Mateu 16
16
Jesu anoramba kuratidza chiratidzo
(Mako 8:11-13; Ruka 12:54-56)
1VaFarisi navaSadhusi vakauya kuzomuedza, vakakumbira kwaari kuti avaratidze chiratidzo chinobva kudenga. 2Asi akapindura, akati kwavari, “Panguva yamadekwana munoti, ‘Kuchachena, nokuti denga rakatsvuka.’ 3Mangwanani munoti, ‘Nhasi kuchasviba, nokuti denga rakatsvuka, richifiduka. Munoziva kududzira zvinoonekwa mudenga, asi hamugoni kududzira zviratidzo zvenguva. 4Rudzi rwakaipa rwoupombwe runotsvaka chiratidzo, asi harungapiwi chiratidzo, asi chiratidzo chaJona.’ ” Ipapo akavasiya, akabva.
Jesu anodudzira shoko rembiriso yavaFarisi navaSadhusi
(Mako 8:14-21)
5Zvino vadzidzi vakaenda mhiri, vakakanganwa kutora zvingwa. 6Jesu akati kwavari, “Tarirai, muchenjere mbiriso yavaFarisi navaSadhusi.”
7Vakarangana pakati pavo, vachiti, “Anodaro, nokuti hatina kutora chingwa.”
8Zvino Jesu, achizviziva, akati kwavari, “Imi vokutenda kuduku, munorangana pakati penyu nemhaka yeiko, kuti hamuna zvingwa? 9Hamunzwisisi nazvino here, kana kurangarira zvingwa zvishanu zvavanhu vane zviuru zvishanu, namatengu amakawana kuti aiva mangani? 10Kana zvingwa zvinomwe zvavanhu vane zviuru zvina, namatengu amakawana kuti aiva mangani? 11Hamunzwisisi neiko, kuti handina kutaura kwamuri pamusoro pezvingwa? Asi muchenjere mbiriso yavaFarisi navaSadhusi.”
12Zvino vakanzwisisa kuti haana kutaura kuti vachenjere mbiriso yezvingwa, asi dzidziso yavaFarisi navaSadhusi.
Petirosi anopupura kuti Jesu ndiye Kristu
(Mako 8:27-30; Ruka 9:18-21)
13Jesu akati asvika kumativi enyika yeKesaria Firipi, akabvunza vadzidzi vake, akati, “Vanhu vanoti Mwanakomana womunhu ndianiko?”
14Vakati, “Vamwe vanoti, Johani Mubhabhatidzi; vamwe Eria; vamwe Jeremiya, kana mumwe wavaporofita.” 15Akati kwavari, “Ko imi munoti ndini ani?”
16Ipapo Simoni Petirosi akapindura, akati, “Ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.”
17Jesu akapindura, akati kwaari, “Wakaropafadzwa iwe, Simoni Bharijona, nokuti nyama neropa hazvina kukuzivisa izvozvo, asi Baba vangu vari kudenga. 18Neni ndinoti kwauri, ndiwe Petirosi, pamusoro poruware urwu ndichavaka kereke yangu, masuo eHadhesi haangaikundi. 19Ndichakupa kiyi dzoushe hwedenga; chinhu chipi nechipi chauchasunga panyika, chichasungwa kudenga, nechinhu chipi nechipi chauchasunungura panyika, chichasunungurwa kudenga.”
20Ipapo akaraira vadzidzi vake kuti varege kuudza munhu kuti ndiye Kristu.
Jesu anovaudza zvokutambura kwake norufu rwake
(Mako 8:31-38; Ruka 9:22-27)
21Kubva panguva iyo Jesu akatanga kuzivisa vadzidzi vake, kuti anofanira kuenda Jerusaremu, kundotambudzwa zvizhinji navakuru navapristi vakuru navanyori, nokuurawa, nokumutswazve nezuva retatu.
22Petirosi akaenda naye vari voga, akatanga kumuraira, akati, “Mwari ngaakunzwirei ngoni, Ishe! Hamungaitirwi izvozvo.”
23Asi wakatendeuka, akati kuna Petirosi, “Ndibvirepo Satani! Uri chigumburiso kwandiri, nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvavanhu.”
Kutevera Jesu
(Mako 8:34-38; Ruka 9:23-26)
24Zvino Jesu akati kuvadzidzi vake, “Kana munhu achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere. 25Nokuti ani naani anoda kuponesa upenyu hwake, acharasikirwa nahwo; asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu, achahuwana. 26Nokuti munhu achabatsirwa neiko kana awana nyika yose, akarasikirwa noupenyu hwake? Kana munhu acharipeiko kuti adzikinure hupenyu hwake? 27Nokuti Mwanakomana womunhu achauya navatumwa vake nokubwinya kwaBaba vake; ipapo acharipira mumwe nomumwe paakashanda napo. 28Zvirokwazvo ndinoti kwauri, kuna vamwe vamire pano, vasingazonzwi rufu, vasati vaona Mwanakomana womunhu achiuya muushe hwake.”
Currently Selected:
Mateu 16: SNA2002
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002
Mateu 16
16
VaFarisei navaSadhusei vakakumbira chiratidzo chinobva kudenga
(Mak 8:11–13; Ruka 12:54–56)
1VaFarisei navaSadhusei vakauya kuna Jesu vachikumbira chiratidzo chinobva kudenga kuri kumuedza zvavo. 2Iye akavapindura achiti, “Kumanheru munoti, ‘Kunze kuchange kwakanaka nokuti denga rinenge rakatsvukirira.’ 3Kumangwanani munoti, ‘Nhasi kuchaita dutu nokuti denga rakatsvuka uye riri kutozezesa.’ Munoziva kutsanangura zvinoreva kutarisika kunenge kwakaita kunze, asi hamukwanisi kutsanangura zvinoreva zviratidzo zvenguva dzino. 4Muri chizvarwa chakaipa chenzenza chinotsvaka chiratidzo. Hapana chiratidzo chichapiwa kusiya chiratidzo chaJona.” Akabva avasiya oenda.
Mbiriso yavaFarisei navaSadhusei
(Mak 8:14–21)
5Vadzidzi pavakayambukira kumhiri kuya, vakanga vakanganwa kutakura chingwa. 6Jesu akati kwavari, “Chenjerai mungwarire mbiriso yavaFarisei navaSadhusei.” 7Vakazvikurukura pachavo vachiti, “Hatina kuuya nechingwa.”
8Jesu akazviziva akati, “Inga muri vanhu vechitendero chidiki. Ko munogokurukurirana zvokuti hamuna chingwa sei? 9Nazvino hamusati mavakunzwisisa? Hamuyeuki here zvezvingwa zvishanu zvezviuru zvishanu zvavanhu? Uye kuti makaunganidza tswanda ngani? 10Ko nezvezvingwa zvinomwe zvezviuru zvina zvavanhu? Makaunganidza tswanda ngani? 11Ko munotadza nei kunzwisisa kuti handisi kutaura nezvechingwa. Chenjererai mbiriso yavaFarisei navaSadhusei.” 12Ipapo vakabva vanzwisisa kuti akanga asingavataurire kuchenjerera mbiriso yechingwa asi yedzidziso yavaFarisei neyavaSadhusei.
Pita akadura pachena kuti Jesu ndiye Mesia
(Mak 8:27–30; Ruka 9:18–21)
13Jesu paakasvika kudunhu reSezariafiripi, akabvunza vadzidzi vake achiti, “Vanhu vanoti Mwanakomana womunhu ndiani?” 14Vakati, “Vamwe vanoti ndiJohani Muombeki vamwewo vachiti ndiEriya, vamwewo vachiti ndiJeremiya kana kuti mumwe wavaporofita.” 15Akazoti kwavari, “Ko imi, munoti ndini ani?” 16Simoni Pita akapindura achiti, “Ndimi Kristu chaiye Mwanakomana waMwari mupenyu.”
17Jesu akamupindurawo achiti, “Zvako wakakomborerwa Simoni mwanakomana waJona, nokuti haasi munhu ane nyama neropa akakuzivisa izvi asi Baba vangu vari kudenga. 18Zvino ini ndinoti kwauri ndiwe Pita#16:18 Pita: Zvinoreva ruware kana kuti dombo. uye paruware urwu ndichavakira sangano rangu. Masimba erufu haachazorikuriri. 19Ndichakupa kii dzoumambo hwedenga. Chose chauchasunga pasi pano chichabva chasungwawo kudenga. Chose chauchasunungura pasi pano chichabva chasunungurwawo kudenga.”
20Ipapo Jesu akatsindidza vadzidzi vake kuti vasataurire kana munhu zvake kuti ndiye Mesia.
Jesu anotaura nezvedambudziko norufu nokumuka kwake
(Mak 8:31—9:1; Ruka 9:22–27)
21Kubvira nguva iyoyo Jesu akatangisa kuratidza vadzidzi vake kuti anofanira kuenda kuJerusaremu achindotambudzika zvikuru zvichibva kuvakuru vakuru navapristi vakuru nenyanzvi dzomutemo ozouraiwa achizomutswa nezuva retatu. 22Pita akamutora ndokutanga kumutsiura achiti, “Mwari haangadaro Tenzi. Hazvimbofa zvakaitika kwamuri izvi.” 23Jesu akatendeuka akati kuna Pita, “Ndibvirepo, Satani! Uri chipinganidzo, nokuti hausiri kudivi kwaMwari, asi kudivi kwavanhu.”
Munhu anofanira kutakura muchinjikwa wake
(Mak 8:34—9:1; Ruka 9:23–27)
24Jesu akataurira vadzidzi vake achiti, “Kana munhu achida kunditevera ngaazvirambe atakure muchinjikwa wake anditevere, 25nokuti uyo anoda kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo. Uyo anorasikirwa noupenyu hwake pamusana pangu achahuwana. 26Nokuti zvinobatsirei munhu kuwana zvinhu zvapasi pose, iye achirasikirwa noupenyu hwake. Kana kuti angabvisei chokutsinhanisa noupenyu hwake? 27Nokuti Mwanakomana womunhu achauya navatumwa vake mumbiri yaBaba vake achizopa munhu nomunhu mubayiro wezvaakaita. 28Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuna vamwe vamire pano vasingambofi vakaona rufu, vasati vaona Mwanakomana womunhu achiuya noumambo hwake.”
Currently Selected:
:
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.