1
1 Johani 4:18
Shona BIBLE
SUB
Hakuna kutya murudo; asi rudo, rwakakwana, runodzinga kutya, nokuti kutya kunorohwa; munhu, anotya, haana kukwaniswa parudo.
Compare
Explore 1 Johani 4:18
2
1 Johani 4:4
Vana vaduku, imi, muri vaMwari, makavakunda, nokuti uyo, ari mamuri, mukuru kuna iye, uri munyika.
Explore 1 Johani 4:4
3
1 Johani 4:19
Isu tinoda, nokuti iye akatanga kutida.
Explore 1 Johani 4:19
4
1 Johani 4:7
Vadikanwi, ngatidane; nokuti rudo runobva kuna Mwari; mumwe nomumwe, anoda, akaberekwa naMwari, anoziva Mwari.
Explore 1 Johani 4:7
5
1 Johani 4:8
Asingadi, haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo.
Explore 1 Johani 4:8
6
1 Johani 4:10
Rudo ruri pachinhu ichi, kuti hatizisu takada Mwari, asi kuti ndiye wakatida, akatuma Mwanakomana wake kuti ave rudzikinuro rwezvivi zvedu.
Explore 1 Johani 4:10
7
1 Johani 4:11
Vadikanwi, kana Mwari akatida saizvozvo, nesuwo tinofanira kudana.
Explore 1 Johani 4:11
8
1 Johani 4:9
Rudo rwaMwari rwakaratidzwa kwatiri nechinhu ichi, kuti Mwari akatuma Mwanakomana wake, akaberekwa ari mumwechete, munyika, kuti tive noupenyu naye.
Explore 1 Johani 4:9
9
1 Johani 4:20
Kana munhu achiti, ndinoda Mwari, achivenga hama yake, murevi wenhema; nokuti asingadi hama yake yaakaona, angada seiko Mwari, waasina kuona?
Explore 1 Johani 4:20
10
1 Johani 4:15
Ani naani anopupura kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari, Mwari anogara maari, naiye muna Mwari.
Explore 1 Johani 4:15
11
1 Johani 4:21
Iwoyu murairo wakabva kwaari, tinawo, wokuti anoda Mwari, ngaadewo hama yake.
Explore 1 Johani 4:21
12
1 Johani 4:1-2
Vadikanwi, musatenda mweya yose, asi muedze mweya, kuti muone kana yakabva kuna Mwari; nokuti vaporofita vazhinji venhema vakabudira munyika. Ndizvo zvamunoziva nazvo Mweya waMwari; Mweya mumwe nomumwe unopupura kuti Jesu Kristu akauya munyama, ndowaMwari.
Explore 1 Johani 4:1-2
13
1 Johani 4:3
Mweya mumwe nomumwe usingapupuri Jesu, hauzi waMwari; iwo ndowaAndikristu, wamakanzwa kuti anouya; nazvino atova panyika.
Explore 1 Johani 4:3