1
1 Vatesaronika 4:17
Bhaibhiri Idzva rechiShona
SCLB
Zvino isu vapenyu takasara tichatorwa pamwechete navo tichiendeswa kumakore kundosangana naTenzi mumhepo. Naizvozvo ticharamba tiina Tenzi.
Compare
Explore 1 Vatesaronika 4:17
2
1 Vatesaronika 4:16
nokutiwo Tenzi pachake achaburuka achibva kudenga pachidaidzirwa. Pachanzwika izwi romutumwa mukuru uye pacharira hwamanda yaMwari. Vakafa muna Kristu ndivo vachatanga kumuka.
Explore 1 Vatesaronika 4:16
3
1 Vatesaronika 4:3-4
Izvi ndizvo zvinoda Mwari zvokuti imi muve vatsvene musiane noupombwe. Mumwe nomumwe wenyu ngaazive kuchengeta muviri wake muutsvene nomukuuremekedza
Explore 1 Vatesaronika 4:3-4
4
1 Vatesaronika 4:14
Sezvatinotenda kuti Jesu akafa akamukazve saizvozvowo, nokuna Jesu, Mwari achadzosa pamwe naye vakafa.
Explore 1 Vatesaronika 4:14
5
1 Vatesaronika 4:11
uye kuvavarira kugara upenyu hwenyu chinyararire, muzive zvenyu, muchizvishandira namaoko enyu sokukuudzai kwatakaita
Explore 1 Vatesaronika 4:11
6
1 Vatesaronika 4:7
Mwari haana kutidaidzira zvetsvina izvi asi zvoutsvene.
Explore 1 Vatesaronika 4:7
Home
Bible
Plans
Videos