1
Mavambo 9:12-13
Bhaibhiri Idzva rechiShona
SCLB
Mwari akati, “Ichi ndicho chiratidzo chechitenderano chandinoita nemi nezvipenyu zvose zvinemi nezvizvarwa zvose zvichauya. Ndamisa muraraungu wangu mumakore kuti uve chiratidzo chechitenderano changu napasi pose.
So sánh
Khám phá Mavambo 9:12-13
2
Mavambo 9:16
Kana muraraungu wamira mumakore, ndichauona ndigoyeuka chitenderano chokugara nokugara chandaita nezvipenyu zvose zviri panyika.”
Khám phá Mavambo 9:16
3
Mavambo 9:6
Ani naani zvake anodeura ropa romumwe munhu, ropa rakewo rinofanira kutoita zvokudeurwa nomunhu nokuti Mwari akasika munhu akamufananidza naiye pachake.
Khám phá Mavambo 9:6
4
Mavambo 9:1
Mwari akakomborera Nowa navana vake akati, “Berekanai muwande muzadze nyika.
Khám phá Mavambo 9:1
5
Mavambo 9:3
Zvinhu zvipenyu zvose zvinofamba zvichava chokudya chenyu. Ndakupai zvose zvazvo sokukupai kwandakaita miriwo minyoro.
Khám phá Mavambo 9:3
6
Mavambo 9:2
Mhuka dzose dzapasi pose, neshiri dzose dzedenga, nezvose zvinokambaira nokuzvova napasi, nehove dzose dzomugungwa dzichakutyai dzichikudederai. Dzose ndadziisa mumaoko enyu.
Khám phá Mavambo 9:2
7
Mavambo 9:7
“Asi imi berekanai muwande, muite zararira chairo kuzara panyika, murambe muchiwanda mairi.”
Khám phá Mavambo 9:7