Mateu 17
17
Kubwinya kwaJesu pagomo
(Mako 9:2-13; Ruka 9:28-36)
1Mazuva matanhatu akati apfuura, Jesu akatora Petirosi, naJakobho, naJohani munun'una wake, akaenda navo mugomo refu vari voga. 2Akasanduka pamberi pavo; chiso chake chikapenya sezuva, nguo dzake dzikachena sechiedza. 3Pakarepo Mosesi naEria vakaonekwa navo, vachitaurirana naye. 4Zvino Petirosi akapindura, akati kuna Jesu, “Ishe, zvakanaka zvatiri pano; kana muchida, ndichavaka matumba matatu pano, rimwe renyu, rimwe raMosesi, rimwe raEria.”
5Akati achataura navo, tarira, gore rinobwinya rikavafukidza; izwi rikabva mugore, richiti, “Uyu Mwanakomana wangu mudiwa, wandinofarira, mumunzwei.”
6Vadzidzi vakati vachizvinzwa, vakawira pasi nezviso zvavo, vakatya zvikuru. 7Jesu akaswedera, akavabata, akati, “Simukai, musatya.”
8Vakati vachitarira, havana kuzoona munhu, asi Jesu bedzi.
9Zvino vakati vachiburuka mugomo, Jesu akavaraira, akati, “Musaudza munhu zvamaratidzwa, kusvikira Mwanakomana womunhu amuka kuvakafa.”
10Vadzidzi vakamubvunza, vachiti, “Vanyori vanotaurireiko, vachiti, Eria anofanira kutanga kuuya?”
11Akapindura, akati, “Eria achauya hake, avandudze zvinhu zvose.” 12Asi ndinoti kwamuri, “Eria akatosvika, asi havana kumuziva; asi vakamuitira pavakada napo. Saizvozvowo Mwanakomana womunhu achabva otambudzwa navo.”
13Zvino vadzidzi vakanzwisisa kuti akavaudza zvaJohani Mubhabhatidzi.
Jesu anoporesa mukomana ane mweya wakaipa
(Mako 9:14-29; Ruka 9:37-43)
14Vakati vasvika kuvanhu vazhinji, mumwe munhu akauya kwaari, akamupfugamira, akati, 15“Ishe, donzwirai mwanakomana wangu ngoni, nokuti ane tsviyo, anotambudzika kwazvo. Nokuti kazhinji anowira mumoto, kazhinji mumvura. 16Ndakauya naye kuvadzidzi venyu, vakasagona kumuporesa.” 17Jesu akapindura, akati, “Haiwa! Rudzi rusingatendi, rwakatsauka, ndichagara nemi kusvikira riniko? Ndichakuitirai mwoyo murefu kusvikira riniko? Uyai naye pano kwandiri.” 18Zvino Jesu akamuraira, mweya wakaipa ukabuda kwaari, mukomana akapora kubva panguva iyo.
19Zvino vadzidzi vakauya kuna Jesu vari voga, vakati, “Ko isu takanga tisingagoni neiko kuubudisa?”
20Akati kwavari, “Nemhaka yokutenda kwenyu kuduku, nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kana muno kutenda kwakaita setsanga yemasitadhi, mungati kugomo iri, ‘Ibva pano, enda koko!’ Ringaenda hakuna chinhu chingakukundai.” [ 21Asi rudzi urwu runongobva chete nokunyengetera, nokuzvinyima zvokudya.]
Jesu anotaura zvorufu rwake nokumuka kwake
(Mako 9:30-32; Ruka 9:43-45)
22Zvino vachafamba muGariria, Jesu akati kwavari, “Mwanakomana womunhu achabva oiswa mumaoko avanhu; 23vachamuuraya, asi nezuva retatu achamutswazve.” Vakafa neshungu kwazvo.
Jesu anoripa mari yetemberi
24Vakati vachisvika Kapenaume, vanhu vaigamuchira muripo wetemberi vakauya kuna Petirosi, vakati, “Mudzidzisi wenyu haateri mutero wetemberi here?”
25Akati, “Hongu.” Zvino akati achipinda mumba, Jesu akatanga kutaura kwaari, achiti, “Simoni, unofungeiko? Madzimambo enyika anotora muripo nomutero kunavanaaniko? Kuvana vavo kana kuvatorwa?”
26Akati, “Kuvatorwa.” Jesu akati kwavari, “Saka vana vakasununguka.
27“Asi, kuti tirege kuvagumbusa, enda kugungwa, ukande chiredzo, ubate hove inotanga kudyira; kana washamisa muromo wayo, uchawana sitaterimo; uritore, uvape kuripira ini newe.”
Currently Selected:
Mateu 17: SNA2002
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002
Mateu 17
17
Kusanduka KwaJesu
(Mak 9:2–13; Ruka 9:28–36)
1Mushure memazuva matanhatu, Jesu akatora Pita naJemusi naJohani munun'una wake akavatungamirira mugomo refu vari pachavo. 2Iye akasandurwa pamberi pavo. Uso hwake hwakapenya sezuva. Hanzu dzake dzakati mbuu kuchena sechiedza.
3Ndokubva Mosesi naEriya vaonekwa vachitaura naJesu. 4Pita akati kuna Jesu, “I–i, Tenzi, hakusi kunaka kwazvakaita ikoko kuti tive pano! Kana muchida zvenyu regai ndivake misasa mitatu pano. Mumwe wenyu mumwe waMosesi nomumwe waEriya.” 5Achiri kutaura kudaro, hero gore rinopenya rakavafukidza; izwi rakabva mugore richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wapamwoyo wandinofadzwa naye, zvikuru, munzwei.”
6Vadzidzi pavakanzwa izvi vakati kota kota pasi nouso vabatwa nokutya kukuru. 7Asi Jesu akauya akavabata achiti, “Simukai musatye.” 8Pavakazosimudza uso havana wavakaona kunze kwaJesu oga. 9Pavakanga vachiburuka mugomo, Jesu akavatsindidza kuti vasataurire munhu nezvechiratidzo ichocho, kusvikira Mwanakomana womunhu amutswa kuvakafa.
10Vadzidzi vakamubvunza kuti, “Ko pamusana pei nyanzvi dzomutemo dzichiti Eriya anofanira kutanga auya?” 11Iye akati, “Hongu Eriya anofanira kuuya, achizodzorera zvinhu zvose pakare. 12Asi ndinokutaurirai kuti Eriya akatouya nechekare; asi havana kumuziva. Vakaita paari madiro avo. Saizvozvowo Mwanakomana womunhu achatambudzika ari mumaoko avo.” 13Vadzidzi vakabva vanzwisisa kuti aireva Johani Muombeki.
Jesu anorapa mukomana aiva nemweya wakaipa maari
(Mak 9:14–29; Ruka 9:37–43a)
14Pavakasvika kumhomho yavanhu, mumwe murume akauya kwaari akapfugama pamberi pake 15achiti, “Tenzi nzwirai tsitsi mwanakomana wangu nokuti anorwara netsviyo uye anotambura zvikuru. Kazhinji kaanowira mumoto uye kazhinji kaanowira mumvura. 16Ndamuunza kuna vadzidzi venyu asi havana kugona kumurapa.”
17Jesu akapindura achiti, “Aiwaiwa rudzi rusingatendi uru! Rudzi rwakarasika zvarwo. Ndichange ndinemi kusvikira rini? Ndichaita mwoyo murefu nemi kusvikira rini? Uyai naye kuno kwandiri.” 18Jesu akamukarira, mweya wakaipa ukabva wabuda maari. Mukomana akabva arapwa pakarepo.
19Vadzidzi vakauya kuna Jesu vari pachavo voga. Vakati, “Ko isu tatadza nei kuudzinga?” 20Iye akati kwavari, “Pamusana perudaviro rwenyu rwudiki nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri dai muine chitendero chakaita setsanga yemastadhi, maigona kuti kugomo iri ibva apo uende apo richibva rabva. Hapana chamainge musingakwanisi.”#17:20 Mamwe maBhaibhiri akare anoti, “Asi rudzi urwu harubudi kusatoti kwanamatwa nokutsanya.”
Jesu anotaurazve nezverufu rwake
(Mak 9:30–32; Ruka 9:43b–45)
22Pavakanga vari pamwechete muGarirea Jesu akati kwavari, “Mwanakomana womunhu achaiswa mumaoko avanhu. 23Vachamuuraya asi mushure memazuva matatu achamutswa.” Vakabva vasuruvara zvikuru.
Jesu akabhadhara mutero
24Pavakasvika kuKapenaumu, vabhadharisi vomutero wehafu yemari yeshekeri vakaenda kuna Pita vakati, “Mudzidzisi wenyu haabhadhari mutero uyu here?” 25Iye akati, “Hongu.” Paakadzoka kumba, Jesu ndiye akatanga kutaura kwaari achiti, “Unofunga kuti kudii Simoni? Ndavapi vanobvisiswa mutero nomuripo namadzimambo panyika? Vana vavo here kana kuti vamwe zvavo?” 26Pita paakati vamwe zvavo. Jesu akati kwaari, “Saka vana havabhadhari, handiti? 27Asi kuti tirege kuvagumbura enda kugungwa undokandamo chirauro utore hove yokutanga inenge yabatwa. Paunozarura muromo wayo uchawana shekeri. Ritore undobhadharira ini newe.”
Currently Selected:
:
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.