Mateo 2
2
Varume Vaidzidza zvoNyenyedzi
1Zvino Jesu paadozvahwa muBheterehema roJudhiya mumazuva yamambo Herudhe, varume vaidzidza zvonyenyedzi vadosvika muJerusarema vachibva kumabvazuva. 2Vadoti, “Ari poi uyo adozvahwa ari mambo wovaJudha? Ndava tidoona nyenyedzi yache kumabvazuva, tauya kudzomunamata.”
3Zvino mambo Herudhe paadonzva zvakarezvo, adonetseka pabodzi novese muJerusarema. 4Adounganidza vaphirisita vakuru vese novadzidzisi vovanhu, achivabvunza kwaidzozvarihwa Khirisitu.
5Vadomunyepa kuti, “MuBheterehema roJudhiya. Ndava ndizvo zvidonyohwa nomuporofiti achiti,
6‘Naiwepa Bheterehema munyika yaJudha,
ndiweba mudikitsa pakati povatongi vovaJudha.
Ndava mauri muchabva mutongi
acharisa vanhu vangu vaIzirairi.’”
7Pakarepo Herudhe adodaidza kabisira varume vaidzidza zvonyenyedzi kuti azive kubva kwavari nguwa idooneka nyenyedzi. 8Adovatuma kuBheterehema achiti, “Endai kobvunzitsitsa zvomwana, kana mamuwana mundivikhire shoko, kuti nainipanowo ndiuye kudzomunamata.”
9Pavadonzva mambo vadopinda munzira yavo. Pakarepo vadobva vaona nyenyedzi yavanga vaona kumabvazuva yaakuvatungamira, kusvikira yamira pamusoro panzvimbo yanga ino mwana. 10Pavadoona nyenyedzi vadoingidzika kufara nomufaro mukuru. 11Pavadopinda mumba vachiona mwana naMariya amai vache. Vadokotamira pasi vachimunamata. Ipopo vadovhura zvipo zvavo ndokumupasa, ndarama, zvinonushira nomura.
12Kudzoti vachenjedzewa muchiroto, kuti vareke kudzokera kuna Herudhe, vadoenda kunyika yavo noimwe nzira.
Kutizira kuIjipiti
13Vadzidzi vonyenyedzi pavadondobva, ngirozi yaIshe idozvinangidza kuna Josefa muchiroto ichiti, “Sumuka, utore mwana namai vache, utizire kuIjipiti. Ugare kwakareko kusvikira ndakunyepa, ndava Herudhe wava kutsvaga mwana kuti amupunze.”
14Ipopo Josefa adomuka usiku ndokutora mwana namai vache, ndokuenda kuIjipiti. 15Vadogara kwakareko kusvikira pakupfa kwaHerudhe. Uku kwanga kuri kuzazisa zvidonyaihwa naIshe kuburikidza nomuporofiti achiti, “Kubva kuIjipiti ndidodaidza mwanakomana wangu.”
Kupunziwa Kwovakomana
16Zvino Herudhe paadoona kuti wabatisiwa dombo novarume vaidzidza zvonyenyedzi, adopupuma noukari. Adobva waraira kuti vanakomana vese vanomakore mairi zvichidzika vapunziwe muBheterehema, nomudunhu rese. Zvichienderana nonguwa idotauhwa novarume vaidzidza zvonyenyedzi.
17Ipopo padozazisiwa zvidonyaihwa namuporofiti Joromiya achiti,
18“Izvi ridonzvika muRama,
maundu nomhere ikuru.
Rakeri achiririra vana vache,
achiramba kunyaradziwa,
ndava havachisipo.”
Kudzoka kubva kuIjipiti
19Kudzoti Herudhe wapfa, ngirozi yaIshe idozvinangidza kuna Josefa mukurota muIjipiti, 20ichiti, “Sumuka, utore mwana namai vache muende kunyika yaIzirairi, ndava vaye vaitsvaga upenyu hwomwana, vadopfa.” 21Adosumuka ndokutora mwana namai vache, vachidzokera kunyika yaIzirairi.
22Asi paadonzva kuti Akerausi wava kutonga kuJudhiya pachinzvimbo chababa vache Herudhe, adocha kukuenda pakare. Nokuchenjedzewa muchiroto, adodzonanga kudunhu rikuru roGaririya. 23Adoenda kogara muguta rinoitiwa Nazareta, kuti zvidonyaihwa novaporofiti zvokuti, “Achatenzewa kuti muNazarini,” zvizazisiwe.
Currently Selected:
Mateo 2: KBT
Highlight
Share
Copy

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
The Word for The World International