Bible App logo
Search Icon

Jeremiya 45

45
Shoko raJeremiya kuna Bharuki
1Shoko, rakataurwa nomuporofita Jeremiya kuna Bharuki mwanakomana waNeria, panguva yaakanyora mashoko aya mubhuku, zvichibva mumuromo waJeremiya, negore rechina raJehoiakimu mwanakomana waJosiya, mambo waJudha, richiti, 2“Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, kwauri, iwe Bharuki, 3iwe wakati, ‘Ndine nhamo zvino, nokuti Jehovha akawedzera kuchema pakurwadziwa kwangu; ndaneta nokugomera kwangu, ndinoshaiwa zororo.’
4“Zvino chiti, kwaari, ‘Zvanzi naJehovha, tarira, chandakavaka ndichachikoromorazve, chandakasima ndichachidzurazve; ndizvo zvandichaitira nyika yose.’ 5Iwe unozvitsvakira zvinhu zvikuru here? Usazvitsvaka; nokuti tarira, ndichauyisa zvakaipa pamusoro penyama yose ndizvo zvinotaura Jehovha; asi ndichakupa upenyu hwako chive chinhu chakapambwa panzvimbo dzose kwaunoenda.”

Currently Selected:

Jeremiya 45: SUB

Highlight

Copy

Compare

Share

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

Video for Jeremiya 45