Mateu 13
13
Mufananidzo womukushi
(Mako 4:1-20; Ruka 8:4-15)
1Nezuva iro Jesu akabuda mumba, akandogara pagungwa. 2Zvino vanhu vazhinji-zhinji vakaungana kwaari, nokudaro akapinda muigwa, akagaramo vazhinji vose vakamira pamhenderekedzo. 3Ipapo akavaudza zvinhu zvizhinji nemifananidzo, akati, “Tarirai, mukushi akabuda kundokusha. 4Zvino pakukusha kwake dzimwe mbeu dzakawira panzira, shiri dzikasvika dzikadzidya. 5Dzimwe dzakawira parukangarabwe, padzakanga dzisina ivhu zhinji, dzikamera pakarepo, nokuti dzakanga dzisina ivhu rakadzika.
6“Asi zuva rakati rabuda, dzikapiswa; dzikaoma, nokuti dzakanga dzisina mudzi. 7Dzimwe dzakawira muminzwa; minzwa ikamera, ikadzivhunga.
8“Asi dzimwe dzakawira muvhu rakanaka, dzikabereka vana; dzimwe zana, dzimwe makumi matanhatu, dzimwe makumi matatu.”
9“Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.”
10Zvino vadzidzi vakauya, vakati kwaari, “Munotaurireiko kwavari nemifananidzo?”
11Akapindura, akati kwavari, “Nokuti imi makapiwa kuziva zvakavanzika zvoushe hwedenga, asi ava havana kupiwa. 12Nokuti ani naani anazvo achapiwa, ave nezvakawanda; asi ani naani asina, achatorerwa nyangwe nezvaanazvo. 13Naizvozvo ndinotaura kwavari nemifananidzo, nokuti vanoona, asi havaoni; vanonzwa, asi havanzwi, kana kunzwisisa. 14Kuporofita kwaIsaya kwakaitika kwavari, kunoti,
‘Kunzwa, muchanzwa,
musingatongonzwisisi;
Kuona, muchaona, musingatongoonesesi;
15Nokuti mwoyo yavanhu ava yava mikukutu,
Nzeve dzavo hadzinzwi zvakanaka;
Nameso avo vakaatsinzina.
Kuti zvimwe varege kuona nameso,
Nokunzwa nenzeve,
Nokunzwisisa nomwoyo,
Kuti varege kupinduka
Ini ndichivaporesa.’
16“Asi meso enyu akaropafadzwa, nokuti anoona; nenzeve dzenyu, nokuti dzinonzwa. 17Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuti vaporofita navakarurama vazhinji vakanga vachida kuona zvinhu zvamunoona, asi havana kuzviona; nokunzwa zvamunonzwa, asi havana kuzvinzwa.
18“Naizvozvo imi inzwai mufananidzo womukushi. 19Kana munhu akanzwa shoko roushe, asingarinzwisisi, muipi anosvika, ndokubvuta chakakushwa mumwoyo make. Ndiye akakushwa munzira.
20“Asi akakushwa parukangarabwe, ndiye anonzwa shoko, ndokurigamuchira pakarepo nomufaro. 21Asi haana mudzi mukati make, ndiye wechinguva chiduku; kana kutambudzika nokuvengwa zvichiuya nokuda kweshoko, pakarepo anogumburwa. 22Akakushwa pakati peminzwa, ndiye anonzwa shoko; zvino kufunganya kwenyika nokunyengera kwepfuma zvinounga shoko, rikashaiwa zvibereko. 23Akakushwa muvhu rakanaka, ndiye anonzwa shoko, akarinzwisisa; ndiye anobereka zvibereko, mumwe achiita zana, mumwe makumi matanhatu, mumwe makumi matatu.”
Mufananidzo wemasawi nezviyo
24Akaisa pamberi pavo mumwe mufananidzo, achiti, “Ushe hwedenga hunofanidzwa nomunhu akakusha mbeu yakanaka mumunda make. 25Asi vanhu vavete, muvengi wake akauya, akakusha masawi pakati pezviyo, akaenda. 26Asi chipande chakati chamera nokubereka, zvino masawi akaonekwawo. 27Zvino varanda vomuridzi weimba vakauya, vakati kwaari, ‘Ishe, hamuna kukusha mbeu yakanaka mumunda menyu here? Munda wawanepiko masawi?’ 28Akati kwavari, ‘Munhu anondivenga aita izvozvo.’ Varanda vakati kwaari, ‘Ko munoda kuti tindoaunganidza here?’ 29Akati, ‘Kwete, zvimwe kana muchiunganidza masawi, mungadzura nezviyowo.’
30“Regai zvikure zvose zviri zviviri kusvikira pakucheka; nenguva yokucheka ndichati kuvacheki, ‘Tangai kuunganidza masawi, muasunge zvimwanda kuti apiswe, asi mututire zviyo mudura rangu.’ ”
Mufananidzo wembeu yemasitadhi, nowembiriso
(Mako 4:30-32; Ruka 13:18-19)
31Akaisa pamberi pavo mumwe mufananidzo, achiti, “Ushe hwedenga hwakafanana netsanga yembeu yemasitadhi, yakatorwa nomunhu, akaidyara mumunda make; 32iyo iduku kumbeu dzose, asi kana yakura, ihuru pamiriwo yose, inoita muti wakakura ukadaro kuti shiri dzedenga dzinouya, dzichigara mumatavi awo.”
33Akavaudza mumwe mufananidzo, akati, “Ushe hwedenga hwakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi, akaiisa muzviero zvitatu zvoupfu, kusvikira hwose hwaviriswa.”
34Zvinhu zvose Jesu wakaudza vanhu vazhinji nemifananidzo; haana kutaura chinhu kwavari asingafananidzi; 35kuti zviitike zvakarehwa nomuporofita, achiti,
“Ndichataura nemifananidzo,
Ndichataura zvakavanzika
kubva pakuvambwa kwenyika.”
Kududzirwa kwomufananidzo wamasawi nezviyo
36Zvino Jesu akati aendesa vanhu vazhinji, akapinda mumba, vadzidzi vake vakauya kwaari, vakati, “Tidudzirei mufananidzo wamasawi omumunda.”
37Akapindura, akati, “Anokusha mbeu yakanaka ndiye Mwanakomana womunhu. 38Munda inyika; mbeu yakanaka ndivo vanakomana voushe, masawi ndiwo vanakomana vomuipi. 39Muvengi akakusha ndiye Dhiabhori; kucheka ndiko kuguma kwenyika; vacheki ndivo vatumwa vaMwari.
40“Zvino masawi sezvaanounganidzwa achipiswa mumoto, ndizvo zvichaitwa pakuguma kwenyika. 41Mwanakomana womunhu achatuma vatumwa vake, vagounganidza muushe hwake zvose zvinogumbusa, navanoita zvisakarurama, 42vachavakandira muvira romoto; ipapo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno. 43Ipapo vakarurama vachapenya sezuva muushe hwaBaba vavo. Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.
Mufananidzo wepfuma yakavanzwa
44“Ushe hwedenga hwakafanana nepfuma yakavanzwa mumunda, iyo yakawanikwa nomunhu, akaivanzazve; zvino nokufara kwake anoenda, akatengesa zvose zvaanazvo, akatenga munda uyo.
Mufananidzo wamapera
45“Ushe hwedenga hwakafananazve nomushambadzi anotsvaka mapera akanaka; 46akati awana pera rimwe rinomutengo mukuru, akaenda, akandotengesa zvose zvaakanga anazvo, akaritenga iro.
Mufananidzo wousvasvi
47“Ushe hwedenga hwakafananazve nousvasvi hunokandirwa mugungwa, hunounganidza marudzi ose ehove; 48kana hwazara vanohukwevera pamhenderekedzo, vakagara pasi, vakaunganidzira dzakanaka mumidziyo, asi dzakaipa vanodzirasa. 49Ndizvo zvichaitwa pakuguma kwenyika; vatumwa vachabuda, vachabudisa vakaipa pakati pavakarurama, 50vachavakandira muvira romoto; ipapo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.”
51(Jesu akati kwavari), “Manzwisisa izvozvo zvose here?” Vakati kwaari, “Hongu, Ishe.”
52Akati kwavari, “Naizvozvo munyori mumwe nomumwe wakadzidziswa zvoushe hwekudenga, akafanana, mwene weimba, anobudisa zvinhu zvitsva nezvekare papfuma yake.”
Jesu anoshorwa muNazareta
(Mako 6:1-6; Ruka 4:16-30)
53Jesu akati apedza mifananidzo iyo, akabvapo. 54Akasvika kunyika yake, akavadzidzisa musinagoge ravo, nokudaro vakakatyamara, vakati, “Munhu uyu awanepiko kuchenjera uku namabasa esimba? 55Ko haasi mwanakomana womuvezi here? Ko mai vake havazonzi Maria here, vakoma navanun'una vake havanzi Jakobho, naJosefa, naSimoni, naJudhasi here. 56Nehanzvadzi dzake hadzisi pakati patiri dzose here? Ko iye akagowanepi zvinhu izvozvo zvose?”
57Vakagumburwa naye. Asi Jesu akati kwavari, “Muporofita haangashayiwi kukudzwa, asi munyika yake, nomumba make.” 58Akasaita mabasa esimba mazhinji ipapo nokusatenda kwavo.
Currently Selected:
Mateu 13: SNA2002
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002
Mateu 13
13
B: CHIKAMU CHINOTSANANGURA ZVOUMAMBO HWEDENGA NEMIENZANISO
Muenzaniso womukushi
(Mak 4:1–9; Ruka 8:4–8)
1Nezuva iroro Jesu akabva mumba muya akandogara pamahombekombe egungwa. 2Akaunganirwa nechita chikuru chavanhu zvokuti akatozokwira mugwa ogaramo. Gungano rose ndokuti chechetere kumira pamahombekombe. 3Akavataurira zvinhu zvizhinji nemienzaniso achiti: “Mukushi akaenda kundokusha mbeu. 4Paakanga achikusha kudaro, dzimwe mbeu dzakandowira munzira. Shiri dzakauya dzikadzidya. 5Dzimwe dzakawira parukangarahwe padzisina kuwana ivhu rakadzika. Dzakabva dzakurumidza kumera nokuti dzakanga dzisina ivhu rakawanda. 6Kuzoti zuva rakwira dzakatsva. Sezvo dzakanga dzisina midzi; dzakashwauruka. 7Dzimwe dzakandowira muminzwa. Minzwa yakakura ikadzivhunga. 8Dzimwe dzakawira muvhu rakanaka dzikabereka mbesa. Dzimwe dzakaita zana, dzimwe makumi matanhatu. Dzimwe makumi matatu. 9Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.”
Jesu aitaurirei nemienzaniso
(Mak 4:10–12; Ruka 8:9–12)
10Vadzidzi vakazouya kwaari vakati, “Munotaurirei kwavari nemienzaniso?” 11Iye akavapindura achiti, “Imi makapiwa ruzivo rwezvakavandika zvoumambo hwokudenga. Asi ivo havana kuzvipiwa 12nokuti uyo anazvo achawedzerwa zvimwe achitova nezvakawandisa. Asi uyo asina, kunyange chaanacho achachitorerwa. 13Ndokusaka ndichitaura kwavari nemienzaniso:
“Nokutarisa vanotarisa zvavo asi vasingaoni
uye kunzwa vanonzwa zvavo;
asi havateereri kana kunzwisisa.
14Kwavari zvinobva zvazadziswa
zvakataurwa nomuporofita Isaya achiti,
‘Zvokuteereresa regaika zvenyu kuteerera
handiti mungadaro mukazonzwisisa,
kana zvokutarisa regai zvenyu kutarisisa
mungadaroka mukazonyatsoona.
15Nokuti mwoyo yavanhu ava yakasindimara,
vakatyorera zvimiti munzeve,
vakatsinzinya maziso
nokuti vangadaro vakaona nameso avo;
vakanzwa nenzeve dzavo
uye vangadaro vakanzwisisa mumwoyo mavo
vakazopindukira kwandiri ndikavaponesa.’
16“Akakomborerwa zvawo maziso enyu nokuti anoona nenzeve dzenyu nokuti dzinonzwa. 17Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwamuri vaporofita vazhinji navanhu vakarurama vaisuwira kuona zvamuri kuona asi havana kuzviona uye kunzwa zvamuri kunzwa asi havana kuzvinzwa.
Tsananguro yomuenzaniso womukushi wembeu
(Mak 4:13–20; Ruka 8:11–15)
18“Chinzwisisai muenzaniso uya womukushi. 19Kana munhu akanzwa mashoko oumambo uhu asinganzwisisi, muipi anouya obvuta zvinenge zvadyarwa mumwoyo make. Ndivo vakadyarwa munzira. 20Yakadyarwa parukangarahwe, ndiye uya anonzwa shoko obva arigamuchira norufaro 21asi haana mudzi maari anotirira kwechinguva. Kana nhamo namatambudziko zvamuka pamusana peshoko, anobva atsauka. 22Yakadyarwa muminzwa ndouyo anonzwa izwi asi kuzvidya mwoyo nezvapanyika nokutorwa mwoyo noupfumi, zvinovhunga izwi, rokundikana kubereka muchero. 23Asi yakadyarwa muvhu rakanaka, ndouyo anonzwa shoko achirinzwisisa uye anobereka muchero achikohwa mumwe zana, mumwewo makumi matanhatu mumwe makumi matatu.”
Muenzaniso wesawi
24Akavataurira mumwe muenzaniso achiti, “Umambo hwedenga hungafananidzwe nomunhu akadyara mbeu yakanaka mumunda make. 25Asi vanhu vakarara, muvengi wake akauya akadyara sawi mukati mekoroni akabva aenda. 26Padzakabuda dzikatumbuka sawi rakaonekwawo.” 27Vashandi vepamba ipapo vakauya vakati kwaari, “Changamire, hamuna kudyara mbeu yakanaka here mumunda menyu? Ko sawi rakazobva kupi?” 28Iye akati kwavari, “Muvengi ndiye akaita izvi.” Vashandi vakati kwaari, “Mungade here kuti tindoridzura?”#13:28 Tindoridzura: Izwi iri rinoreva kudzura uine pfungwa yokuunganidza. 29Asi iye akati, “Kwete, mungadaro mukadzipurirana nekoroni pamunenge muchidzura sawi. 30Regai zvikurirane pamwechete kusvikira panguva yokukohwa. Panguva yokukohwa ndichataurira vakohwi kuti, ‘Tangai kuunganidza sawi murisunge muzvisumbu kuti zvipiswe muunganidze koroni muitutire mudura rangu.’ ”
Muenzaniso wetsanga yemasitadhi
(Mak 4:30–32; Ruka 13:18–19)
31Akavataurira mumwe muenzaniso achiti, “Umambo hwedenga hwakaita setsanga yemasitadhi yakatorwa nomunhu akaidyara mumunda make. 32Ndiyo tsanga dukuduku pane dzimwe tsanga dzose. Asi kana ichinge yakura inoita gwenzi guru kupinda mamwe ose, ichizova muti, zvokuti shiri dzedenga dzinouya dzichizoita matendere adzo mumapazi awo.”
Muenzaniso wembiriso
(Ruka 13:20–21)
33Jesu akavataurira mumwe muenzaniso achiti, “Umambo hwedenga hwakaita sembiriso yakatorwa nomumwe mudzimai akaisanganisa nezviereso zvitatu zvoupfu hwekoroni kusvikira mukanyiwa wose wafuta.”
Jesu anodzidzisa nemienzaniso
(Mak 4:33–34)
34Jesu akataura zvose izvi kugungano ravanhu nemienzaniso. Hapana zvaaimbovataurira asingashandisi mienzaniso. 35Izvi zvaizadzisa zvakambotaurwa nomuporofita zvokuti,
“Ndichazarura muromo wangu
ndichitaura nemienzaniso.
Ndichadudzira zvakavandika zvapasichigare.”
Jesu anotsanangura muenzaniso wesawi
36Akabva pagungano ravanhu akapinda mumba. Vadzidzi vake vakauya kwaari vachiti, “Titsanangurirei muenzaniso wesawi romumunda.” 37Jesu akapindura achiti, “Anodyara mbeu yakanaka ndiye Mwanakomana womunhu. 38Munda wacho ndiyo nyika. Mbeu yakanaka ndivo vana voumambo. Sawi ndivo vana vomuipi. 39Muvengi akaridyara ndiDhiabhori. Kukohwa ndiko kuguma kwapasi. Vakohwi ndivo vatumwa. 40Sokuunganidzwa kunoitwa sawi richipiswa nomoto ndizvo zvichaitwawo pakuguma kwapasi. 41Mwanakomana womunhu achatuma vatumwa vake. Vachaunganidza vagobvisa muumambo hwake vose vanokonzera vanhu kutadza navose vanoita zvakaipa 42vachivakanda muvira romoto. Ikoko vanhu vachachema vachirumanidza mazino. 43Vakarurama vachapenya sezuva muumambo hwababa vavo. Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.
Muenzaniso woupfumi hwakavigwa
44“Umambo hwodenga hwakaita soupfumi hwakavigwa mumunda hunoti kana munhu ahuwana anohuvigazve. Pamusana pokufara, anoenda ondotengesa zvose zvaanazvo otenga munda iwoyo.
Muenzaniso wamatombo amapera anokosha
45“Uyewo umambo hwedenga hwakaita somunhu anoshava matombo amapera anokosha 46anoti kana awana pera rimwechete rinokosha kwazvo, anoenda ondotengesa zvose zvaanazvo oritenga.
Muenzaniso wousvasvi kana kuti rutava
47“Umambo hwedenga hwakafananazve nousvasvi hwakakandwa mugungwa hukakukudza hove dzorudzi norudzi. 48Pahwakanga hwazara, vakahukwevera pamahombekombe. Vakagara pasi vachisarudza dzakanaka vachiisa mumidziyo vachirasa dzakaipa. 49Ndizvozvo zvichaitwawo pakuguma kwapasi. Vatumwa vachabuda vachindokamura vakaipa kubva muna vakarurama 50vachivakanda mubisiro romoto. Imomo vanhu vachachema vachirumanidza mazino.
Mazwi okuzarira zvemienzaniso youmambo hwedenga
51“Manyatsonzwisisa here zvose izvi?” Ivo vakati kwaari, “Hongu.” 52Iye akati kwavari, “Sokudaro nyanzvi yose yomutemo yakanyatsodzidziswa zvomutemo woumambo hwedenga, yakafanana nasaimba anoburitsa mudura rake zvitsva nezvitsaru.”
V: SANGANO, MICHERO YOKUTANGA YOUMAMBO HWEDENGA
A: CHIKAMU CHOKUTSANANGURA
Jesu anoshanyira Nazareti
(Mak 6:1–6; Ruka 4:16–30)
53Jesu paakapedza mienzaniso iyi, akabvapo oenda. 54Paakasvika kunyika yokwake, akavadzidzisa musinagogu mavo zvokuti vakashamiswa vachiti, “Munhu uyu akawanepi ungwaru uhu nezvishamiso izvi? 55Haasiri iye here mwanakomana womuvezi? Amai vake handivo here vanonzi Maria? Ko vana Jemusi naJosefi naSimoni naJudhasi havasi mukoma nomunun'una naye here? 56Inga hanzvadzi dzake dzose tinadzo wani. Ko munhu uyu, zvose izvi akazviwana kupi?” 57Vakagumbuka naye. Jesu akati kwavari, “Muporofita anoremekedzwa kumwe kose kusiya munyika make nomumusha make.” 58Haana kukwanisa kuita zvishamiso zvizhinji ikoko nokuda kokusatenda kwavo.
Currently Selected:
:
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.