1
Jakobho 3:17
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
Asi uchenjeri hunobva kudenga pakutanga kwezvose, hwakachena; uye hunofarira rugare, hune hanya, hunozviisa pasi, huzere nengoni uye hune zvibereko zvakanaka, hahutsauri vamwe uye hwakatendeka.
Compare
Explore Jakobho 3:17
2
Jakobho 3:13
Ndiani akachenjera uye anonzwisisa pakati penyu? Ngaazviratidze noupenyu hwake hwakanaka, namabasa anoitwa nokuzvininipisa kunobva pauchenjeri.
Explore Jakobho 3:13
3
Jakobho 3:18
Vayananisi vanodyara murugare vanowana gohwo rokururama.
Explore Jakobho 3:18
4
Jakobho 3:16
Nokuti pane godo norukave, ndipo pamunowana nyonganiso namabasa ose akaipa.
Explore Jakobho 3:16
5
Jakobho 3:9-10
Narwo tinorumbidza Ishe wedu naBaba vedu, uye narwo tinotuka vanhu, vakaitwa nomufananidzo waMwari. Mumuromo mumwe chete imomo munobuda kurumbidza nokutuka. Hama dzangu, hazvifaniri kudaro.
Explore Jakobho 3:9-10
6
Jakobho 3:6
Rurimi motowo, inyika yezvakaipa pakati pemitezo yomuviri. Runoodza muviri wose, runotungidza nzira yose youpenyu hwomunhu nomoto, uye irwo pacharwo runotungidzwa neGehena.
Explore Jakobho 3:6
7
Jakobho 3:8
asi hakuna munhu anogona kupingudza rurimi. Ndirwo chinhu chakaipa chisingazorori, chizere nomuchetura unouraya.
Explore Jakobho 3:8
8
Jakobho 3:1
Vazhinji venyu havafaniri kuva vadzidzisi, hama dzangu, nokuti munoziva kuti isu tinodzidzisa tichatongwa zvikuru.
Explore Jakobho 3:1