1
1 Nhoroondo 29:11
Bhaibhiri Idzva rechiShona
SCLB
Ukuru nesimba nembiri nokukunda noumambo ndezvenyu imi Tenzi nokuti zvose zviri mumatenga napasi pano ndezvenyu. Umambo ndohwenyu imi Tenzi uye ndimi munokudzwa somusoro wezvose.
Compare
Explore 1 Nhoroondo 29:11
2
1 Nhoroondo 29:12
“Zvose zvazvo kupfuma nokukudzwa zvinobva kwamuri, ndimi munotonga zvose. Simba noukuru zviri mumaoko enyu, zviriwo mumaoko enyu kugadza paukuru nokupawo zvose simba.
Explore 1 Nhoroondo 29:12
3
1 Nhoroondo 29:14
“Ko ndiri aniwo zvangu panguwo pano? Kana ivo vanhu vangu chiiwo zvavo, kubva tatokwanisawo kubvisa zvipo kudai nomwoyo unoda; nokuti zvinhu zvose zvinobva kwamuri. Tangotorawo pane zvenyu tikakupaiwo.
Explore 1 Nhoroondo 29:14
4
1 Nhoroondo 29:13
Zvino tinokutendai imi Mwari wedu tichirumbidza zita renyu rine mbiri.
Explore 1 Nhoroondo 29:13
5
1 Nhoroondo 29:10
Naizvozvo Dhavhidhi akarumbidza Tenzi ari pamberi pegungano rose; Dhavhidhi akati, “Mwari ngaarumbidzwe, iyemi Tenzi, Mwari wavaIsiraeri baba wedu nokusingapere.
Explore 1 Nhoroondo 29:10