1
Jakobho 4:7
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
Zviisei zvino, pasi paMwari. Dzivisai dhiabhori, uye achatiza kwamuri.
Compare
Explore Jakobho 4:7
2
Jakobho 4:8
Swederai kuna Mwari uye iye achaswedera kwamuri. Shambai maoko enyu, imi vatadzi, uye munatse mwoyo yenyu, imi vane mwoyo miviri.
Explore Jakobho 4:8
3
Jakobho 4:10
Zvininipisei pamberi paIshe, agokusimudzirai.
Explore Jakobho 4:10
4
Jakobho 4:6
Asi anotipa nyasha zhinji. Ndokusaka Rugwaro ruchiti: “Mwari anodzivisa vanozvikudza, asi anopa nyasha kuna vanozvininipisa.”
Explore Jakobho 4:6
5
Jakobho 4:17
Ani naani, zvino, anoziva zvakanaka zvaanofanira kuita akasazviita, ari kutadza.
Explore Jakobho 4:17
6
Jakobho 4:3
Pamunokumbira, hamugamuchiri, nokuti munokumbira zvakaipa, kuti mugoshandisa zvamunowana pamafaro enyu.
Explore Jakobho 4:3
7
Jakobho 4:4
Imi vanhu voupombwe, hamuzivi kuti ushamwari nenyika hunovengana naMwari here? Ani naani anosarudza kushamwaridzana nenyika anova muvengi waMwari.
Explore Jakobho 4:4
8
Jakobho 4:14
Asi, imi hamutongozivi zvichaitika mangwana. Upenyu hwenyu chiiko? Muri mhute inoonekwa nguva duku uye ipapo yonyangarika.
Explore Jakobho 4:14