Mateu 11
11
1Jesu akati apedza kuraira vadzidzi vake vane gumi navaviri, akapfuura kundodzidzisa nokuparidza pamaguta avo.
Johani Mubhabhatidzi anotuma vadzidzi kubvunza Jesu
(Ruka 7:18-35)
2Zvino Johani, ari mutorongo, akanga anzwa mabasa aKristu, akatuma shoko navadzidzi vake, 3achiti kwaari, “Ko ndimi iye akanga achinzi anouya here, kana tichakatarira mumwe?”
4Jesu akapindura, akati kwavari, “Endai, mundoudza Johani zvamunonzwa nezvamunoona; 5zvokuti, mapofu anosvinudzwa, vanokamhina vanofamba, vanamaperembudzi vanonatswa, vamatsi vanonzwa, vakafa navarombo vanoparidzirwa vhangeri. 6Akaropafadzwa iye asingagumburwi neni.”
7Ava vakati vachienda, Jesu akatanga kuudza vanhu vazhinji pamusoro paJohani, akati, “Makanga mabuda kundooneiko kurenje? Rutsanga runozununguswa nemhepo here? 8Ko makanga mabuda kundooneiko? Munhu akapfeka nguo nyoro here? Tarirai, vanopfeka nguo nyoro vari mudzimba dzamadzimambo. 9Asi makanga mabudireiko? Kuzoona muporofita here? Hongu, ndinoti kwamuri, anopfuura kwazvo muporofita. 10Nokuti ndiye akanyorwa pamusoro pake, zvichinzi,
‘Tarira, ndinotuma munyai wangu pamberi pako,
Achakugadzirira nzira yako pamberi pako.’
11Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuna vakaberekwa navakadzi, hakuna kumuka mukuru kunaJohani Mubhabhatidzi; asi muduku muushe hwedenga mukuru kwaari. 12Kubva pamazuva aJohani Mubhabhatidzi kusvikira zvino, ushe hwedenga hunopambwa, vapambi vanohutora nesimba. 13Nokuti vaporofita vose nomutemo zvakaporofita kusvikira kuna Johani. 14Kana muchida kuzvigamuchira, ndiye Eria akanga achinzi anouya. 15Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.
16“Asi ndichafananidza rudzi urwu neiko? Rwakafanana navana vagere padare, vanodanidzira kushamwari dzavo, vachiti, 17‘Takakuridzirai nyere, mukasatamba; takaungudza, mukasachema.’ 18Nokuti Johani akauya, asingadyi, asinganwi, zvino vanoti, ‘Ane mweya wakaipa.’
19“Mwanakomana womunhu akauya, achidya, achinwa, zvino voti, ‘Tarirai munhu anokara, nomunwi, shamwari yavateresi navatadzi!’ Kuchenjera kwakaruramiswa namabasa ako.”
Jesu anotuka maguta matatu akamuramba
(Ruka 10:13-15)
20Zvino akatanga kutuka maguta makanga maitwa mabasa ake esimba mazhinji, nokuti haana kutendeuka, akati, 21“Une nhamo iwe, Korazini! Une nhamo iwe, Bhetisaidha! Nokuti mabasa akaitwa mukati menyu, dai aiitwa muTire neSidhoni, vangadai vatendeuka kare vakaisa masaga nedota.
22“Asi ndinoti kwamuri, Tire neSidhoni acharerukirwa nezuva rokutongwa kupfuuremi. 23Iwe Kapenaume, uchasimudzirwa kudenga here? Uchaburukira kuHadhesi, nokuti dai iwo mabasa esimba akaitwa mukati mako, akaitwa muSodhoma, ringadai richipo nanhasi.
24“Asi ndinoti kwamuri, ‘Nyika yeSodhoma icharerukirwa nezuva rokutongwa kupfuura iwe.’ ”
25Nenguva iyo Jesu akapindura, akati, “Ndinokutendai, Baba, Ishe wekudenga napasi, kuti makavanzira vakachenjera navakangwara zvinhu izvozvi, mukazvizivisa vacheche. 26Hongu, Baba, nokuti ndizvo zvakakufadzai.
27“Zvinhu zvose ndakazvipiwa naBaba vangu, hakuna anoziva Mwanakomana, asi Baba; hakuna anoziva Baba, asi Mwanakomana, naiye waanenge Mwanakomana achida kumuzivisa iye.
Joko raJesu
28“Uyai kwandiri, imi mose makaneta, makaremerwa, ini ndichakuzorodzai. 29Takurai joko rangu, mudzidze kwandiri; nokuti ndiri munyoro, ndinomwoyo unozvininipisa, kuti muwane zororo pamweya yenyu. 30Nokuti joko rangu rakanaka, nomutoro wangu unorerukira.”
Currently Selected:
Mateu 11: SNA2002
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002
Mateu 11
11
IV: ZVAKAVANDIKA ZVOUMAMBO HWOKUDENGA
A: CHIKAMU CHINOTSANANGURA ZVOUMAMBO HWEDENGA CHISINGASHANDISE MIENZANISO
1Jesu paakapedza kudzidzisa vadzidzi vake vane gumi navaviri, akabva ipapo avakundodzidzisa nokuparidza mumaguta avo.
Johani anotuma nhume kuna Jesu
(Ruka 7:18–35)
2Johani paakanzwa ari mujeri zvinhu zvakanga zvichiitwa naKristu, akatuma vadzidzi vake neshoko kwaari 3rokuti, “Ndimi mainzi muchauya here kana kuti tomirira mumwe?” 4Jesu akavapindura achiti, “Endai mundotaurira Johani zvamuri kunzwa nezvamuri kuona zvokuti,
5“Mapofu ari kusvinudzwa.
Mhetamakumbo dzavakufamba
vana maperembudzi vari kunatswa.
Vamatsi vavakunzwa,
vakafa vari kumutswa
uye varombo vari kuparidzwa Shoko Rakanaka.
6Akakomborerwa zvake asingagumburiswi neni.”
7Nhumwa dziya padzakanga dzavakuenda, Jesu akatanga kutaura kuruzhinji rwavanhu nezvaJohani, achiti, “Makaenda kurenje kundoonei? Rutsanga runozunguzwa nemhepo here? 8Ko makaenderei? Kundoona munhu akapfeka hanzu dzakapfavirira here? Munoziva kuti vanopfeka hanzu dzakapfavirira vari mudzimba dzamadzimambo. 9Ko zvino makaenderei? Kundoona muporofita here? Ndinokutii, ‘Hongu, uye munhu anotopfuura muporofita.’ 10Uyu ndiye uya akanyorwa nezvake zvichinzi,
“ ‘Tarira ndinotuma nhume yangu;
ichafanokugadzirira nzira yako pamberi pako.’
11Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuna vose vakazvarwa navakadzi, hakuna mukuru kupinda Johani Muombeki asi mudiki wokupedzisira muumambo hwedenga mukuru kwaari. 12Kubvira pamazuva aJohani Muombeki kusvikira iye zvino, umambo hwedenga hwakapinda mukurwiswa#11:12 Hwakapinda mukurwiswa: Kana kuti huri kutoita zvokurwiswa. uye vanhu vechisimba vari kuhupamba. 13Nokuti vaporofita vose nomutemo zvakaporofita kudzamara pana Johani. 14Kana muchida zvenyu kuzvibvuma iye ndiye Eriya uya ainzi achauya. 15Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.
16“Ko chizvarwa chino ndingachienzanise neiko? Chakafanana navana vagere pamisika vachidaidzira kuna vamwe vavo vachiti, 17‘Takakuridzirai nyere, asi hamuna kutamba. Takaungudza, asi imi hamuna kuchema; 18nokuti Johani akauya asingadyi kana kunwa asi vanhu vakati ano mweya wakaipa. 19Mwanakomana womunhu akauya achidya uye achinwa.’ Vanhu vakati, ‘Tarisai muone munhu uyu ane nhafu uye chidhakwa neshamwari yavateresi navatadzi.’ Asi ungwaru hunopembedzwa namabasa aho.”
Maguta asingatendi
(Ruka 10:13–15)
20Jesu akatanga kutsiura maguta maakanga aita zvishamiso zvake zvizhinji nokuti havana kutendeuka. 21Akati, “Zvichakuwana zvako iwe Korezeini; zvichakuwana iwe Bhetisaidha nokuti dai kuri kuti zvishamiso zvakaitwa mamuri zvakaitwa muTire nomuSidhoni, vangadai vakapinduka kare kare vakatopfeka masaga nokuzvizora madota. 22Ndinokutaurirai kuti pazuva rokutongwa, zvichava nyore kuguta reTire nereSidhoni panemi. 23Ko iwe Kapenaumu uchasimudzirwa kudenga here? Uchatodzikiswa kunzvimbo yavafi. Dai zvishamiso zvakaitwa mauri zvakaitwa muguta reSodhomu ringadai richimire nanhasi uno. 24Chandinokutaurirai ndechokuti, ‘Pazuva rokutongwa, zvichava nyore kunyika yeSodhomu panewe.’ ”
Uyai kwandiri imi makaremerwa muwane zororo
(Ruka 10:21–22)
25Ipapo Jesu akati, “Ndinokutendai Baba, Tenzi wedenga napasi kuti makavanza zvinhu izvi kuna vakachenjera navanonzwisisa mukazvizivisa kuvana vaduku. 26Hongu Baba, aya madiro enyu. 27Zvinhu zvose zvakaiswa mumaoko angu naBaba vangu; uye hakuna anoziva Mwanakomana kusiya Baba uyewo hakuna anoziva Baba kusiya Mwanakomana nouyo anenge asarudzwa zvake naMwanakomana kuti amuzivise kwaari.
28“Uyai kwandiri imi mose makaremerwa, makatakura mutoro unorema, ini ndichakuzorodzai. 29Torai joko rangu mudzidze kwandiri nokuti ndine mwoyo munyoro uye ndakazvirereka muchazviwanira mwoyo yenyu zororo 30nokuti joko rangu rakanaka uye mutoro wangu wakareruka.”
Currently Selected:
:
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.