YouVersion Logo
Search Icon

2 Samueri 2

2
Dhavhidhi anoitwa mambo waJudha, naIshibhosheti mambo waIsiraeri
1Zvino shure kwaizvozvo Dhavhidhi wakabvunza Jehovha akati, “Ndokwira kune rimwe guta raJudha here?” Jehovha akati, “Kwira.” Dhavhidhi akati, “Ndokwira kuneripi?” Iye akati, “Hebhuroni.” 2Naizvozvo Dhavhidhi akakwirako, navakadzi vake vaviriwo, vana Ahinoami muJezereri, naAbhigairi, mukadzi waNabhari muKarimeri. 3Dhavhidhi akakwirawo navanhu vake vaiva naye, mumwe nomumwe neimba yake, vakandogara pamaguta eHebhuroni. 4Varume vaJudha vakauya vakazodza Dhavhidhi, kuti ave mambo weimba yaJudha.
Vakaudza Dhavhidhi vachiti, “Varume veJabheshigireadhi ndivo vakaviga Sauro.” 5Dhavhidhi akatuma nhume kuvarume vaJabheshigireadhi, akati kwavari, “Muropafadzwe naJehovha, zvamakaitira ishe wenyu Sauro chinhu ichi chakanaka, mukamuviga. 6Zvino Jehovha ngaakuitireiwo zvakanaka nezvokwadi; neniwo ndichakuitirai zvakanaka, zvamakaita izvozvi. 7Naizvozvo zvino, maoko enyu ngaave nesimba, muve noumhare; nokuti Sauro ishe wenyu wakafa, zvino veimba yaJudha vakandizodza, kuti ndive mambo wavo.”
8Zvino Abhineri, mwanakomana waNeri, mukuru wehondo yaSauro, wakanga atora Ishibhosheti, mwanakomana waSauro, akamuisa Mahanaimu; 9akamuita mambo weGireadhi, nowavaAshuri, noweJezereri, nowaEfuremu, nowaBhenjamini, nowavaIsiraeri vose. 10(Ishibhosheti, mwanakomana waSauro, wakanga ava namakore makumi mana nguva yokutanga kwake kubata ushe hwaIsiraeri, akabata ushe makore maviri). Asi veimba yaJudha vakatevera Dhavhidhi. 11Nguva yakabata Dhavhidhi ushe hweimba yaJudha paHebhuroni aiva makore manomwe nemwedzi mitanhatu.
12Zvino Abhineri, mwanakomana waNeri, navaranda vaIshibhosheti, mwanakomana waSauro, vakabva Mahanaimu, vakaenda Gibheoni. 13NaJoabhu, mwanakomana waZeruya, navaranda vaDhavhidhi vakabudawo, vakasangana navo padziva reGibheoni; vakagara pasi, vamwe nechokuno kwedziva, vamwe nechemhiri kwedziva. 14Abhineri akati kuna Joabhu, “Majaya ngaasimuke, atambe pamberi pedu.” Joabhu akati, “Ngavasimuke havo.”
15Ipapo vakasimuka, vakaenda namapoka; gumi navaviri kurutivi rwaBhenjamini naIshibhosheti, mwanakomana waSauro, uye gumi navaviri vavaranda vaDhavhidhi. 16Mumwe nomumwe akabata musoro wowakatarisana naye, vakabayana neminondo kunhivi dzavo, naizvozvo vakawira pasi pamwechete; naizvozvo nzvimbo iyo yakanzi Herikatiharuzimi, iri paGibheoni.
17Kurwa kukanyanya kwazvo zuva iro; Abhineri navarume vaIsiraeri vakakundwa navaranda vaDhavhidhi. 18Vanakomana vatatu vaZeruya vakanga varipo, vana Joabhu, naAbhishai, naAshaheri; Ashaheri waigona kumhanya sechengu. 19Ashaheri akateverera Abhineri; zvino pakumhanya kwake haana kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe pakuteverera Abhineri. 20Abhineri akacheuka, akati, “Ndiwe Ashaheri here?” Akapindura, akati, “Ndini.”
21Abhineri akati kwaari, “Tsaukira hako kurudyi kana kuruboshe, ubate hako rimwe ramajaya, utore nhumbi dzake dzokurwa nadzo.” Asi Ashaheri wakaramba kutsauka pakumuteverera. 22Abhineri akatizve kuna Ashaheri, “Tsauka hako pakunditeverera; ndichakuurayireiko? Ndingazondoonana sei naJoabhu mukuru wako?”
23Asi wakaramba kutsauka; naizvozvo Abhineri wakamubaya nomudumbu nechireya chepfumo, pfumo rikabuda neseri kwake; akawira pasi ipapo, akafirapo; zvino vanhu vose vakati vachisvika pakanga pawira Ashaheri pasi pakufa kwake, vakamira.
24Asi Joabhu naAbhishai vakateverera Abhineri, zuva rikavira pakusvika kwavo pachikomo cheAma, vaiva pamberi peGiya panzira yerenje inoenda Gibheoni. 25Zvino vana vaBhenjamini vakaungana kuzotevera Abhineri, vakaita boka rimwe, vakamira pamusoro pechikomo, 26Abhineri akashevedzera kuna Joabhu akati, “Ko munondo ucharamba uchingoparadza nokusingaperi here? Hauzivi kuti zvichavava pakupedzisira here? Uchanonoka kusvikira rinhiko kuraira vanhu kuti vadzoke pakuteverera hama dzavo?” 27Joabhu akati, “NaMwari mupenyu, dai usina kutaura, zvirokwazvo vanhu vangadai varega mangwana kuteverera mumwe nomumwe hama yake.” 28Naizvozvo Joabhu akaridza hwamanda, vanhu vose vakamira, vakarega kuzoteverera Isiraeri, vakasazorwazve.
29Abhineri navanhu vake vakagura neArabha usiku uhwo hwose, vakayambuka Jorodhani, vakagura neBhitironi yose, vakasvika Mahanaimu.
30Ipapo Joabhu akadzoka pakuteverera Abhineri; zvino wakati aunganidza vanhu vose, varume vane gumi navapfumbamwe naAshaheri vakashaikwa kuvaranda vaDhavhidhi. 31Asi varanda vaDhavhidhi vakanga vauraya varume vana mazana matatu namakumi matatu vavaBhenjamini navarume vaAbhineri. 32Vakasimudza Ashaheri, vakandomuviga muhwiro hwababa vake, hwaiva paBheterehemu. Joabhu navanhu vake vakafamba usiku hwose, utonga hwukatsvuka pakusvika kwavo paHebhuroni.

Currently Selected:

2 Samueri 2: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy