YouVersion Logo
Search Icon

I ƲaKorinte 4

4
Ʋaranda ʋaKristu ʋacatoŋgwa naKristu.
1Munhu upi noupi ŋgaatiraŋgarire saiɀoɀo kuti tiri ʋaranda ʋaKristu, ʋaceŋgeti ʋeɀakaʋanzika ɀaMŋari. 2Ɀino, paɀinhu iɀi, paʋatariri panotȿakwa, kuti munhu awanikwe akatendeka. 3Ɀino cinhu ciɗuku‐ɗuku kwandiri, kuti nditoŋgwe nemi, kana nokutoŋga kwomunhu; handiɀitoŋgi ini ndimene. 4Nokuti handiziʋi mhoȿa yandinayo; asi handiruramiswi naiɀoɀo; asi unonditoŋga ndiye’She. 5Saka regai kutoŋga cinhu ŋguʋa isati yaȿika, kuȿikira Ishe aʋuya, iye ucaɓuɗisa pacena ɀinhu ɀakaʋanzika ɀerima, nokuratidza mifuŋgo yomŋoyo; ipapo munhu mumŋe nomumŋe ucarumbidzwa naMŋari.
Kusaɀikudza kwaʋaapostora.
6Ɀino, hama dzaŋgu, ɀinhu iɀi ndakanyora ndiciɀifananidzira ini naAporo, nokuɗa kwenyu; kuti mudzidze kwatiri kusapfuʋura iɀo ɀakanyorwa, kuti mumŋe arege kuɀikudza. acitsaura mumŋe kunomumŋe. 7Nokuti ndianiko wakakutsaura iwe? Cinyiko caunaco causina‐kupiwa? Ɀino kana wakapiwa, unoɀikudzireiko sousina‐kupiwa? 8Matoguta, matofuma, maɓata ʋushe kunze kweɗu; ɗai maiɓata ʋushe henyu, kuti isu tiɓate ʋo pamŋe cete nemi. 9Nokuti ndinoti Mŋari wakatigadza isu ʋaapostora pakupedzisira, saʋanhu ʋakatoŋgerwa rufu; nokuti takaitwa cinhu cinoshamisa nyika, naʋatumŋa, naʋanhu. 10Isu tiri mapenzi nokuɗa kwaKristu, asi imi makacenjera munaKristu; isu tinoshaiwa simba, asi imi munesimba; imi munokudzwa, asi isu tinoɀidzwa. 11Kuȿikira ŋguʋa ino isu tinenzara, tinenyota, hatina‐catiŋgafuka, tinorobga netsiʋa, hatinenɀimbo kwayo yokugara; 12tinotambudzika, ticiɓata namaʋoko eɗu; kana ticitukwa, tinoropafadza, kana ticitambudzwa, tinotsuŋga mŋoyo; 13kana ticipomerwa, tinoʋaraidza; takaitwa setȿina yenyika, marara aʋose kuȿikira ɀino.
14Handikunyoreriyi ɀinhu iɀi, kuti ndikunyadzisei, asi kuti ndikurairei saʋana ʋangu ʋanoɗikanwa. 15Nokuti kunyaŋge maiʋa naʋadzidzisi ʋaneɀuru ɀinegumi munaKristu, hamuna‐madziɓaɓa mazhinji; nokuti munaJesu Kristu ini ndakakuɓerekai neEvaŋgeri. 16Naiɀoɀo ndinokumbira ɀikuru kwamuri, kuti muʋe ʋateʋeri ʋaŋgu. 17Nemhaka iyi ndakatuma Timotio kwamuri, mŋana waŋgu unoɗikanwa, wakatendeka munaShe; iye ucakuyeʋudzai mitoʋo yaŋgu iri munaKristu Jesu, seɀandinodzidzisa kwose pakereke dzose. 18Ɀino ʋamŋe ʋanoɀikudza, ʋaciti ndineŋge handiʋuyi kwamuri. 19Ndicakurumidza kuʋuya kwamuri, kana Ishe aciɗa; handiŋgaziʋi shoko raiʋaʋo ʋanoɀikudza, asi simba raʋo. 20Nokuti ʋushe bgaMŋari habguzi pamashoko, asi pasimba. 21Munotȿakeiko? Ndiʋuye kwamuri neshamhu, kana noruɗo nomŋeya woʋunyoro here?

Currently Selected:

I ƲaKorinte 4: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy