YouVersion Logo
Search Icon

2 Samueri 1

1
Dhavhidhi anochema Sauro naJonatani
1Zvino Sauro wakati afa, Dhavhidhi akadzoka pakuuraya vaAmareki, Dhavhidhi akagara mazuva maviri paZikiragi; 2zvino nezuva retatu mumwe munhu wakasvika achibva kumisasa kuna Sauro, nguo dzake dzakabvaruka, uye ane ivhu pamusoro wake; akati achisvika kuna Dhavhidhi, akazviwisira pasi, akanamata kwaari. 3Dhavhidhi akati kwaari, “Wabvepiko?” Akati kwaari, “Ndapukunyuka ndichibva kumisasa yaIsiraeri.”
4Dhavhidhi akati kwaari, “Kwakaitweiko? Ndiudze hako.” Akapindura, akati, “Vanhu vatiza pakurwa, vanhu vazhinji vawira pasi vafa, uye Sauro nomwanakomana wake Jonatani vafawo.”
5Ipapo Dhavhidhi akati kujaya rakamuudza izvozvo, “Unoziva sei kuti Sauro naJonatani mwanakomana wake vafawo.”
6Jaya rikamuudza rikati, “Ndakanga ndichifamba hangu pagomo reGiribhoa, ndikaona Sauro achisendamira papfumo rake, ndikaonawo ngoro navatasvi vachimutevera kwazvo. 7Zvino iye wakati achicheuka, akandiona, akandidana. Ndikapindura ndikati, ‘Ndiri pano hangu.’ 8Akati kwandiri, ‘Ndiwe aniko?’ Ndikamupindura ndikati, ‘Ndiri muAmareki.’ 9Akati kwandiri, ‘Mira kuno kwandiri, undiuraye, nokuti ndabatwa nedzungu kwazvo, nokuti upenyu hwangu huchiri mandiri chose.’
10“Naizvozvo ndikamira kwaari, ndikamuuraya, nokuti ndakanga ndichiziva kwazvo kuti haangararami, kana achinge awira pasi; ndikatora korona yakanga iri pamusoro wake, norundarira rwaiva paruoko rwake, ndikauya nazvo pano kunashe wangu.” 11Ipapo Dhavhidhi akabata nguo dzake, akadzibvarura, navarume vose vaiva naye vakaitawo saizvozvo. 12Vakachema, nokuungudza, nokuzvinyima zvokudya kusvikira madeko pamusoro paSauro naJonatani mwanakomana wake, napamusoro pavanhu vaJehovha, napamusoro peimba yaIsiraeri, nokuti vakanga vaurawa nomunondo.
13Dhavhidhi akati kujaya rakanga ramuudza izvozvo, “Uri wepiko?” Iye akapindura akati, “Ndiri mwanakomana womutorwa, muAmareki.”
14Dhavhidhi akati kwaari, “Hauna kutya neiko kutambanudza ruoko rwako kuti uparadze muzodzwa waJehovha?”
15Ipapo Dhavhidhi akadana rimwe jaya akati, “Swedera, umuuraye.” Iye akamubaya, akafa. 16Dhavhidhi akati kwaari, “Ropa rako ngarive pamusoro wako, nokuti muromo wako wakupupurira, zvawakati, ‘Ndakauraya muzodzwa waJehovha.’ ”
17Dhavhidhi akachema Sauro naJonatani mwanakomana wake nokuchema uku. 18Akavaraira kuti vadzidzise vana vaJudha rwiyo urwu rwokuchema; tarirai, rwakanyorwa mubhuku raJashari.
19“Haiwa Isiraeri! Kubwinya kwako
kwaurawa pamatunhu ako akakwirira!
Haiwa! Vane simba vakawira pasi sei!
20Musazvireva paGati,
Musazviparidza panzira dzeAshikeroni;
Kuti vakunda vavaFirisitia varege kufara,
Kuti vakunda vavasina kudzingiswa varege kupembera.
21“Imi makomo eGirobhoa,
Ngakurege kuva nedova kana
mvura pamusoro penyu, kana minda yezvipo;
Nokuti ndipo pakangorashwa nhoo dzemhare,
Nhoo yaSauro, seisina kuzodzwa mafuta.
22Uta hwaJonatani hahuna kudzoka.
Husina ropa ravakaurawa.
Nomunondo waSauro hauna kudzoka usina mafuta aVane simba.
23“Sauro naJonatani vakanga vakadikanwa,
vakanaka, paupenyu hwavo;
Napakufa kwavo havana kuparadzaniswa;
Vaikurumidza kupfuura makondo,
Vaiva nesimba kupfuura shumba.
24“Imi vakunda vaIsiraeri, chemai Sauro,
Iye waikufukidzai nomucheka mutsvuku wakanaka,
Waiisa zvishongo zvendarama pazvisimiro zvenyu.
25“Haiwa! Vane simba vakawira pasi sei pakurwa!
Jonatani wakaurawa pamatunhu akakwirira.
26“Ndinotambudzika kwazvo pamusoro pako,
munun’una wangu Jonatani;
Wakanga uchindifadza kwazvo;
Rudo rwako kwandiri rwaishamisa,
Rwaipfuura rudo rwavakadzi.
27“Haiwa! Vane simba vakawira pasi sei!
Nhumbi dzokurwa nadzo dzakaparadzwa sei!”

Currently Selected:

2 Samueri 1: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy