Zvamungada kuziva pa Chirongwa ichi

Kutanga hukama naJesuChikamu

Beginning A Relationship With Jesus

DAY 6 OF 7

"Mwari ndiani?"



Kunzwisisa zvinhu zvishoma-shoma maererano naMwari kunokubatsira paunotanga kumutevera. Ngatitaurei zvinhu zvina zveumwari:



Mwari anogara nokusingaperi



Mwari anoshandisa shoko ripi neripi zvaro kuzvitsanangura kunze kwenguva: kusvika kumagumo kwenguva, kusvika nariini, kusvika nokusingaperi, nhasi, kare, uye mberi. Mwari anogara nokusingaperi. Kusvika nokusingaperi hazvirevi nguva refu-refu kwazvo. Zvinoreva kuti "nariini nariini." Zvinoreva kuti "kunze kwenguva."



Mwari hukama



Bhaibheri rinodzidzisa pakwanda kuti Mwari anorarama ari vatatu vakabatanidzwa pamwe. Ndizvo zvinonzi Utatu-mumwe. Pane kuva Mwari umwe, Mwari ari mubhaibheri ndiye Mwari Baba, Mwari mwanakomana (Jesu Kirisitu), uye Mwari Mweya Mutsvene. Vanhu vakasiyana, asi vanorarama uye vanoshanda nehumwechete.



Mwari akakwana



Mwari haana pakashata uye haana panoda kugadziriswa. Haana zvisina kukwana—zveuMwari, kuchena, ruzivo, masimba, kana kugona. Kunyanya tichienzanisa nesu, Mwari akakwana patsika. Bhaibheri rinoti, "Mwari ndiye chiedza; maari hamuna rima zvachose." (1 Johani 1:5).



Mwari ndiye "zvese"



Mwari ari pese nguva dzese, Ane masimba ese, uye Ndiye anoziva zvese. Mashoko aya (nekurongwa kwawo) anoreva kuti Mwari ndiye "zvese" uye ane "masimba ese," uye "anoziva zvese." Anogona kuva pese pese nguva imwe, Ane masimba pamusoro pezvinhu zvese, uye Anoziva zvinhu zvese.



Ko zvese izvi zvinomborevei?



Kunzwisisa kuti mwari ariko kusvika nekusinga kunondipa tariro. Kuziva kuti anoda hukama zvinoreva kuti ndinogona kutaura naye. Kuziva kuti Mwari akakwana zvinoreva kuti chero ndisinganzwisisi ndinogona kuvimba naMwari. Uye kuziva kuti Ndiye zvese kunoreva kuti ndiye ane masimba ese, haana kutisiya tega, uye zvakashata zvese zvinokundwa.



Ko Mwari ndiani? Ndiye akakusika, ndiye anokuda kupfuura zvaungafunga zvese, uye ndiye akatipa Mwanakomana wake, Jesu Kirisitu, kuti agotifira kuti tigova nehukama naye kusvika nekusingaperi.



Kuziva Mwari kunoshandura maonero atinoita vamwe—tinotanga kuvaona semweya ichararama nekusingaperi, kwete mitumbi ichararama kwenguva pfupi.



Kuziva Mwari kunoita kuti titarisane nezvinorema neimwe nzira. Kuziva Mwari zvinoreva kuti hatifaniri kunzwa sekuti hupenyu hwakurova chamurambmhuru. Kuziva Mwari kunotigadzika pasi zvine kutenda uye zvine chinangwa. Kuziva Mwari kunotibatsira kuti tinzwisise upenyu.

Zuva 5Zuva 7

About this Plan

Beginning A Relationship With Jesus

Uchangotanga here hukama hutsva nokutenda kutsva muna Jesu Kristu?Unoda here kuziva zvime nezve kuva mukristu asi hauna chokwadi kuti unobvunza chii-kana-unobvunza sei?Zvino tangira pano. Zvakatorwa mubhuku rinonzi "Star...

More

Tinoda kutenda David Dwight,Nicole Unice uye David C Cook nokutipa chirongwa ichi. Kana muchida kuziva zvimwe,tapota endai pa http://www.dccpromo.com/start_here/

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy