“Zvino Soromoni mwanangu, ziva Mwari wababa vako umushandire nomwoyo wose uye nomwoyo unoda nokuti Tenzi anoonyatsoongorora mwoyo yose uye anoziva pane mwoyo womunhu nezviri mupfungwa. Ukanyatsotsvaka Mwari unomuwanawo, asi kana ukamufuratira iye achakurasa narini wose.