Zvamungada kuziva pa Chirongwa ichi

Kutanga hukama naJesuChikamu

Beginning A Relationship With Jesus

DAY 5 OF 7

"New Identity"




Simba rokuita vana vaMwari rinowanikwa muna Jesu, uye nyaya huru inofadza ndeyekuti nokuda kwaJesu, Mwari anotaura pamusoro pedu zvinhu zvimwechetewo nezvaanaotaura pamusoro paJesu. Wagadzirira? Izvi: "Uri mwanakomana wangu, wandinoda; uye wandinofadzwa naye." (Mako 1:11)


Nokuda kwaJesu, Mwari anotaura pamusoro pako zvimwechetewo sezvaanotaura pamusoro paJesu. Mukutaura uku, Mwari anosimbisa ruzivo rwedu rwekuti tirivanani maari. Ongorora zvinhu zvitatu zviri panyaya iyi:




1. Uri mwanakomana wangu ...




Mwari paanoti, "Uri mwanakomana wangu," Arikutifananidza naye. Arikuti anoda kuti tibatanidzwe naye, tive pamwechete.




Nhau yekutanga muzita idzva iri ndeyekuti tiri vanhu vanofadza Mwari, vanhu vaanoda kubatanidzwa pamwechete navo. Mwari Arikuti, "Hongu, ndiye mwanasikana wangu; ndiye mwanakomana wangu." Haambozvibvisi patiri kana tatove vana vake. Zvinodadisa kuti Mwari ane mutsa nesu kunyange hunhu hwedu husingafadzi dzimwe dzenguva!




2. Wandinoda …




Dzimwe nguva muhukama zvinoitika kuti tisafarirane, kana kudanana. Kana uine hama yausingafariri unokwanisa kuzvinzwa uchiti, Ehe,ndinofanira kuzvitaura kuti ihanzvadzi yangu, asi handimufariri.




Asi Mwari haana hunhu sehwedu. Mwari haasi kungoti, "Hongu, mwanakomana wangu," asi Arikuti, “Ndinomuda mwanakomana uyu. Anerudo rwangu, Moyo wangu anawo uyendewake .”




3. Ndinofadzwa Newe




Mwari anopedzisira nekuti, "Ndinofadzwa newe." Mwari akagadzika nyeredzi arikuti anodada newe. Kwete umwe munhu—asi iwewe.




Sezvo tichikura mukunzwisisa rudo rwaMwari pamusoro pedu, maonero atinozviita anoshanduka. Zvese zvataimboita kutitiwane kukudzwa nekurumbidzwa—ikozvino tave nemhinduro. Kwete inobva kuvanhu, kana zvatingatenge zvisingazadze moyo yedu, kana zvinzvimbo ... asi zvinobva kunaMwari.


Zuva 4Zuva 6

About this Plan

Beginning A Relationship With Jesus

Uchangotanga here hukama hutsva nokutenda kutsva muna Jesu Kristu?Unoda here kuziva zvime nezve kuva mukristu asi hauna chokwadi kuti unobvunza chii-kana-unobvunza sei?Zvino tangira pano. Zvakatorwa mubhuku rinonzi "Star...

More

Tinoda kutenda David Dwight,Nicole Unice uye David C Cook nokutipa chirongwa ichi. Kana muchida kuziva zvimwe,tapota endai pa http://www.dccpromo.com/start_here/

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy