1
Jakobho 2:17
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
Saizvozvowo, kutenda kwoga, kana kusina basa, kwakafa.
Compare
Explore Jakobho 2:17
2
Jakobho 2:26
Sezvo muviri usina mweya wakafa, saizvozvo kutenda kusina mabasa kwakafa.
Explore Jakobho 2:26
3
Jakobho 2:14
Zvinobatsirei, hama dzangu, kana munhu achiti ano kutenda asi asina mabasa? Kutenda kwakadaro kungamuponesa here?
Explore Jakobho 2:14
4
Jakobho 2:19
Iwe unotenda kuti kuna Mwari mumwe. Zvakanaka! Kunyange madhimoni anotenda izvozvo, uye achidedera.
Explore Jakobho 2:19
5
Jakobho 2:18
Asi mumwe achati, “Iwe une kutenda; ini ndine mabasa.” Ndiratidze kutenda kwako kusina mabasa, uye ini ndichakuratidza kutenda kwangu nezvandinoita.
Explore Jakobho 2:18
6
Jakobho 2:13
nokuti kutonga kusinganzwiri ngoni kucharatidzwa kumunhu upi zvake akanga asinganzwiri ngoni. Ngoni dzinokunda kutonga!
Explore Jakobho 2:13
7
Jakobho 2:24
Unoona kuti munhu anoruramisirwa nokuda kwezvaanoita, kwete nokutenda bedzi.
Explore Jakobho 2:24
8
Jakobho 2:22
Unoona kuti kutenda kwake uye namabasa ake zvaibata pamwe chete, uye kutenda kwake kukazadziswa nezvaakaita.
Explore Jakobho 2:22