Zvamungada kuziva pa Chirongwa ichi

Kutanga hukama naJesuChikamu

Beginning A Relationship With Jesus

DAY 4 OF 7

"Chipo"




Chimwe chezvinhu zvinoshamisa pamusoro pekutenda kwedu semaKristu ndechekuti hukama hwedu na Jesu chipo chinoda kugamuchirwa. Hapana kumanikidzira.




Pane imwe nguva pane mujaha akamhanya kuna Jesu akamuvhunza kuti "anga itei" kuti vawane hupenyu husingaperi (Mako 10:17–22). Sechijairira chaJesu, akaita kuti hurukuro iyi ionese mujaha hunhu hwake nemamiriro emoyo wake.




Naizvozvo Jesu haana kana kuvhunza mujaha uyu muvhunzo. Akangodoma mirairo yaitevedzerwa nevana veIsraeri, mujaha akapindura achiti, "Hongu, hongu, ndinoitevera yose!" Asi chakazotevera ndicho chinoshamisa. Mako 10:21 inoti, "Jesu akamutarisa akava nemoyo munyoro naye."




Jesu akatarisa. Haana kumuparidzira. Haana kumunongedzera. Asi chaakaita ndeichi, wakatarisana mujaha uyu akaisa pfungwa dzake dzese nemoyo wake pamunhu uyu, achimukoka kuti vavake hukama.




Jesus akamuda. Maive mukumutarisa makabuda rudo. Zvaisava mukuti mujaha akachengetedza mirairo kana mabasa ake akanaka. Jesu akamutarisa akamuda nokuda kwezvaive.




Zviri pachena kuti mujaha akafariramurangariro wekuti Jesu ndiani uye aida kuita sarudzo yakanaka. Asi Jesu paakamupa chipo chekuvaka hukama, akazviita nekuda kweshungu: "Enda, tengesa zvese zvaunazvo upe kuvarombo, kana wadaro uchawana hupfumi hwekudenga. Wouya, wonditevera." (Mateo 19:21)




Jesu paakatarira nekuva nemoyo munyoro kumujaha uyu, aiziva chaizvo zvaaifanira kuvhunza kuti moyo wake wechokwadi uonekwe. Mukutaura nyaya yepfuma, Jesu akabaya chaipo paibata-bata moyo we mujaha.




Saka Jesu akamutarisa, akamuda, akamupa sarudzo yekuvaka hukama. Asi mujaha akasarudza kusiyana nazvo. Uku ndokushamisa kwaMwari. Mwari ane simba muhukama hwake nesu tese, asi, anotipa rusununguko rwekubvuma kana kuramba hukama naye.




Dzimwe nguva vanhu vanoti, "Kana Mwari achida kuti tive nehukama naye, sei asina kutisika nemoyo yakangogara ichimuda?" Asi rudo harungoerekani rwuripo. Kana tikamanikidzwa kuti tigamuchire Jesu, kana kuti tive maKristu, hazvienderani nehunhu hwaMwari nedingindira reuKristu–kunyanya pakuti chipo chaJesu chinopihwa nekuda kwerudo, rudo rwemachokwadi.


Zuva 3Zuva 5

About this Plan

Beginning A Relationship With Jesus

Uchangotanga here hukama hutsva nokutenda kutsva muna Jesu Kristu?Unoda here kuziva zvime nezve kuva mukristu asi hauna chokwadi kuti unobvunza chii-kana-unobvunza sei?Zvino tangira pano. Zvakatorwa mubhuku rinonzi "Star...

More

Tinoda kutenda David Dwight,Nicole Unice uye David C Cook nokutipa chirongwa ichi. Kana muchida kuziva zvimwe,tapota endai pa http://www.dccpromo.com/start_here/

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy