Revhitiko 12
12
Mirairo yokunatswa kwavakadzi
1Zvino Jehovha akataura naMosesi akati, 2“Taura navana VaIsiraeri uti, ‘Kana mukadzi akava nemimba, akapona mwanakomana, uchava asina kunaka mazuva manomwe, uchava asina kunaka sapanguva yaari kumwedzi. 3Nomusi worusere mwanakomana anofanira kudzingiswa chikanda chake chapamberi.’ 4Zvino mukadzi anofanira kugara mazuva makumi matatu namatatu achizvinatsa paropa rake; ngaarege kubata chinhu chitsvene, kana kupinda paimba tsvene, kusvikira mazuva okuzvinatsa kwake apera. 5Asi kana akapona mwana womusikana, uchava asina kunaka vhiki mbiri, sapamazuva okuva kwake kumwedzi; ngaagare achizvinatsa paropa rake mazuva ana makumi matanhatu namatanhatu. 6Kana mazuva okuzvinatsa kwake apera pakupona mwanakomana kana mwanasikana, ngaauye negwayana regore rimwe, kuti chive chipiriso chinopiswa, nakamwana kenjiva, kana vhukutiwa, kuti chive chipiriso chezvivi, kumukova wetende rokusangana kumupristi; 7agochibayira pamberi paJehovha, kumuyananisira; zvino wanatswa pakuyerera kweropa rake. Ndiwo murairo kune anopona mwana womukomana kana womusikana. 8Kana akasakwanisa kuuya negwayana, ngaatore njiva mbiri kana twana tuviri twenjiva; imwe chive chipiriso chinopiswa, neimwe chipiriso chezvivi; kuti mupristi amuyananisire, anake.”
ที่ได้เลือกล่าสุด:
Revhitiko 12: SUB
เน้นข้อความ
คัดลอก
เปรียบเทียบ
แบ่งปัน
ต้องการเน้นข้อความที่บันทึกไว้ตลอดทั้งอุปกรณ์ของคุณหรือไม่? ลงทะเบียน หรือลงชื่อเข้าใช้
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.