Zvamungada kuziva pa Chirongwa ichi

Kutanga hukama naJesuChikamu

Beginning A Relationship With Jesus

DAY 7 OF 7

"Zvino toita sei?"



Kuva muKirisitu kuva “munaJesu.” Kureva kuti unotanga hupenyu “hwekumutevera” uye “kuramba” uri maari. Zvinomborevei? Zvinoreva kuti tsvaga kukura paukama naye kuburikidza nekuuya nemwoyo wako wese, nemweya wako wese, nekufunga kwako kwese uye nekusimba kwako kwese muhukama uhwu (Mako 12:30; Ruka 10:27).



Hedzino nzira shanu dzekutevedza kuti tigare “muhukama” uhwu naJesu Kirisitu:



Pahukama neamwe maKirisitu



Kereke kureva vanhu vapinda muhukama naJesu uye varegererwa naJesu uye vachida kuraramira Jesu. Kukura muhukama naJesu kunosimbiswa nekuva mukereke. Imomo mukereke, nevamwe vatendi, tinodzidza,tinokura, tinobvunza mibvunzo, kumuraramira, uye kumutsvaga nekunamata Mwari pamwechete.



Mukutungamirirwa naMwari pakuverenga nekudzidza Bhaibheri



Uchikura muhukama hwako naJesu Kristu, uchadzidza zvakawanda zveBhaibheri. Bhaibheri ndiro shoko raMwari, uye ndiyo imwe yenzira dzakakosha dzaanozvitaridza nadzo uye zvaanoda muupenyu hwako uye zvaakakusikira. Kuwanda kweruzivo rwako rweBhaibheri, ndiko kuwanda kweruzivo rwako nezvaMwari pachake.



Mukutaura naMwari muminamato



Chinangwa chemunamato ndicho chimwe nechinangwa chedzimwe nhaurirano dzatingaita: kukura tichiswedera muhukama hunechirevo. Izvi zvinoreva kuti munamato unobata nyaya dzakawanda. Munamato unosanganisira kupanana mazano, kuteerera, kubvunza mibvunzo, kutsvaga rubatsiro, kuburitsa zviri pamwoyo kuti vakunzwisise, kureurura uye kuti une hurombo, kutenda, kana kungova pamwe.



Kutora matanho mukushumira



Kutora matanho nekushumira, kuvachengeta, kubuda kuenda kuvanhu kubuditsa mwoyo waMwari werudo kuvanhu, uye zvakanyanyokosha panzira yauchakura nayo muhukama hwako naJesu. Nei? Nekuti izvi ndizvo zvakaitwa naJesu. Jesu akati, “Nokuti kunyange Mwanakomana woMunhu haana kuuya kuzoshumirwa, asi kuzoshumira uye nokupa upenyu hwake kuti huve rudzikinuro rwavazhinji” (Mako 10:45).



Kubuditsa rudo rwaMwari mukIn expressing love for God through worship



Kushumira ndiko kutaridza chido nekutenda mabasa aMwari. Unogona kushumira uri wega kana muri zviuru nezviuru munhandare. Unoshumira chero mungava muchivakwa chekereke kana muzasi megomo. Kushumira ndiko kunobudisa chokwadi nekutendeka kwako panaMwari.



Kana wafarira chirongwa chino uye uchida kuwana mukana wekuwana mubairo webhuku racho, baya apa

Zuva 6

About this Plan

Beginning A Relationship With Jesus

Uchangotanga here hukama hutsva nokutenda kutsva muna Jesu Kristu?Unoda here kuziva zvime nezve kuva mukristu asi hauna chokwadi kuti unobvunza chii-kana-unobvunza sei?Zvino tangira pano. Zvakatorwa mubhuku rinonzi "Star...

More

Tinoda kutenda David Dwight,Nicole Unice uye David C Cook nokutipa chirongwa ichi. Kana muchida kuziva zvimwe,tapota endai pa http://www.dccpromo.com/start_here/

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy