1
Varoma 10:9
Shona Bible 1949, revised 2002
SNA2002
kana, kuti uchipupura nomuromo wako kuti Jesu ndiye Ishe, nokutenda mumwoyo mako, kuti Mwari akamumutsa kuvakafa, uchaponeswa
مقایسه
Varoma 10:9 را جستجو کنید
2
Varoma 10:10
nokuti munhu anotenda nomwoyo, ndokururamiswa; anopupura nomuromo, ndokuponeswa.
Varoma 10:10 را جستجو کنید
3
Varoma 10:17
Naizvozvo kutenda kunouya nokunzwa, nokunzwa kunouya neshoko raKristu.
Varoma 10:17 را جستجو کنید
4
Varoma 10:11-13
Nokuti Rugwaro runoti, “Aninaani anotenda kwaari, haanganyadziswi.” Nokuti muJudha nomuGiriki havasiyani; nokuti mumwe ndiye Ishe wavose, akapfuma kuna vose vanodana kwaari; nokuti aninaani anodana kuzita raIshe, achaponeswa.
Varoma 10:11-13 را جستجو کنید
5
Varoma 10:15
Vachaparidza seiko, kana vasingatumwi? Sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Dzakanaka sei tsoka dzavanouya namashoko omufaro ezvinhu zvakanaka?”
Varoma 10:15 را جستجو کنید
6
Varoma 10:14
Zvino vachagodana seiko kuna iye, wavasina kutenda kwaari? Vachatenda seiko kuna iye, wavasina kunzwa? Vachanzwa seiko kana kusina muparidzi?
Varoma 10:14 را جستجو کنید
7
Varoma 10:4
Nokuti Kristu ndimugumo womurayiro, kuti mumwe nomumwe anotenda aruramiswe.
Varoma 10:4 را جستجو کنید