Mateo 13
13
Mufananidzo woMujari
(Mariko 4:1-9; Ruka 8:4-8)
1Pazuva ribodzibodziro Jesu adobirika mumba achienda kogara panyasi pogungwa. 2Gurusvusvu rikuru ridoungana kwaari zvokutoti adodzopinda mukamwadiya ndokugarikika makaremo, gurusvusvu rese ridomira kumhera kwogungwa. 3Adovanyepa zvinhu zvidowanda nomifananidzo.
Adoti kwavari, “Mujari adoenda kojara mbeu. 4Paanga achijara, dzimwe mbeu dzidombwerera munzira, tushiri tudouya ndokudzija. 5Dzimwe mbeu dzidombwerera pamabhwe, padzidosaya ivhu ridowanda. Dzidobva dzamera nokamangu, nokuti ivhu ranga riri rishoma. 6Asi zuva paridobirika, dzidotsva, futi nondava yokuti mudzi yadzene yanga isinai kudzika pasi, dzidouna ndokuoma. 7Dzimwe mbeu dzidombwerera panomwinza, mwinza idokura ndokudzivhinga. 8Dzimwe mbeu dzidombwerera paivhu ridonaka, ndokubereka zvibereko, zvimwe zvidopetewa kazana, zvimwe zvidopetewa makumi matanhatu, zvimwewo zvidopetewa makumi matatu.
9Anonzeve, mbaatetekere anzve!”
Zvinangwa zvoMifananidzo
(Mariko 4:10-12; Ruka 8:9,10)
10Ipopo vadzidzi vadouya ndokuti kwaari, “Munonyairireiko kwavari nomifananidzo?”
11Adovapindura achiti, “Imimi mudopasiwa kuti muzive zvidohwanda zvoumambo hwokudenga, asi ivo havanai kupasiwa. 12Ndava kuno anazvo achapasiwa zvidowanda, wova nozvizinji, asi asinai nochaanofungacho kuti anacho achatorehwa. 13Ndicho chikonzero ndichivanyairira nomifananidzo ndava vanoona, vasingaonetsetse, vanonzva, asi vasinganzvitsitse, futi havanzvitsitse. 14Pavari kuporofita kwaIsaya kuri kuzazisiwa kunoti,
‘Kunzva muchanzva asi musinganzvitsitse,
futi kuona muchaona asi musingaonetsetse,
15nokuti mwoyo yovanhu vakareva yatindivara,
nonzeve dzavo dzaneta kunzva
futi vatsinzina meso yavo.
Zvidoitihwa kuti varege kudzoonetsetsa nomeso yavo,
nokunzva nonzeve dzavo,
nokunzvitsitsa nomwoyo wavo,
kuti vatendeukire kwandiri,
kuti ndivaporese.’
16Asi meso yenyu yadokomborehwa, ndava yanoona, nonzeve dzenyu dzidokomborehwa ndava dzinonzva. 17Chokwadi ndinoti kwamuri, vaporofiti vazinji novadorurama vazinji vaiditsitsa kuona zvamunoona, asi havanai kuzviona nokunzva zvamunonzva, asi vadozvinzvaba.”
Jesu Anotsumbudzura Mufananidzo woMujari
(Mariko 4:13-20; Ruka 8:11-15)
18“Chinzvai manje mufananidzo womujari. 19Kana munhu akanzva shoko roumambo asi asingarinzvitsitse, adoipa anouya achibvuta chidojariwa mumwoyo mache, yakarei ndiyo mbeu idombwerera munzira. 20Dzidombwerera pamabhwe nguye anonzva shoko woritambira nokamangu nomufaro. 21Asi kana asinai midzi maari, anotsungirira kwokanguwa kapfupi. Saka panouya nhamu kana kutambudziwa nokuda kwoshoko, anowa nokamangu. 22Mbeu idombwerera mumwinza nguye anonzva shoko, asi nokuda kwohanya yozvonyika nokufarira upfumi zvinovhunga shoko, rotadza kuva nozvibereko. 23Asi mbeu idombwerera paivhu ridonaka nguye anonzva shoko worinzvitsitsa, wobereka zvibereko, zvidopetewa kazana, imwe makumi matanhatu, imwewo makumi matatu.”
Mufananidzo woSora
24Jesu adoisa umwe mufananidzo pamberi pavo achiti, “Umambo hwokudenga hungafananidziwe nomunhu adojara mbeu idonaka mumunda wache, 25asi vanhu pavanga vadoenzera, mhandu yache idouya ndokujara sora mukati mogorosi, ndokuenda. 26Saka zvirimwa pazvidomera zvichibereka zvibereko, sora ridoonekawo. 27Vashandi vomwenekachiro woimba vadouya kwaari vachiti, ‘Tenzi, handiti mudojara mbeu idonaka mumunda menyu, ko sei madzomera sora?’ 28Iye adoti kwavari, ‘Mhandu ndiyo idoita izvozvi.’ Vashandi vadoti kwaari, ‘Saka munoda chere kuti tiende koridzura?’ 29Asi iye adoti, ‘Neye, pamunenge muchidzura sora mungadzuririre kubodzi nogorosi. 30Zvirekei zvikurire pabodzi kusvikira pakukohwa. Panguwa yokukohwa ndichaudza vakohwi kuti vathange kuunganidza sora, vorisunga mumisumbu kuti ripisiwe, vodzounganidza gorosi vachiriisa muchitura changu.’”
Mufananidzo woMbeu yomasitadhi
(Mariko 4:30-32; Ruka 13:18,19)
31Umwe mufananidzo adoisa pamberi pavo, achiti, “Umambo hwokudenga hudoita kunge kambeu kadikidiki komastadhi kadotohwa nomunhu ndokukajara mumunda mache. 32Iko kadiki pambeu dzese, asi pakanokura ndiko kanokunda zvirimwa zvomudimba kanotodzoita muti, zvokuti tushiri tomudenga tunouya tuchiita usanza hwatene mumathai yawene.”
Mufananidzo woMbiriso
(Ruka 13:20,21)
33Jesu adovanyepa umwe mufananidzo achiti, “Umambo hwokudenga hunenge mbiriso idotohwa nomukadzi achiidira muzviyero zvitatu zvofurau, kusvikira yafufumisa mukanyiwa wese.”
Kushandisa Mifananidzo kwaJesu
(Mariko 4:33-34)
34Zvese izvi Jesu adozvinyaira kugurusvusvu zviri mumifananidzo, futi hapanai chaadovanyepa chisiri mumufananidzo. 35Uku kwanga kuri kuzazisa zvidorehwa nomuporofiti:
“Ndichashamisa muromo wangu mumifananidzo,
Ndichanyaira zvidohwanziwa kubva pakusikiwa kwonyika.”
Jesu Anotsumbudzura Mufananidzo woSora
36Ipopo adosiya gurusvusvu achibva wapinda mumba. Zvino vadzidzi vache vadouya kwaari vachiti, “Titsumbudzurirei zvinoreva mufananidzo wosora mumunda.”
37Adopindura achiti, “Anojara mbeu idonaka ndiye Mwanakomana woMunhu, 38munda ndiyo nyika, mbeu idonaka inoreva vanakomana voumambo, sora ndivo vanakomana vajabhurosi, 39mhandu idovajara ndijabhurosi, kukohwa ndiko kuguma kwonyika, vakohwi ingirozi. 40Sekuunganidziwa kunoitiwa sora richipisiwa nomoto, ndizvo zvichaitika pakuguma kwonyika. 41Mwanakomana woMunhu achatuma ngirozi dzache, dzichaunganidza kubva muumambo hwache zvese zvinokonzera chitadzo novaiti vozvidoipa vese, 42dzichavakhandira mubimbimbi romoto, makaremo vanhu vacharira nokugedageda meno yavo. 43Ipopo vadorurama vachapenya kunge zuva muumambo hwaBaba vavo. Anonzeve, mbaatetekere anzve!
Mufananidzo woPfuma Idosvisviwa
44“Umambo hwokudenga hunenge pfuma idosvisviwa mukati momunda, idodzowaniwa nomunhu achibva waifuchira, zvino nomufaro wache adoenda ndokutengesa zvese zvaanga anazvo achitenga munda wakareyo.
Mufananidzo woParera
45“Pakare umambo hwokudenga hudoita kunge munhu womaronda ari kutsvaga usanga hudonakitsitsahwo, 46iye adoti wawana usanga hudokoshetsa, adoenda ndokutengesa zvese zvaanga anazvo achibva wahutenga.”
Mufananidzo woMambure
47“Pakare umambo hwokudenga hudoita kunge mambure yadokhandiwa mugungwa yachibva yajorera hove dzomarudzi yese, 48payadozara, vanhu vadoyadhonzera kunze ndokugarikika pasi vachikamura dzidonaka vachidziisa mumidziyo asi vachitaya dzidoipa. 49Saka zvakarezvo ndizvo zvichaitika pakuguma kwonguwa. Ngirozi dzichabuda dzichikamura vadoipa kubva pano vadorurama, 50dzichivakhandira muvira romoto, makaremo vanhu vacharira nokugedageda meno yavo.”
Chokwadi Chitsva noChokare
51“Izvozvi zvese mazvinzvitsitsa chere?”
Vadoti kwaari, “Inde.”
52Uye adoti kwavari, “Saka mudzidzisi wese womutemo adodzidzisiwa zvoumambo hwokudenga adoita kunge mwenekachiro woimba anobiritsa kubva papfuma yache zvitsva nozvitsaru.”
Jesu Anorambiwa paNazareta
(Mariko 6:1-6; Ruka 4:16-30)
53Jesu paadopedza mifananidzo yakarei, adobirika kubva pakarepo. 54achiuya muguta rache adovadzidzisa musinagoge ravo, zvokuti vadoshamisika, vachiti, “Anga munhu iyeyu adowana poi uchenjeri ihwohu nomabasa iyoya yosimba? 55Anga wakareyu mwanakomanaba womuvezi nai? Amai vache vanoitiwaba Mariya, novanin'ina vache havasi Jakobho, naJosefa, naSimoni, naJudhasi chere? 56Nohanzvadzi dzache dzese hadzisi pano chere? Saka nghupi kwaadowana zvesezvi munhu iyeyu?” 57Vadobva vaita chisembu naye.
Asi Jesu adoti kwavari, “Muporofiti haasaye kukudziwa kusiya kwomuguta rache nomumba mache basi.” 58Haanai kudzoita mabasa yosimba yadowanda makaremo, nondava yokusatenda kwavo.
Currently Selected:
Mateo 13: KBT
Highlight
Share
Copy

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
The Word for The World International