YouVersion Logo
Search Icon

Mateo 12

12
Ishe weSabata
1Panguva iyoyo Jesu akapfuura nomuminda yaiva nezviyo uri musi weSabata. Vadzidzi vake vakanga vava nenzara ndokubva vatanga kupurura hura hwezviyo zviya vachidya. 2VaFarisi pavakazviona, vakati kwaari, “Tarirai, vadzidzi venyu vari kuita zvisingabvumirwi nomusi weSabata.”
3Akati kwavari, “Ko, hamuna kuverenga here zvakaitwa naDhavhidhi navamwe vake pavakanga vava nenzara? 4Akapinda muimba yaMwari iye nevamwe vake vakadya chingwa chitsvene chavaisabvumirwa kudya, asi chaingodyiwa navaprista chete. 5Kana kuti hamuna kuverenga here muMurayiro kuti nomusi weSabata vaprista mutemberi vanosvibisa zuva iri asi vasingapiwi mhosva? 6Ndinokuudzai kuti mukuru kupfuura temberi ari pano. 7Dai maiziva zvinorehwa namashoko anoti, ‘Ndinoda ngoni, kwete zvibayiro,’ hamaizopa mhosva vasina mhosva. 8Nokuti Mwanakomana woMunhu ndiye Ishe weSabata.”
9Achipfuurira mberi kubva panzvimbo iyoyo, akapinda musinagoge ravo, 10uye makanga muno murume akanga ano ruoko rwakanga rwakakokonyara. Vachitsvaka mhosva yokupomera Jesu vakamubvunza vakati, “Zviri pamutemo here kuporesa nomusi weSabata?”
11Akati kwavari, “Kana mumwe wenyu aine gwai, rikawira mugomba nomusi weSabata, haangatambanudzi ruoko rwake akaribudisa here? 12Ko, zvino munhu anokosha zvakadini pane gwai! Naizvozvo zviri pamutemo kuita zvakanaka nomusi weSabata.”
13Akati kumurume uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Akarutambanudza rukapora rukava sorumwe. 14Asi vaFarisi vakabuda kundorangana kuti vangamuuraya sei.
Muranda Akasarudzwa naMwari
15Achiziva izvi, Jesu akabva panzvimbo iyi. Vazhinji vakamutevera, akaporesa varwere vavo vose. 16Akavayambira kuti vasafamba vachitaura kuti iye ndiye ani. 17Izvi zvakanga zvichizadzisa zvainge zvataurwa nomuprofita Isaya achiti:
18“Houno muranda wangu wandakasarudza,
wandinoda, anondifadza;
ndichaisa Mweya wangu paari,
iye achazivisa nyika kutonga kwakarurama.
19Haazokakavari kana kuridza mhere;
hakuna anozonzwa inzwi rake mumigwagwa.
20Rutsanga rwakapwanyika haangarutyori,
nomwenje unopfuta zvishoma haangaudzimi,
kusvikira atungamirira kutonga kwakarurama mukukunda.
21Marudzi ose achaisa tariro yawo muzita rake.”
Jesu naBheerizebhubhi
22Ipapo vakauya kwaari nomurume akanga akabatwa nedhimoni ari bofu uye ari mbeveve, uye Jesu akamuporesa, zvokuti akagona zvose kutaura nokuona. 23Vanhu vose vakashamiswa uye vakati, “Kuti uyu angava Mwanakomana waDhavhidhi here?”
24Asi vaFarisi pavakanzwa izvi, vakati, “NdiBheerizebhubhi chete, muchinda wamadhimoni, waanodzinga naye madhimoni.”
25Jesu akaziva pfungwa dzavo akati kwavari, “Umambo hwose hunozvipesanisa huchaparara, uye guta ripi neripi kana imba ipi neipi inozvipesanisa haingamiri. 26Zvino kana Satani achibudisa mumwe Satani, zvinoreva kuti anozvipesanisa. Saka umambo hwake hungamira sei? 27Zvino kana ini ndichibudisa madhimoni naBheerizebhubhi, ko, vanakomana venyu vanoabudisa naani? 28Asi kana ndichibudisa madhimoni noMweya waMwari zvinoreva kuti umambo hwaMwari hwasvika kwamuri.
29“Uyezve, munhu angapinda sei mumba momunhu ane simba agoenda nezvinhu zvake asina kutanga asunga munhu uyu ane simba? Ipapo anogona kuzopamba imba yake.
30“Uyo asineni anopesana neni, nouyo asingaunganidzi neni anoparadza. 31Uye naizvozvo ndinokuudzai kuti, vanhu vacharegererwa zvivi zvose nokumhura kwose asi kumhura Mweya hakuzoregererwi. 32Ani naani achataura zvakaipa pamusoro poMwanakomana woMunhu acharegererwa, asi ani naani achataura zvakaipa pamusoro poMweya Mutsvene haazoregererwi, kunyange panguva ino kana inouya.
33“Itai kuti muti uve wakanaka uye michero yawo ichava yakanaka kana kuti itai kuti muti uve wakaipa, uye michero yawo ichava yakaipa, nokuti muti uchazivikanwa nemichero yawo. 34Imi vana venyoka, zvingaitike here kuti imi makaipa kudai mutaure chipi zvacho chakanaka? Nokuti muromo unotaura zviri mumwoyo. 35Munhu akanaka anobudisa zvakanaka zvagara zviri mudura romwoyo wake, uye munhu akaipa anobudisa zvakaipa zvagara zviri mudura romwoyo wake. 36Asi ndinokuudzai kuti vanhu vachazvidavirira pamusi wokutongwa pamusoro peshoko rimwe nerimwe ravakataura risina maturo. 37Nokuti namashoko ako ucharuramisirwa, uye namashoko ako uchawanikwa une mhosva.”
Chiratidzo chaJona
38Ipapo vamwe vaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakati kwaari, “Mudzidzisi, tinoda kuona chiratidzo chechishamiso kubva kwamuri.”
39Akavapindura akati, “Rudzi rwakaipa nerwoupombwe runokumbira chiratidzo! Asi hapana chiratidzo chichapiwa kwarwuri kunze chete kwechiratidzo chomuprofita Jona. 40Nokuti Jona sezvaakaita mazuva matatu nousiku hutatu ari mudumbu rehove huru, saizvozvo Mwanakomana woMunhu achava mumwoyo wenyika kwamazuva matatu nousiku hutatu. 41Vanhu veNinevhe vachamira pakutongwa pamwe chete norudzi urwu uye vacharupa mhosva; nokuti vakatendeuka pakuparidza kwaJona, uye zvino mukuru kuna Jona ari pano. 42Mambokadzi weZasi achasimuka pakutongwa pamwe chete norudzi urwu uye acharupa mhosva, nokuti akabva kumagumo enyika kuti azoteerera kuuchenjeri hwaSoromoni, uye zvino mukuru kuna Soromoni ari pano.
43“Kana mweya wakaipa wabva pano munhu, unofamba-famba nomunzvimbo dzakaoma uchitsvaka zororo asi unorishaya. 44Ipapo unoti, ‘Ndichadzokera kumba kwandakabva.’ Kana wasvika, unosvikowana imba iya isina ageremo, asi yakanyatsotsvairwa zvakachena nokunyatsorongedzwa zvakanaka. 45Ipapo unobva waenda kundotsvaka mimwe mweya minomwe yakaipa kukunda iwo, uye inopinda igogaramo. Uye kupedzisira kwomunhu uyu kwakaipa kupfuura kutanga kwake. Ndizvo zvazvichaita kurudzi urwu rwakaipa.”
Mai vaJesu naVanunʼuna Vake
46Jesu paakanga achiri kutaura kuvanhu vazhinji, mai vake navanunʼuna vake vakamira panze vachida kutaura naye. 47Mumwe akati kwaari, “Mai venyu navanunʼuna venyu vamire panze, vari kuda kutaura nemi.”
48Akamupindura akati, “Ko, mai vangu ndiani, navanunʼuna vangu ndivanaani?” 49Achinongedzera vadzidzi vake akati, “Ava ndivo mai vangu navanunʼuna vangu. 50Nokuti ani naani anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga ndiye mununʼuna wangu nehanzvadzi yangu, namai vangu.”

Currently Selected:

Mateo 12: BDSC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy