Mateu 12
12
Jesu Ishe weSabata
(Mako 2:23-28; Ruka 6:1-5)
1Nenguva iyo Jesu akafamba napakati peminda yezviyo nomusi weSabata; vadzidzi vake vakanga vane nzara, vakapurura hura, vachidya. 2VaFarisi vakati vachizviona, vakati kwaari, “Tarira, vadzidzi vako vanoita zvisina kutenderwa nomusi weSabata.”
3Asi akati kwavari, “Ko hamuna kurava here zvakaitwa naDhavhidhi, musi waakanga aziya, iye navakanga vanaye; 4kuti akapinda mumba maMwari, akadya zvingwa zvokuratidza, zvakanga zvisina kutenderwa kudyiwa naye, navaiva naye, asi navapristi bedzi? 5Ko hamuna kurava muMutemo, kuti neSabata vapristi vanotyora murayiro weSabata mutemberi, vasina mhosva? 6Asi ndinoti kwamuri, anokurira temberi ari pano. 7Asi dai maiziva kuti zvinoti kudini kuti, ‘Ndinoda ngoni, handidi chibayiro,’ mungadai musina kutonga vasina mhosva. 8Nokuti Mwanakomana womunhu ndiye Ishe weSabata.”
Jesu anoporesa munhu waiva noruoko rwakakokonyara
(Mako 3:1-6; Ruka 6:6-11)
9Akabvapo, akapinda musinagoge ravo. 10Zvino tarira, kwakanga kunomunhu akanga anoruoko rwakakokonyara. Vakamubvunza, vachiti, “Zvakatenderwa kuporesa neSabata here?” Kuti vamupomere mhosva.
11Akati kwavari, “Ndiani kwamuri angava negwai rimwe, kana rikawira mugomba neSabata, angarega kuribata akaribudisa here? 12Munhu anopfuura hwai zvikuru sei! Saka zvakatenderwa kuita zvakanaka neSabata.” 13Zvino akati kumunhu, “Tambanudza ruoko rwako!” Akarutambanudza, rukapora, rukava sorumwe. 14Zvino vaFarisi vakabuda, vakarangana pamusoro pake, kuti vangamuuraya sei.
15Jesu akati achizviziva, akabvapo; vanhu vazhinji vakamutevera, akavaporesa vose, 16akavaraira kuti varege kumuzivisa pachena, 17kuti zviitike zvakarehwa nomuporofita Isaya, achiti,
18“Tarira, muranda wangu wandakasanangura;
Mudikanwi wangu, anofarirwa nomweya wangu,
Ndichaisa Mweya wangu pamusoro pake,
Iye achazivisa vahedheni kutonga.
19Haangarwi, haangaiti mhere-mhere;
Hakuna munhu achanzwa izwi rake mumigwagwa.
20Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni,
Nomwenje unopwititika haangaudzimi,
Kusvikira achiita kutonga kuti kukunde.
21Vahedheni vachaita zita rake tariro yavo.”
Jesu anobudisa mweya wakaipa, ndokudadirwa navaFarisi
(Mako 3:20-30; Ruka 11:14-23)
22Zvino vakaisa kwaari munhu aiva nomweya wakaipa, raiva bofu nembeveve; akamuporesa, naizvozvo mbeveve yakataura nokuonawo. 23Vanhu vazhinji vose vakashamiswa, vakati, “Ko uyu haasi mwanakomana waDhavhidhi here?”
24Zvino vaFarisi vakati vachizvinzwa, vakati, “Munhu uyu haabudisi mweya yakaipa, asi naBheerizebhuri, muchinda wemweya yakaipa.”
25Zvino Jesu achiziva kufunga kwavo, akati kwavari, “Ushe humwe nohumwe hunozvipesanisa, hunoparadzwa; neguta kana imba inozvipesanisa, haingamiri. 26NaSatani kana achibudisa Satani, anozvipesanisa; ushe hwake huchamira seiko?
27“Neni, kana ndichibudisa mweya yakaipa naBheerizebhuri, ko vanakomana venyu vanoibudisa nani? Saka ivo vachava vatongi venyu. 28Asi kana ndichibudisa mweya yakaipa noMweya waMwari, ipapo hushe hwaMwari hwasvika kwamuri.
29“Munhu angapinda seiko paimba yaanesimba, akatora nhumbi dzake, kana asati ambosunga uya anesimba? Ipapo achaparadza imba yake. 30Asi neni, anopesana neni, noasingaunganidzi neni, anoparadza.
31“Naizvozvo ndinoti kwamuri, vanhu vacharegererwa zvivi zvose nokushonha, asi kushonha Mweya, havangaregererwi. 32Ani naani anotaura shoko rakaipa pamusoro poMwanakomana womunhu, acharegererwa asi anotaura shoko rakaipa pamusoro peMweya Mutsvene, haaregererwi, kana panguva ino, kana pane inouya.
33“Itai muti uve wakanaka, nemichero yawo yakanakawo; kana itai muti uve wakaipa, nemichero yawo yakaipawo; nokuti muti unozikanwa nemichero yawo. 34Imi, vana venyoka, mungagona seiko kutaura zvinhu zvakanaka, zvamuri vakaipa? Nokuti muromo unotaura zvizere mumwoyo.
35“Munhu akanaka anobudisa zvinhu zvakanaka papfuma yake yakanaka; nomunhu akaipa anobudisa zvinhu zvakaipa papfuma yake yakaipa. 36Ndinoti kwamuri, shoko rimwe nerimwe risina maturo rakarehwa navanhu, vachazvidavirira pamusoro paro nezuva rokutonga. 37Nokuti namashoko ako ucharuramiswa, uye namashoko ako uchapiwa mhosva.”
Chiratidzo chomuporofita Jona
(Mako 8:11-12; Ruka 11:29-32)
38Zvino vamwe vanyori navaFarisi vakapindura, vakati, “Mudzidzisi, tinoda kuona chiratidzo kwamuri.” 39Akapindura, akati kwavari, “Rudzi rwakaipa rwoupombwe runotsvaka chiratidzo, asi harungapiwi chiratidzo, asi chiratidzo chomuporofita Jona. 40Nokuti Jona sezvaakava mudumbu rehove huru mazuva matatu nousiku utatu, saizvozvo Mwanakomana womunhu achava mumwoyo wenyika mazuva matatu nousiku utatu. 41Varume veNinivhe vachasimuka pakutongwa norudzi urwu, vacharupa mhosva, nokuti vakatendeuka nokuparidza kwaJona; asi tarirai, mukuru kuna Jona ari pano. 42Mambokadzi weZasi achasimuka pakutongwa norudzi urwu, acharupa mhosva, nokuti akabva pamagumisiro enyika kuzonzwa kuchenjera kwaSoromoni; asi tarirai, mukuru kuna Soromoni ari pano.
43“Zvino kana mweya wetsvina wabuda kumunhu unopota panzvimbo dzisina mvura, uchitsvaka zororo, uchirishayiwa.
44“Zvino unoti, ‘Ndichadzokera kumba kwangu kwandakabuda;’ asi uchisvika, unoiwana isina chiro, yakatsvairwa, yanatswa. 45Zvino unoenda, ndokutora mimwe mweya minomwe inoupfuura nokuipa, ndokupinda, ndokugaramo. Kupedzisira kwomunhu uyu kwakaipa kupfuura kutanga kwake. Zvichaita saizvozvowo norudzi urwu rwakaipa.”
Ukama naJesu
(Mako 3:31-35; Ruka 8:19-21)
46Akati achataura navanhu vazhinji, tarira, mai vake navanun'una vake vakamira kunze, vachitsvaka kutaura naye. 47Mumwe akati kwaari, “Havo mai venyu navanun'una venyu vamire kunze, vachitsvaka kutaura nemi.”
48Akapindura, akati kuna iye amuudza, “Mai vangu ndianiko, navanun'una vangu ndivanaaniko?” 49Ndokutambanudza ruoko rwake kuvadzidzi vake, akati, “Tarirai, mai vangu navanun'una vangu!
50“Nokuti ani naani anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga, ndiye mukoma nomunun'una, nehanzvadzi, namai kwandiri.”
Currently Selected:
Mateu 12: SNA2002
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002
Mateu 12
12
Muridzi weSabata
(Mak 2:23–28; Ruka 6:1–5)
1Neimwe nguva Jesu aifamba nomuminda yekoroni nomusi weSabata. Vadzidzi vake vakanga vava nenzara, vakatanga kupurura hura dzekoroni vachidya. 2VaFarisei pavakazviona vakati kwaari, “Tarisai muone vadzidzi venyu vari kuita zvisingabvumirwi nomutemo pamusi reSabata.” 3Iye akati kwavari, “Hamuna here kumboverenga zvakaitwa naDhavhidhi paakanga ava nenzara pamwechete nevaakanga ainavo 4kuti akapinda mumba maMwari akadya chingwa chakanga chakasumwa kuna Mwari chaakanga asingabvumirwi, pamutemo, uye navakanga vainaye kuti vadye kusiya vapristi bedzi. 5Kana kuti hamuna kuverenga here mubhuku romutemo#12:5 Mubhuku romutemo: MuchiGiriki hamuna izwi iri rokuti Bhuku pandima iyi asi ndizvo zviri kurehwa nendima iyoyi. kuti pamusi weSabata muTemberi, vapristi vanon'oresa Sabata asi vasingapari mhosva. 6Asi ndinokutaurirai kuti pano pane zvakakura kupinda Temberi. 7Dai zvenyu maiziva zvinoreva izvi zvokuti, ‘Chandinoda ini itsitsi kwete chibayiro, mungadai musina kupa mhosva vasina mhosva 8nokuti Mwanakomana womunhu ndiye Tenzi weSabata.’ ”
Murume woruoko rwakakokonyara
(Mak 3:1–6; Ruka 6:6–11)
9Akabvapo akandopinda mune imwe sinagogu yavo. 10Imomo maiva nomunhu aiva noruoko rwakakokonyara. Vakamubvunza kuti zviri pamutemo here kuporesa nomusi weSabata kuti vamupe mhosva. 11Iye akati kwavari, “Ndiani wenyu angati kana ane hwai imwechete ikawira mugomba nezuva reSabata asingaibati achiiburitsa? 12Ko munhu anokosha zvakadii kupinda hwai? Ipapo zviri pamutemo kuita zvakanaka pamusi weSabata.” 13Akabva ati kumurume uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Iye akabva arutambanudza ndokubva rwatwasanuka pakare rwave rutano sorumwe. 14Asi vaFarisei vakabuda vakandoita bangano rokuti vangamuparadze sei.
Jesu muranda waMwari
15Jesu paakaziva izvi, akabva abva ikoko. Vanhu vazhinji vakamutevera akavarapa vose. 16Akavakohomedza kuti vasamuzivise kuvanhu. 17Izvi zvakaitika kuti zvizadzise zviya zvakataurwa nomuporofita Isaya zvokuti,
18“Tarirai muone muranda
wangu wandakasarudza,
wangu chaiye wapamwoyo wandinofarira.
Ndichaisa Mweya wangu paari
iye achaparidza kutonga kwakarurama
kune vechirudzi.
19Haazoiti gakava kana kudaidzira
hapana achanzwa izwi rake mumigwagwa.
20Rutsanga runenge rwatyoka haarudimburi,
rambi rine tambo ine kamoto
kanoti roi roi haaridzimi,
kusvikira ruenzaniso rwakunda
21muzita rake vechirudzi vachava netariro.”
Jesu naBherizebhuru
(Mak 3:2–30; Ruka 11:14–23)
22Kwakauiswa kwaari bofu raive mbeveve rine mweya wakaipa akariporesa zvokuti mbeveve iya yakataura ikakwanisa kuona. 23Vanhu vose vakashamiswa vakati, “Uyu angave mwana waDhavhidhi here uyu?”
24VaFarisei pavakazvinzwa vakati, “Munhu uyu anodzinga mweya yakaipa nesimba raBherizebhuru chete jinda remweya yakaipa.” 25Jesu pamusana pokuziva pfungwa dzavo akati kwavari, “Umambo hupi nohupi hunozvirwisa hunoparara. Hakunawo guta kana imba inozvirwisa ingagone kumira. 26Zvino Satani kana achidzinga Satani, ari kutozvirwisa iye pachake. Umambo hwake hungamire sei?
27“Kana ndichidzinga mweya yakaipa nesimba raBherizebhuru, ko vanhu venyu#12:27 Vanhu venyu: MuchiGiriki munoti vana venyu. vanoidzinga nesimba raani? Ivo ndivo vachakukonesai. 28Zvino kana ndichidzinga mweya yakaipa noMweya waMwari, saka umambo hwaMwari hwatosvika pamuri. 29Kana kuti zvingaitike sei kutoti munhu angapinde mumba merume rine simba achipamba zvinhu zvaro, asi kuti atanga arisunga, ndokuzopamba zvemba yaro.
30“Uyo asineni, ari kurwisana neni;
asingaunganidzi neni, anoparadza.
31Naizvozvo ndinokutaurirai kuti,
chitadzo chipi nechipi zvacho
nokushonha Mwari kupi nokupi zvako
kunoregererwa vanhu, asi kushonha Mweya hakuregererwi.
32Uyo anotaura chinhu chakaipa nezvoMwanakomana womunhu acharegererwa asi uyo anotaura zvakaipa nezvaMweya Mutsvene haaregererwi, muupenyu huno kana muupenyu huchauya.
Muti unozivikanwa nomuchero wawo
33“Itai kuti muti uve wakanaka, muchero wawo uchavawo wakanaka; itai kuti muti uve wakaipa muchero wawo uchavawo wakaipa, nokuti muti unozivikanwa nomuchero wawo. 34Imi vana venyoka, mungataure sei zvakanaka imi makaipa, nokuti muromo unotaura zvinenge zvichitofashukira mumwoyo. 35Munhu wakanaka anoburitsa zvinhu zvakanaka zvichibva muupfumi hwake hwakanaka. Munhu wakaipa anoburitsawo mudura rake rouipi. 36Ndinokutaurirai kuti pazuva rokutongwa, vanhu vachazvidavirira izwi rimwe nerimwe ravanotaura zvisina mwero 37nokuti mazwi ako ndiwo achakupembedza uye mazwi ako ndiwo achakubatisa nemhosva.”
Jona sechiratidzo chaJesu
(Mak 8:11–12; Ruka 11:29–32)
38Dzimwe nyanzvi dzomutemo navaFarisei vakati kwaari, “Mudzidzisi tingade kuona chiratidzo chinobva kwamuri.” 39Asi iye akavapindura achiti, “Chizvarwa chakaipa uye chenzenza chinotsvaka chiratidzo, asi hapana chiratidzo chachichapiwa kusiya kwaJona sechiratidzo. 40Sezvakangoita Jona akagara mazuva matatu nousiku hutatu ari mudumbu mezihove, ndizvozvowo zvichaita Mwanakomana womunhu, achava pasi penyika siku nesikati kwamazuva matatu. 41Pazuva rokutongwa, vanhu veNinivhe vachasimuka vachipa mhosva chizvarwa ichi vachichibata nemhosva nokuti vakatendeuka pakaparidza Jona. Asi onai pano pane chakakura kupinda Jona. 42Pazuva rokutongwa Mambokadzi wokumaodzanyemba achasimuka achipa mhosva chizvarwa ichi achichibata nemhosva nokuti iye akabva kwakaperera nyika kuzonzwa ungwaru hwaSoromoni asi pano pano mukuru kupinda Soromoni.
Kudzoka kwomweya wakaipa unenge wambodzingwa
(Ruka 11:24–26)
43“Kana mweya wakaipa wabuda mumunhu, unopfuura nomunzvimbo dzisina mvura uchitsvaka pokuzororera, asi unopashaya. 44Zvino unozoti, regai ndidzokere kumba kwangu kwandakabva. Kana wasvika unosvikoiwana isina chirimo yakatsvairwa yakanyatsorongedzwa. 45Ipapo unobva waenda wondounza mimwe mweya minomwe yakaipa kupinda iwo. Inopinda yogara imomo. Mhedziso yomunhu iyeyo inoipa kupinda pokutanga. Ndizvo zvichaitika kuchizvarwa chino ichi chakaipa.”
Vakoma navanun'una naJesu
(Mak 3:31–35; Ruka 8:19–21)
46Paakanga achiri kutaura kugungano riya ravanhu, amai vake navakoma navanun'una naye vakanga vatomira panze vachikumbira kutaura naye.
[ 47Naizvozvo mumwe munhu akamutaurira kuti, “Amai venyu navakoma navanun'una venyu vamire panze, vari kukumbira kutaura nemi.”] 48Jesu akapindura munhu akanga amuudza achiti, “Ko amai vangu ndiani vakoma navanun'una vangu ndavanani?” 49Akatambanudza ruoko kuna vadzidzi vake achiti, “Ava ndivo amai vangu navakoma navanun'una vangu! 50Nokuti aninaani anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga ndiye mukoma nomunun'una neni nehanzvadzi naamai vangu.”
Currently Selected:
:
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.