1
Johani 3:16
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
“Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi.
So sánh
Khám phá Johani 3:16
2
Johani 3:17
Nokuti Mwari haana kutuma Mwanakomana wake panyika kuti atonge nyika, asi kuti nyika iponeswe kubudikidza naye.
Khám phá Johani 3:17
3
Johani 3:3
Jesu akapindura akati, “Ndinokuudza chokwadi, hakuna munhu angaona umambo hwaMwari kana asina kuberekwa patsva.”
Khám phá Johani 3:3
4
Johani 3:18
Ani naani anotenda kwaari haatongwi, asi ani naani asingatendi atotongwa nokuti haana kutenda muzita roMwanakomana mumwe oga waMwari.
Khám phá Johani 3:18
5
Johani 3:19
Kutongwa ndokuku: Chiedza chakasvika munyika, asi vanhu vakada rima panzvimbo yechiedza nokuti mabasa avo akanga akaipa.
Khám phá Johani 3:19
6
Johani 3:30
Anofanira kuva mukuru; ini ndinofanira kudukupiswa.
Khám phá Johani 3:30
7
Johani 3:20
Mumwe nomumwe anoita zvakaipa anovenga chiedza, uye haapindi muchiedza nokuti anotya kuti mabasa ake angaiswa pachena.
Khám phá Johani 3:20
8
Johani 3:36
Ani naani anotenda muMwanakomana ano upenyu husingaperi, asi ani naani anoramba Mwanakomana haangaoni upenyu, nokuti kutsamwa kwaMwari kunogara pamusoro pake.”
Khám phá Johani 3:36
9
Johani 3:14
Mozisi sezvaakasimudza nyoka murenje, saizvozvo Mwanakomana woMunhu anofanira kusimudzwawo
Khám phá Johani 3:14
10
Johani 3:35
Baba vanoda Mwanakomana uye vakaisa zvose mumaoko ake.
Khám phá Johani 3:35