Mabasa 6
6
Vanotsanangura varume vanomwe kuchengeta chirikadzi
1Zvino namazuva iwayo, vadzidzi vachiwanda, vaJudha, vaitaura chiGiriki, vakanyunyutira vaHebheru, nokuti chirikadzi dzavo dzaidarikwa pakugoverwa kwomusi mumwe nomumwe. 2Zvino vane gumi navaviri vakadana vadzidzi vazhinji, vakati, “Hakuzakafanira kuti isu tirege kuparidza shoko raMwari, tishumire pamatafura. 3Zvino hama dzangu, tsanangurai pakati penyu varume vanomwe, vanopupurirwa zvakanaka, vazere naMweya nouchenjeri, vatingaisa pabasa iri. 4Asi isu tichatsungirira pakunyengetera napabasa rokuparidza shoko.”
5Shoko iri rikafadza vazhinji vose, vakatsanangura Sitefano, murume akanga azere nokutenda naMweya Mutsvene, naFiripi, naPirokoro, naNikano, naTimoni, naPamenasi, naNikorasi, nyakupindukira kuchiJudha weAndioki. 6Vakavaisa pamberi pavapostori; vakanyengetera, vakaisa maoko pamusoro pavo.
7Shoko raMwari rikakura, vadzidzi vakawanda zvikuru muJerusaremu; navapristi vazhinji vakagamuchira kutenda.
Sitefano anourawa
8Zvino Sitefano, azere nenyasha nesimba, akaita zvinoshamisa nezviratidzo zvikuru pakati pavanhu.
9Ipapo vamwe vavo, vaiva vesinagoge rainzi ravasununguki, navaKurene, navaArekizandiriya, naveKirikia, naveAsia, vakasimuka vakaita nharo naSitefano. 10Asi vakanga vasingagoni kukunda kuchenjera kwake, naMweya waaitaura naye. 11Ipapo vakamutsa varume, vaiti, “Takamunzwa achitaura mashoko anomhura Mosesi naMwari.” 12Vakakurudzira vanhu, navakuru, navanyori; vakamuwira, vakamubata, vakamuisa kumakurukota, 13vakaisapo zvapupu zvenhema, zvaiti, “Munhu uyu haaregi kutaura mashoko anomhura imba iyi tsvene nomurayiro.
14“Nokuti takamunzwa achiti, ‘Uyu Jesu weNazareta achaparadza nzvimbo iyi nokusandura tsika dzatakapiwa naMosesi.’ ” 15Zvino vose vakanga vagere pamakurukota, vakamutarisisa, vakaona chiso chake chakaita sechiso chomutumwa.
اکنون انتخاب شده:
Mabasa 6: SNA2002
هایلایت
کپی
مقایسه
به اشتراک گذاشتن
می خواهید نکات برجسته خود را در همه دستگاه های خود ذخیره کنید؟ برای ورودثبت نام کنید یا اگر ثبت نام کرده اید وارد شوید
© Shona Union Version 2002

: