1
Ruka 6:38
Shona BIBLE
SUB
Ipai, nemi muchapiwa; vachakupai pamaoko enyu chiyero chakanaka, chakatsikirirwa, chakazunguzirwa, chakaita mupfunga; nokuti nechiyero chamunoyera nacho, muchayerwawo nacho.”
เปรียบเทียบ
สำรวจ Ruka 6:38
2
Ruka 6:45
Munhu akanaka anobudisa zvakanaka papfuma yakanaka yomwoyo wake; akaipa anobudisa zvakaipa papfuma yakaipa yomwoyo wake; nokuti muromo unoreva zvizere pamwoyo.
สำรวจ Ruka 6:45
3
Ruka 6:35
Asi idai vavengi venyu, muvaitire zvakanaka. Mupe chikwereti musingaori mwoyo; mubairo wenyu uchava mukuru, mugova vanakomana voWokumusoro–soro; nokuti iye ano mwoyo munyoro kuna vasingavongi navakaipa.
สำรวจ Ruka 6:35
4
Ruka 6:36
Ivai netsitsi, saBaba venyu vane tsitsiwo.
สำรวจ Ruka 6:36
5
Ruka 6:37
“Musatonga, nemi hamungazotongwi; musapa mhaka, nemi hamungazopiwi mhaka; sunungurai, nemi muchasunungurwawo.
สำรวจ Ruka 6:37
6
Ruka 6:27-28
“Asi ndinoti kwamuri imi munonzwa, idai vavengi venyu; muitire zvakanaka vanokuvengai. Ropafadzai vanokutukai, munyengeterere vanokushonhai.
สำรวจ Ruka 6:27-28
7
Ruka 6:31
“Sezvamunoda kuti vanhu vakuitirei, muvaitirewo saizvozvo.
สำรวจ Ruka 6:31
8
Ruka 6:29-30
Anokurova padama, umurinzire rimwewo; anokutorera nguo yokunze, usaramba nenguo yomukatiwo. Mumwe nomumwe anokumbira kwauri, umupe; noanokutorera zvako, usazvikumbirazve kwaari.
สำรวจ Ruka 6:29-30
9
Ruka 6:43
“Nokuti hakuna muti wakanaka unobereka zvibereko zvakaipa, kana muti wakaipa unobereka michero yakanaka
สำรวจ Ruka 6:43
10
Ruka 6:44
nokuti muti mumwe nomumwe unozikanwa nemichero yawo. Nokuti vanhu havatanhi maonde paminzwa, kana mazambiringa haatanwi parukato.
สำรวจ Ruka 6:44