Chifume chamangwana Johani akanga aripozve navadzidzi vake vaviri. Akati achiona Jesu achipfuura akati, “Tarirai, Gwayana raMwari!” Vadzidzi vaviri vakati vachimunzwa achitaura izvi, vakatevera Jesu. Jesu akatendeuka akavaona vachitevera akavabvunza akati, “Munodeiko?” Ivo vakati, “ ‘Rabhi’ (ndiko kuti Mudzidzisi), munogarepiko?” Akapindura akati, “Uyai muzokuona.” Saka vakaenda vakandoona paaigara, vakaswera naye kwezuva rimwe chete. Yakanga iri nguva inenge yegumi.
Verenga chikamu Johani 1
Terera ku Johani 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 1:35-39
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo