YouVersion Logo
Search Icon

Mateo 7

7
Rekai Kutonga Vamwe
(Ruka 6:37,38,41,42)
1“Rekai kutonga, kuti imipa mureke kutongewawo, 2ndava nomutongo wamunotonga nawo abiyenyu ndiwo wamuchatongewawo nawo, nomhimo yamunopima nayo ndiyo yamuchapimihwawo. 3Sei uchiona kasesu kari muziso rohama yako, asi usingaone danda riri muziso rako? 4Kana ungati sei kuhama yako, ‘Reka ndikubise kasesu kari muziso rako’ imo muziso mako iwewe muno danda? 5Iwe munyengeri, thanga wabiritsa danda riri muziso rako, ipopo uchaona mushe kubiritsa kasesu kubva muziso rohama yako. 6Rekai kupasa imbwa zvinhu zvitsvene, dzingadzochungunuka dzichikukekechurai, futi regai kukhandira humba usanga hwenyu hunokosha, ndava dzingadzohutsika tsika.”
Ruvirai, Tsvagai, Gugudzai
(Ruka 11:9-13)
7“Kumbirai, muchapasiwa, tsvagai, muchawana, gugudzai, muchazururihwa. 8Nokuti wese anokumbira anopasiwa, noanotsvaga anowana, noanogugudza anozururihwa. 9Ngupi munhu pakati penyu, angati kana mwanakomana wache akamukumbira zingwa, anomupasa ibhwe? 10Kana kuti akamukumbira hove anomupasa nyoka? 11Manje kana imipa, vadoipa, muchiziva kupasa zvipo zvidonaka kuvana venyu, Baba venyu vari kudenga vachakungudzitsa peno kupasa zvinhu zvidonaka kuno avo vanovaruvira!
12Saka zvese zvamunoda kuti vanhu vakuitirei imipa vaitirei zvakarezvo, ndava zvakarezvi ndizvo zvinoreva mutemo novaporofiti.”
Musuwo Udosvanika
(Ruka 13:24)
13“Pindai nomusuwo udosvanika, ndava musuwo udophanyuka nonzira idoreruka kutekaira inoenda pakuparadziwa, novanopinda nayo mbazinji 14Nokuti musuwo udosvanika nonzira inonetsa, inoenda kuupenyu, vanoiwana mbashoma.”
Muti noMichero Wawene
(Ruka 6:43-44)
15“Chenjererai vaporofiti vomabhwodo, vanouya kwamuri vadosimira matehwe yomahwai asi mukati yari masvitsi yanorungwa. 16Muchavaziva nozvibereko zvavo. Mazambiringa yanothanziwaba pamwinza, kana huyu pamiti yomwinza. 17Saka muti wese udonaka unobereka muchero udonaka, asi muti udoipa unobereka muchero udoipa. 18Muti udonaka unoberekaba muchero udoipa, nomuti udoipa unoberekaba muchero udonaka. 19Muti wese usingabereke muchero udonaka unotemewa uchikhandiwa mumoto. 20Saka, muchavaziva nozvibereko zvavo peno.”
Handinai Kana Kukuzivai
(Ruka 13:25-27)
21“Haasi wese anoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe’ achapinda muumambo hwokudenga peno, asi uyo anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga. 22Pazuva rakarero, vazinji vachati kwandiri, ‘Ishe, Ishe! Hatinai chere kuporofita muzita renyu, nokudzinga mashave muzita renyu nokuita mabasa yosimba mazinji muzita renyu!’ 23Ipopo ndichavadurira, ‘Handinai kukuzivai. Ibvai pano, imimi vaiti vozvidoipa.’”
Muvakhi Anonzeru noMuvakhi Dzemwa
(Ruka 6:47-49)
24“Saka wese anonzva mashoko yangu yakareya achiyaita achafanana nomumhu adochenjera adovakhira imba yache paruware. 25Mvura idona, mafashamu yadouya, duthu ridopupuza ndokurova imba yakareyo. Asi hainai kuwa, ndava yanga idovakhihwa paruware.
26Nowese anonzva mashoko yangu yakareya asingayaite achafanana nomunhu dzemwa adovakhira imba yache pajecha. 27Mvura idona, mafashamu yadouya, duthu ridopupuza richirova imba yakareyo, ichibva yawa. Nokuwa kwayene kudokuritsa peno!”
Ukuru hwaJesu
28Jesu paadopedza kunyaira kwakareku, gurusvusvu ridoshamisika nomadzidzisiro yache. 29Nokuti adovadzidzisa semunhu anoukuru, asingaite kunge vanyori vavo.

Currently Selected:

Mateo 7: KBT

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in