vakauya kuna Jesu vakati, “Ndiani mukuru kupinda vose muumambo hwedenga.” 2Jesu akatora mwana akamuisa pakati pavo 3akati, “Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri kana mukasapinduka muchiva savana vaduku hamumbopinda muumambo hwedenga. 4Ani naani wose anozvirereka somwana uyu, ndiye mukuru kupinda vamwe vose muumambo hwedenga. 5Ani naani wose anogamuchira mwana muduku akaita souyu muzita rangu anogamuchira ini.
Kufurira vamwe
(Mak 9:42–48; Ruka 17:1–2)
6“Aninaani anofurira mumwe wavaduku ava vanotenda mandiri kutadza, zvinotova nani kwaari kuti asungirirwe guyo mumutsipa make agonyudzwa pasi pasi pegungwa. 7Nhamo ndeyayo nyika pamusana pekufurira kwainoita! Kufuririka kunototi kuitike asi nhamo ndeyake munhu uyo anoita kuti vamwe vafuririke.
8“Kana ruoko rwako kana kuti rutsoka rwako ruchikukonzera kutadza rudimbure urwurase. Zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu wakaremara kana kuti uri mhetamakumbo pano kukandwa mumoto usingadzimuki narini uina maoko maviri kana kuti tsoka mbiri. 9Kana ziso rako richikurasisa risvukunure urirase. Zviri nani kwauri kupinda muupenyu neziso rimwechete pano kukandwa mugomba romoto una maziso maviri.
10“Nyatsoonai kuti hamushori mumwe wevaduku ava nokuti ndinokutaurirai kuti kudenga vatumwa vavo vanogara vachiona uso hwaBaba vangu vari kudenga.#18:10 Nokuti Mwanakomana womunhu haana kuuya kuzoshandirwa asi kuzonunura vakarasika.
Muenzaniso wehwai yakarasika
(Ruka 15:3–7)
12“Munofungei, ngatitii munhu ane zana rehwai. Imwe yadzo ikarasika, haasii here dzimwe makumi mapfumbamwe ane pfumbamwe dziri mumakomo achienda kundotsvaka iya yakarasika? 13Kana akaiwana, zvechokwadi ndinokutaurirai kuti anoifarira kupinda makumi mapfumbamwe ane pfumbamwe dzisina kumborasika. 14Saizvozvo Baba vangu vari kudenga havadi kuti mumwe wavadiki ava arasike.
Kudzora munhu anenge akanganisa
15“Kana hama yako ikakutadzira, enda undotaurirana naye mhosva yake muri moga. Akakuteerera, watodzora hama yako. 16Asi akaramba kukuteerera, enda kwaari nomumwe kana vaviri kuti zvose zvamunotaura zvitsigirwe noumbowo hwezvapupu zviviri kana zvitatu. 17Kana akaramba kuvateerera, pira nyaya iyoyo kusangano. Kana akaramba kuteerera kunyange sangano, mutorei somuhedheni nomuteresi.
18“Zvechokwadi ndinoti kwamuri, chose chamuchasunga pasi pano chichasungwawo kudenga. Uye chose chamuchasunungura pasi pano nokudenga chichasunungurwawo. 19Chimwezve chandinokutaurira, ndechokuti, kana vaviri venyu panyika pano vakawirirana kukumbira chimwe chinhu vachachiitirwa naBaba vangu vari kudenga. 20Nokuti panenge paungana vaviri kana vatatu muzita rangu, ini ndiri pakati pavo.”
Muenzaniso womuranda asina kuregerera mumwe wake
21Pita akauya akati kuna Jesu, “Tenzi hama yangu ingandikanganisire kangani ndichiiregerera; tingati kanomwe here?” 22Jesu akati kwaari, “Handikuti kanomwe asi makumi manomwe akapetwa kanomwe.”#18:22 Kana kuti makumi manomwe ane kanomwe.
23Saizvozvo umambo hwedenga hungafananidzwe namambo akanga achida kupedzerana navaranda vake vaiva nezvikwereti naye. 24Paakatangisa kutaura nezvezvikwereti izvozvo, pakauiswa mumwe kwaari akanga aine chikwereti naye chegumi rezviuru zvemari yamatarenda.#18:24 Yaiva mari yakawanda kwazvo yezviuru zvakazanirana kakapetwa kakawanda. Mari iyoyo yaikwana mubayiro wapamwedzi inosvika makore gumi namashanu. 25Nokuda kokuti akanga asingakwanisi kubhadhara, tenzi wake akati ngaatengeswe pamwechete nomudzimai wake navana nezvose zvaaiva nazvo kuti chikwereti chiripwe. 26Nezvo muranda uya akagwadama pasi achimuteterera achiti, “Tenzi ndiitireiwo mwoyo murefu. Ndichakudzorerai zvose zvazvo.”
27Tenzi womuranda uyu akamunzwira tsitsi ndokubva amuti aende zvake ndokumuregerera chikwereti chake chiya.
28Asi muranda mumwecheteyo paakanga avakubuda, akasangana nomumwe mushandi pamwe naye, akanga ane chikwereti kwaari chezana remari yamadhenari. Akabva amuti dzvi pahuro, achiti, “Ndibhadhare chikwereti changu.” 29Mumwe muranda uya mumwe wake akati pasi gwadagwa achimuteterera achiti, “Ingondiitirawo mwoyo murefu ndinokudzorera.” 30Asi iye akaramba ndokuenda ondomuisa mujeri kusvikira abhadhara chikwereti.
31Vamwe vake, varandawo pamwe naye, pavakaona zvakanga zvaitika, zvakavatsamwisa kwazvo. Vakaenda vakandotaurira tenzi wavo zvose zvakanga zvaitika.
32Ipapo tenzi wake akamudaidza, akati kwaari, “Iwe muranda wakaipa, ndakakuregerera chikwereti chose chiya nokuti wakanditeterera. 33Wanga usingafaniriwo here kunzwira urombo muranda pamwe newe sokukunzwira tsitsi kwandakakuitira?”
34Tenzi wake akashatirwa akamuendesa kuvarangi mujeri, “Kusvikira abhadhara chikwereti chake chose. 35Ndizvo zvichaitawo Baba vangu vari kudenga kuno mumwe nomumwe wenyu kana musingaregererani nemwoyo wose.”
Currently Selected:
:
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.