YouVersion Logo
Search Icon

I ƲaKorinte 3

3
Mŋeya nenyama.
1Ini, hama dzaŋgu, ndakaŋga ndisiŋgagoni kutaura nemi sokunaʋoMŋeya, asi sokunaʋenyama, sokunaʋacece munaKristu. 2Ndakakupai mukaka munwe, handina‐kukupai ɀokudya; nokuti makaŋga musiŋgagoni kudya, naɀino hamugoni. 3Nokuti muciri ʋenyama; nokuti ɀapacinegoɗo pakati penyu, negakaʋa, ko hamuzi ʋenyama, mucifamba nomutoʋo waʋanhu here? 4Nokuti kana mumŋe aciti: Ini ndiri waPauro; mumŋe: Ini ndiri waAporo; ko hamuzi ʋanhu here? 5Ɀino Aporo cinyiko? Pauro cinyiko? Ʋashumiri ʋamakatenda naʋo, mumŋe nomumŋe seɀaakapiwa naShe. 6Ini ndakasima, Aporo wakaɗiridza; asi Mŋari wakameresa. 7Naiɀoɀo unosima haazi cinhu, kana unoɗiridza; asi Mŋari unomeresa. 8Ɀino unosima nounoɗiridza ndaʋamŋe; asi mumŋe nomumŋe ucapiwa muɓairo wake, seɀaakaɓata. 9Nokuti tiri ʋaɓati pamŋe cete naMŋari; muri munda waMŋari, muri imba yaMŋari.
Tembere yaMŋari.
10Nenyasha dzaMŋari dzandakapiwa, ndakaroŋga nheyo somuʋaki wakacenjera; mumŋe unoʋaka pamsoro padzo. Ɀino mumŋe nomumŋe ŋgaacenjere kuti unoʋaka sei pamsoro padzo. 11Nokuti hakunomumŋe uŋgaroŋga dzimŋe nheyo, asi idzo dzakaroŋgwa kare, ndiye Jesu Kristu. 12Ɀino kana munhu aciʋaka pamsoro penheyo idzi, ndarama, kana sirveri, kana mabge anokosha, kana matanda, kana ʋuswa, kana mashaŋga; 13ɓasa romumŋe nomumŋe ricaʋonekwa; nokuti zuʋa iro ricaɀiɓuɗisa pacena, nokuti ricaratidzwa nomŋoto; mŋoto ucaidza ɓasa romumŋe nomumŋe kuti rakaɗini. 14Kana ɓasa romunhu raakaʋaka pamsoro padzo, ricigara, ucapiwa muɓairo. 15Kana ɓasa romunhu rikapiswa, ucarashikirwa, asi iye amene ucaponeswa, asi sowakaɓuɗa pamŋoto.
16Ko hamuziʋi kuti muri tembere yaMŋari, ʋuye kuti Mŋeya waMŋari unogara mukati menyu here? 17Kana munhu acitadzira tembere yaMŋari, Mŋari ucamutadzira ʋo; nokuti tembere yaMŋari itȿene, ndimi iyo.
18Kurege kuʋa nomunhu unoɀinyeŋgera. Kana munhu aciti ndakacenjera pakati penyu panyika ino, ŋgaaʋe ɓenzi, kuti aʋe wakacenjera. 19Nokuti ʋucenjeri bgenyika ino ʋupenzi kunaMŋari. Nokuti kwakanyorwa kucinzi: Unoɓata ʋakacenjera pamano aʋo. 20Ʋuye ɀe: Ishe unoziʋa ndaŋgariro dzaʋakacenjera, kuti hadzinamaturo. 21Naiɀoɀo ŋgakurege kuʋa nomunhu unoʋimba naʋanhu. Nokuti ɀinhu ɀose ndeɀenyu; 22kana Pauro, kana Aporo, kana Kefasi, kana nyika, kana ʋupenyu, kana rufu, kana ɀaɀino, kana ɀinoʋuya; ɀose ndeɀenyu; 23imi muri ʋaKristu; naKristu ndowaMŋari.

Currently Selected:

I ƲaKorinte 3: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy