Mateu 15
15
Jesu anotuka vanyori navaFarisi pamusoro petsika dzavo
(Mako 7:1-23)
1Zvino vaFarisi navanyori vakauya kuna Jesu vachibva Jerusaremu, vakati, 2“Vadzidzi venyu vanodarikireiko tsika dzavakuru, nokuti havashambe maoko kana vachidya zvokudya?”
3Akapindura, akati kwavari, “Nemiwo munodarikireiko murayiro waMwari nokuda kwetsika dzenyu?
4“Nokuti Mwari wakati, ‘Kudza baba vako namai vako;’ uye, ‘Anotuka baba kana mai, ngaafe norufu.’ 5Asi imi munoti, ani naani anoti kuna baba vake kana mai vake, ‘Chinhu chipi nechipi chamaiti munobatsirwa nacho kwandiri, chava chipo kuna Mwari,’ 6haachakudzi baba vake kana mai vake, asi haane mhosva. Makatorera murayiro waMwari simba netsika dzenyu. 7Imi vanyengeri, Isaya akaporofita kwazvo pamusoro penyu, achiti,
8‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo,
Asi mwoyo yavo iri kure neni.
9Asi vanondinamata pasina,
Vachidzidzisa dzidziso nemirairo yavanhu.’ ”
10Zvino akadana vanhu vazhinji kwaari, akati kwavari, “Teererai, munzwisise. 11Izvo zvinopinda mumuromo, hazvisvibisi munhu, asi zvinobuda mumuromo, ndizvo zvinosvibisa munhu.”
12Zvino vadzidzi vakauya kwaari, vakati, “Munoziva kuti vaFarisi vakagumburwa vachinzwa shoko iri here?”
13Akapindura, akati, “Muti mumwe nomumwe usina kusimwa naBaba vangu vari kudenga uchadzurwa.” 14“Varegei; mapofu anotungamirira mapofu. Zvino kana bofu richitungamirira bofu, achawira mugomba ose ari maviri.”
15Petirosi akapindura, akati kwaari, “Tidudzireiwo mufananidzo uyu.” 16Iye akati, “Nazvino nemiwo muchigere kunzwisisa here? 17Hamunzwisisi here kuti zvose zvinopinda mumuromo, zvinoenda mudumbu, zvikazoraswa kunze? 18Asi zvinobuda mumuromo, zvinobva mumwoyo; ndizvo zvinosvibisa munhu. 19Nokuti mumwoyo munobuda mifungo yakaipa, nokuuraya, noupfeve, noupombwe, nokuba, nokupupura nhema, nokushonha Mwari; 20ndizvo zvinosvibisa munhu; asi kudya namaoko asati ashamba, hazvisvibisi munhu.”
Jesu anoporesa mwanasikana womukadzi weKanani
(Mako 7:24-30)
21Zvino Jesu akabvapo, akaenda kumativi enyika yeTire neSidhoni.
22Zvino, tarira, mukadzi muKanani akabva kunyika iyo, akadana, achiti, “Ndinzwirei ngoni, Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi; mwanasikana wangu akabatwa kwazvo nomweya wakaipa.”
23Asi haana kumupindura neshoko rimwe. Ipapo vadzidzi vake vakauya vakakumbira kwaari, vachiti, “Mumuendesei, nokuti anodanidzira shure kwedu.”
24Asi akapindura, akati, “Ndakangotumirwa kumakwai akarashika eimba yavaIsiraeri.”
25Zvino akauya, akamupfugamira, akati, “Ishe, dondibatsirai henyu.”
26Akapindura, akati, “Hazvina kunaka kutora chingwa chavana, ndokuchikandira mbwanana.”
27Akati, “Hongu, Ishe, kunyange nembwananawo dzinodya zvimedu zvinodonha patafura ravatenzi vadzo.”
28Zvino Jesu akapindura, akati kwaari, “Haiwa, mai, kutenda kwako kukuru, zvaunoda ngazviitwe.” Mwanasikana wake akapora kubva panguva iyo.
Jesu anoporesa vazhinji
29Jesu akati achibva ipapo, akaenda achitevedza gungwa reGariria, akakwira mugomo, akagarapo pasi. 30Zvino vanhu vazhinji vakauya kwaari navanokamhina, nezvirema, namapofu, nembeveve, navamwe vazhinji, vakavaisa pamberi paJesu; akavaporesa. 31Naizvozvo vanhu vazhinji vakashamiswa vachiona mbeveve dzichitaura, nezvirema zvapora, navanokamhina vachifamba, namapofu achiona; vakarumbidza Mwari wavaIsiraeri.
Vane zviuru zvina vanopiwa zvokudya naJesu
(Mako 8:1-10)
32Zvino Jesu akadanira vadzidzi vake kwaari, akati, “Ndine tsitsi navanhu vazhinji ava, nokuti atova mazuva matatu avakagara neni vasina zvavangadya; handidi kuvaendesa vane nzara, zvimwe vangaziya panzira.”
33Vadzidzi vakati kwaari, “Tichawanepiko murenje zvingwa zvakawanda zvakadaro, kuti tigutise vanhu vazhinji vakadai?”
34Jesu akati kwavari, “Mune zvingwa zvinganiko?” Vakati, “Zvinomwe, nehove duku shomanana.”
35Zvino akaraira vanhu vazhinji kuti vagare pasi; 36akatora zvingwa zvinomwe nehove, akavonga, akazvimedura, ndokupa vadzidzi vake, vadzidzi vakapa vanhu vazhinji.
37Vakadya vose, vakaguta; vakanonga zvimedu zvakasara, vakawana matengu manomwe azere. 38Vakadya vakanga vari varume vane zviuru zvina, vakadzi navana vasingaverengwi.
39Zvino akati aendesa vanhu vazhinji, akapinda muigwa, akasvika munyika yeMagadhani.
Currently Selected:
Mateu 15: SNA2002
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002
Mateu 15
15
Tsika dzamagamuchidzanwa dzamadzitateguru
(Mak 7:1–13)
1Kwakazouya vaFarisei nenyanzvi dzomutemo kuna Jesu vachibva kuJerusaremu vachiti, 2“Sei vadzidzi venyu vachidarika tsika dzamagamuchidzanwa dzamadzitateguru? Nokuti havashambi maoko avo pavanodya.” 3Jesu akavapindura achiti, “Ko imi munodarikirei mutemo waMwari nokuda kwamagamuchidzanwa enyu? 4Nokuti Mwari, akati, ‘Remekedza Baba naamai vako uye kuti munhu anotaura zvakaipa nezvababa kana amai vake anofanira kuti afe.’ 5Asi imi munoti, kana munhu akataurira baba vake kana amai vake achiti, ‘Zvandakanga ndichigona kuzokubatsirai nazvo ndazvipira kuna Mwari, haazosungirwa kuremekedza baba vake.’ 6Saizvozvo nokuda kwamagamuchidzanwa enyu, makaita kuti shoko raMwari#15:6 Shoko raMwari: Vamwe vanoti mutemo waMwari. rishaye maturo. 7Imi vanyengedzi, Isaya akaporofita zvechokwadi nezvenyu paakati,
8“ ‘Vanhu ava vanondikudza zvapamuromo chete
asi mwoyo yavo iri kure neni.
9Kundinamata kwavo ndekwenhando
vachidzidzisa, sechokwadi, mitemo yavanhu.’ ”
Zvinhu zvinon'oresa munhu
(Mak 7:14–23)
10Jesu akadaidza vanhu ndokuti kwavari, “Teererai munzwisise,
“Munhu haan'oreswe nezvinopinda mukanwa make
11asi zvinobuda mukanwa make
ndizvo zvinon'oresa munhu.”
12Vadzidzi vake vakauya vakati kwaari, “Munoziva here kuti vaFarisei vakagumbuka pavakanzwa zvamakataura zviya.” 13Iye akati, “Chose chisina kudyarwa naBaba vangu chichadzipurwa. 14Varegei vakadaro, mapofu avatungamiri. Zvino kana bofu, rikatungamirira rimwe bofu vachawira vose mugomba.” 15Asi Pita akati kwaari, “Titsanangurirei muenzaniso uyu.” 16Jesu ndokuti, “Nemiwo hamunzwisise nhai? 17Hamuoni here kuti chinhu chose chinopinda mukanwa chinopfuura#15:17 Chinopfuura: Vamwe vanoti chichibva chaburitswa. nomudumbu chichizobva chorasirwa kunze. 18Asi chinobuda mukanwa momunhu chinobva mumwoyo, ndicho chinon'oresa munhu. 19Nokuti mumwoyo ndimo munobva pfungwa dzakaipa dzinoti, umhondi noupombwe nokufeva nokuba nokurevera vamwe nhema uye kutaura zvakaipa nezvavamwe. 20Izvi ndizvo zvinon'oresa munhu asi zvokudya usina kushamba maoko hazvin'orese munhu.”
Mudzimai wechiKanani aiva nechitendero chakadzama
(Mak 7:24–30)
21Jesu akabvapo akaenda kudunhu reTire neSidhoni. 22Hoyo mumwe mudzimai wechiKanani, womudunhu iroro, akauya achichema achiti, “Ndinzwireiwo tsitsi, Tenzi, Mwanakomana waDhavhidhi; mwanasikana wangu akagarwa zvakanyanya nomweya wakaipa.” 23Asi Jesu haana chaakamupindura. Vadzidzi vake vakauya vakamukumbira vachiti, “Mutaurirei aende nokuti ari kutitevera achichema.” 24Iye akapindura achiti, “Ini ndakatumwa kuhwai dzakarasika dzemba yaIsiraeri.” 25Asi mudzimai uya akauya akapfugama pamberi pake achiti, “Tenzi, ndibatsirei zvenyu.” 26Jesu akamupindura achiti, “Hazvina kunaka kutora chingwa chavana uchichikanda kuimbwa.” 27Mudzimai uya akati, “Hongu zvazvo Tenzi; asi kunyange mbwanana dzinodya tumedu tunodonha pateburu yavatenzi vadzo.” 28Jesu akamupindura achiti, “Iwe mudzimai chitendero chako chikuru! Ngazviitwe sokuda kwako.” Mwanasikana wake akabva anaya pakarepo.
Jesu anorapa vanhu vazhinji
29Jesu akabva ikoko akazopfuura achitevedza gungwa reGarirea. Akakwira muchikomo ndokugara pasi imomo. 30Zvita zvavanhu zvakawanda zvakauya kwaari. Vakaungana kwaari nemhetamakumbo navakaremara namapofu nembeveve navamwe vakadaro. Vakavaisa patsoka dzake. Iye akavaporesa 31zvokuti gurusvusvu riya ravanhu rakashamiswa, pavakaona mbeveve dzichitaura, zvirema zvaita zvakanaka nemhetamakumbo dzavakufamba namapofu avakuona. Vakarumbidza Mwari wavaIsiraeri.
Jesu akagutsa zviuru zvina zvavanhu
(Mak 8:1–10)
32Jesu akadaidza vadzidzi vake akati, “Ndine urombo kwazvo negungano ravanhu iri nokuti vanga vaneni kwamazuva matatu aya zvino havachisina chokudya. Handide kuvaendesa nenzara vangadaro vakaziya#15:32 Vakaziya: Kuziya kana kuti kufizuka nenzara. panzira.” 33Vadzidzi vakamubvunza kuti, “Tingawane kupi chingwa chinokwana kugutsa gungano guru ravanhu rakadai murenje muno?”
34Jesu akati kwavari, “Mune zvingwa zvingani?” Ivo vakati, “Tine zvinomwe netuhove tushoma.” 35Akati vanhu vagare pasi. 36Akatora zvingwa zviya zvinomwe nehove. Akatenda, ndokuzvimedura ozvipa kuvadzidzi. Vadzidzi vakazvipawo kuvanhu. 37Vose vakadya vakaguta. Vakanhongerera zvimedu zvakasara zvikazadza tswanda nomwe. 38Vakadya vacho vaiva zviuru zvina zvavarume tisingaverengi zvedu vakadzi navana. 39Jesu akazoendesa vanhu ndokukwira mugwa woenda kudunhu reMagadhani.
Currently Selected:
:
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.