Zvamungada kuziva pa Chirongwa ichi

Kutanga hukama naJesuChikamu

Beginning A Relationship With Jesus

DAY 2 OF 7

"Mibvunzo"



Vanhu vane unyanzvi munyaya dzezveukama vanowanzobvunza mibvunzo yakanakisisa . Apa Mwari inyanzvi.



Heino imwe mibvunzo yaMwari inoratidza unyanzvi:



Uripi? (Genesi 3:8-9)



Kubvira pakutanga kweBhaibheri, Mwari anotaridza divi iri reunhu hwake kubudikidza neukama naAdhamu naEvha—ukama hwekuvimbika, kusavandirana uye hwemazuva ose.



Muna Genesi 3, tinoverenga nezvaAdhamu naEvha vachisarudza kubva panaMwari uye kurarama vasina ukama naMwari. Ukama hwavo naMwari pahwakadambuka, Mwari akauya kuzotsvaga Adhamu naEvha. Haana kuuya kuzovaranga kana kuvanyadzisa, asi akauya kuzogadzirisa ukama hwanga hwadambuka.



Ukanzwa Mwari achiruramisa upenyu hwako, newewo, Mwari ari kukutsaga, kuti umuzive uye urarame muukama naye.



Unodei? (Johani 1:35-39)



Muna Johani 1, Tinoona Jesu achibvunza mubvunzo wakafanana newaMwari kune varume vaida kuziva. Akabvunza akati, "Unodeiko?” (Johani 1:38).



Varume vaibvunzwa vakanzvenga mubvunzo ndokuchinja nyaya, vachibvunza Jesu vachiti, "Munogarepi?" Pachinzvimbo chekutaura paaigara chaipo, akapindura akati, "Huyai muone" (Johani 1:39). Pane kupa mhinduro, anokukokai kwaari.



Kazhinji, vakawanda vedu vanoti kunaMwari, "Ndinoda chimwe chinhu kubva kwamuri," ipapo Mwari achiti kwatiri, "Ndinemi."

Imi munoti ndini ani? (Mateo 16:13-15)



Apa ndipo panotangira chiKiristu. Mhinduro yako kumubvunzo uyo ndiyo inotaura paunotangira, nokuti ndiyo inokutaurira pachena kuti unofungei maererano naJesu. Zvatinakirawo kuti Jesu paanotaura zvaari zvakanyorwa muBhaibheri, kusanganisira kuna Johani 10:36, Johani 11:25, Johani 10:11, and Johani 8:58.



Izvi ndizvo zvimwe zvakataurwa naJesu—mapinduriro aaiita mibvunzo ingabudisa kuti ndiye ani. Asi Jesu haamiri; Anozvitora owedzera kuti zvinyatsodzika-dzikal.



Unotenda izvi here? (Johani 11:25-26)



Jesu anotora izvi somuridzi wazvo nguva dzose. Anoti kuvadzidzi vake, "Ko imi—munoti ndini ani?” uye akati kuna Marita, pana Johani 11:25-26, “Unotenda izvi here?”



Jesu anobvunza mubvunzo umwe chete iwoyo kwatiri, uye kupindura mibvunzo iyi ndiwo mavambo ehukama hwedu naMwari, kuwana Mwari uye kuwana chokwadi. Uyezve, kuwana chokwadi kunotanga naJesu Kiristu.

Zuva 1Zuva 3

About this Plan

Beginning A Relationship With Jesus

Uchangotanga here hukama hutsva nokutenda kutsva muna Jesu Kristu?Unoda here kuziva zvime nezve kuva mukristu asi hauna chokwadi kuti unobvunza chii-kana-unobvunza sei?Zvino tangira pano. Zvakatorwa mubhuku rinonzi "Star...

More

Tinoda kutenda David Dwight,Nicole Unice uye David C Cook nokutipa chirongwa ichi. Kana muchida kuziva zvimwe,tapota endai pa http://www.dccpromo.com/start_here/

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy