Jona 3
3
Jona anotumwazve Ninivha, vanhu vanotendeuka
1Zvino shoko raJehovha rakasvika rwechipiri kuna Jona, richiti, 2“Simuka, uende Ninivha, riya guta guru, undoriparidzira zvandichakuraira kuti uparidze.” 3Ipapo Jona akasimuka, akaenda Ninivha, sezvaakarairwa neshoko raJehovha. Zvino Ninivha raiva guta guru–guru, rwendo rwamazuva matatu kupfuura nomo. 4Jona akatanga kupinda muguta, achifamba rwendo rwezuva rimwe, akadana, achiti, “Kwasara mazuva makumi mana, ipapo Ninivha richaparadzwa.”
5Vanhu veNinivha vakatenda Mwari, vakatara nguva yokuzvinyima zvokudya, vakafuka masaga, kubva kuvakuru pakati pavo kusvikira kuvaduku pakati pavo.
6Shoko rikasvika kuna mambo weNinivha, akasimuka pachigaro chake choushe, akabvisa nguo yake, akafuka saga, nokugara mumadota. 7Akaraira, akaparidza muNinivha rose chirevo chamambo nechavakuru vake achiti, “Vanhu kana zvipfuwo, kana mombe kana makwai, ngazvirege kutongoravira chinhu, ngazvirege kufura kana kunwa mvura; 8asi vanhu nezvipfuwo ngazvifukidzwe masaga, ngavadane kuna Mwari nesimba; ngavatendeuke mumwe nomumwe panzira yake yakaipa napakuita nesimba namaoko ake.
9“Ndianiko angaziva, zvimwe Mwari ungadzoka akazvidemba, akadzoka pakutsamwa kwake kukuru, tikarega kuparadzwa?”
10Mwari akaona zvavakaita, kuti vakatendeuka panzira yavo yakaipa, Mwari akazvidemba pamusoro pezvakaipa zvaakati ndichavaitira; akasazviita.
Currently Selected:
Jona 3: SUB
Highlight
Copy
Compare
Share
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.