Mateu 14
14
Kuurawa kwaJohani Mubhabhatidzi
(Mako 6:14-29; Ruka 9:7-9)
1Nenguva iyo ishe Herodhi, akanzwa mukurumbira waJesu, 2akati kuvaranda vake, “Uyu ndiJohani Mubhabhatidzi; akamuka kuvakafa, saka masimba awa anobata maari.”
3Nokuti Herodhi akanga abata Johani, akamusunga, akamuisa mutorongo, nokuda kwaHerodhiasi, mukadzi waFiripi, munun'una wake.
4Nokuti Johani akati kwaari, “Hauna kutenderwa kuti uve naye.” 5Zvino akanga achida kumuuraya, asi akatya vanhu vazhinji, nokuti vaimuti muporofita.
6Asi zuva rokupemberera kuberekwa kwaHerodhi rakati rasvika, mukunda waHerodhiasi akatamba pamberi pavo, akafadza Herodhi.
7Naizvozvo wakamupikira nemhiko kuti, “Ndichamupa chipi nechipi chaanenge achakumbira.”
8Zvino iye, akati arayirwa namai vake, akati, “Ndipei pano mundiro musoro waJohani Mubhabhatidzi.”
9Mambo akazvidya mwoyo, asi nokuda kwokupika kwake, uye nokuda kwavakanga vagere pakudya, akaraira kuti apiwe. 10Akatuma vanhu kundogura musoro waJohani mutorongo. 11Vakauya nomusoro wake uri mundiro, musikana akaupiwa; iye akaenda nawo kunamai vake. 12Vadzidzi vake vakauya vakatora chitunha chake, vakachiviga; ndokuenda kundoudza Jesu.
Vane zviuru zvishanu vanopiwa zvokudya naJesu
(Mako 6:30-44; Ruka 9:10-17; Johani 6:1-14)
13Jesu akati azvinzwa, akabvapo negwa, akaenda kurenje ari oga. Zvino vanhu vachizvinzwa, vakabva kumaguta, vakamutevera netsoka. 14Zvino akati achibuda muigwa, akaona vanhu vazhinji-zhinji, akavanzwira tsitsi, akaporesa varwere vavo.
15Zvino ava madekwana, vadzidzi vakauya kwaari, vakati, “Pano irenje, zuva roda kuvira, endesai vanhu vazhinji, vaende kumisha, vandozvitengera zvokudya.”
16Asi Jesu akati kwavari, “Havafaniri havo kuenda; imi muvape zvavangadya.”
17Vakati kwaari, “Hatina chinhu pano, asi zvingwa zvishanu bedzi nehove mbiri.”
18Iye akati, “Uyai nazvo kuno kwandiri.” 19Akaraira vanhu vazhinji kuti vagare pasi pauswa, akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, ndokutarira kudenga, akavonga, akamedura zvingwa, ndokupa vadzidzi vake, vadzidzi vakapa vanhu vazhinji. 20Vakadya vose, vakaguta; vakaunganidza zvimedu zvakasara, matengu ane gumi namaviri azere. 21Vakanga vadya vaiva varume vane zviuru zvishanu, vakadzi navana vasingaverengwi.
Jesu anofamba pamusoro pemvura
(Mako 6:45-52; Johani 6:15-21)
22Pakarepo wakagombedzera vadzidzi vake kuti vapinde muigwa, vamutungamirire mhiri, iye ndokusara kuendesa vanhu vazhinji. 23Zvino akati aendesa vanhu vazhinji, akakwira mugomo ari oga kundonyengetera; ava madekwana akanga aripo ari oga.
24Asi igwa zvino rakanga rava pakati pegungwa, richitambudzika namafungu, nokuti mhepo yakanga ichivadzivisa.
25Nenguva yechina yousiku akauya kwavari, achifamba pamusoro pegungwa.
26Zvino vadzidzi vakati vachimuona achifamba pamusoro pegungwa, vakavhunduka, vachiti, “Madzimudzangara,” vakaridza mhere nokutya. 27Pakarepo Jesu akataura navo, akati, “Tsungai mwoyo ndini, musatya.”
28Zvino Petirosi akamupindura, akati, “Ishe, kana murimi, ndiraire kuti ndiuye kwamuri pamusoro pemvura.”
29Iye akati, “Uya!” Petirosi akaburuka muigwa, akafamba pamusoro pemvura, akaenda kuna Jesu.
30Asi akati achiona mhepo ine simba, akatya; zvino akati otanga kunyura, akadanidzira achiti, “Ishe, ndiponesei!”
31Pakarepo Jesu akatambanudza ruoko rwake, akamubata, akati kwaari, “Iwe unokutenda kuduku, wakona kutenda neiko?”
32Vakati vapinda muigwa, mhepo ikanyarara. 33Ipapo vakanga vari muigwa vakamupfugamira, vachiti, “Zvirokwazvo, ndimi Mwanakomana waMwari!”
34Vakati vayambukira mhiri, vakasvika panyika yeGenesareti. 35Varume venzvimbo iyo vakamuziva, vakatuma shoko panyika yose iyo yakapoteredza; vakauya kwaari navose vairwara; 36vakakumbira zvikuru kwaari kuti vabate chete mupendero wenguo yake; vose vakabata vakaporeswa.
Currently Selected:
Mateu 14: SNA2002
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002
Mateu 14
14
Rufu rwaJohani Muombeki
(Mak 6:14–29; Ruka 9:7–9)
1Panguva iyoyo Herodhi, mumwe wavatongi vana#14:1 Mumwe wavatongi vana: Tarisa Ruka 3:1–2. akanzwa zvomukurumbira waJesu akati kumakurukota ake, 2“Uyu ndiJohani Muombeki akamutswa muvafi, ndokusaka achigona kuita zvishamiso izvi” 3nokuti Herodhi akanga abata Johani akamusunga ndokumuisa mujeri pamusana paHerodhiasi mudzimai womunun'una wake Firipi. 4Chikonzero ndechokuti Johani akanga amuti, “Hazvibvumirwi, pamutemo, kuti agare naye.” 5Kunyange zvazvo aida kumuuraya aitya vanhu nokuti vaimutora somuporofita. 6Asi pakasvika zuva rokupemberera kuberekwa kwaHerodhi, mukunda waHerodhiasi akatamba pamberi pechikwata chose chavanhu akafadza Herodhi 7zvokuti akatsidza nemhiko kumupa chose zvacho chaangakumbire. 8Asokwa mashoko naamai vake akati, “Ndipei, musoro waJohani Muombeki mudhishi iye zvino.” 9Mambo zvakamutambudza mwoyo asi nokuda kwemhiko dzake uye pamusanawo pavaenzi vake akati ngaapiwe. 10Akatuma munhu kuti andodimura musoro waJohani mujeri. 11Musoro wake wakaunzwa uri mudhishi ukapiwa kumusikana. Iyewo akaenda nawo kuna amai vake. 12Vadzidzi vaJohani vakauya vakatora chitunha ichocho vakachiviga. Vakaenda vakandotaurira Jesu.
Jesu anogutsa zviuru zvishanu zvavanhu
(Mak 6:30–44; Ruka 9:10–17; Joh 6:1–14)
13Jesu paakanzwa izvi, akabva ipapo negwa akaenda kunzvimbo isina vanhu, kwake oga. Voruzhinji rwavanhu pavakazvinzwa vakatevera ikoko netsoka vachibva mumaguta. 14Paakabuda mugwa pamahombekombe, akaona chita chikuru chavanhu. Akavanzwira tsitsi akaporesa varwere vavo. 15Zuva parakanga rava kuda kudoka, vadzidzi vake vakauya kwaari vakati, “Muno murenje uye kwava kudoka. Dai machiendesa vanhu vaende mumisha vandozvitengera zvokudya.” 16Jesu akati, “Havafaniri kuenda. Vapei iyemi zvokudya.” 17Vakati kwaari, “Pano tinongova nezvingwa zvishanu nehove mbiri chete.” 18Iye akati, “Uyai nazvo kuno kwandiri.” 19Akati vanhu ngavagare pasi pauswa. Akatora zvingwa zviya zvishanu nehove mbiri. Akatarisa kudenga, ndokukomborera, ndokumedura, akapa zvingwa zviya kuvadzidzi. Vadzidzi vakazvipa kuvanhu. 20Vose vakadya vakaguta. Vakaunganidza tswanda gumi nembiri dzizere dzezvimedu zvakasara. 21Vanhu vakadya vaiva zviuru zvishanu zvavarume tisingaverengi zvedu vakadzi navana.
Jesu anofamba pamusoro pemvura
(Mak 6:45–52; Joh 6:15–21)
22Pakarepo akagombedzera vadzidzi kuti vakwire mugwa kuti vafanotungamira kumhiri; iye oonekana negungano riya ravanhu. 23Paakapedza kuonekana negungano riya ravanhu akakwira mugomo ari oga kundonamata. Paakanga ava madeko, akanga arimo ari oga. 24Asi igwa, panguva iyoyo, rakanga rava makiromita akawanda kubva kumahombekombe#14:24 Kumahombekombe: Vamwe vanoti rakanga rava pakati pegungwa. richiitwa suku nasai namafungu nokuti mhepo yakanga yakanangana navo. 25Kuzoti yava nguva yomurirakamwe akauya kwavari achifamba pamusoro pegungwa. 26Asi vadzidzi pavakamuona achifamba pamusoro pegungwa vakatya zvikuru vachiti, “Idzimudzangara.” Vakaridza mhere nokutya. 27Pakarepo Jesu akabva ataura kwavari achiti, “Tsungai mwoyo, ndini. Musatye.”
28Ipapo Pita akati, “Tenzi kana murimi, itii ndiuye kwamuri ndichifambawo pamusoro pemvura.” 29Iye akati, “Uya.” Pita akabuda mugwa akafamba napamusoro pemvura achienda kuna Jesu. 30Pita paakaona mhepo, akatya. Akatangisa kunyura ndokudaidzira achiti, “Tenzi ndiponesei.” 31Pakarepo Jesu akabva atambanudza ruoko rwake akamubata achiti kwaari, “Inga une chitendero chiduku. Wakahadzikireiko.”#14:31 Wakahadzikireiko: Vamwe vanoti wapokanireiko.
32Pavakakwira mugwa, mhepo yakabva yanyarara. 33Vaya vaiva mugwa vakamugwadamira vachiti, “Zvechokwadi imi muri Mwanakomana waMwari.”
Vanhu vanorapwa naJesu kuGenezareti
(Mak 6:53–56)
34Zvino kuzoti vayambuka mhiri, vakasvika kuGenezareti. 35Varume voko pavakamuziva, vakatuma nhume kunharaunda iyoyo yose vakaunza kwaari vose vairwara. 36Vakamukumbirisa kuti vangobatawo mupendero wehanzu yake. Vose vakaibata vakaporeswa.
Currently Selected:
:
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.