YouVersion Logo
Search Icon

Ruka 24

24
Kumuka kwaJesu
1Nomusi wokutanga wevhiki, mambakwedza, vakadzi vaya vakatora zvinonhuhwira zvavakanga vagadzira vakaenda kuguva. 2Vakawana ibwe rakungurutswa kubva paguva, 3asi vakati vapinda, vakashayiwa mutumbi waIshe Jesu. 4Pavakanga vachiri kushamisika nazvo, pakarepo varume vaviri vakanga vakapfeka nguo chena dzaipenya semheni vakamira parutivi pavo. 5Mukutya kwavo, vakadzi vaya vakakotamisa pasi zviso zvavo, asi varume ava vakati kwavari, “Seiko muchitsvaka mupenyu pakati pavakafa? 6Haapo pano; amuka! Rangarirai zvaakakuudzai, paakanga achinemi muGarirea kuti: 7‘Mwanakomana woMunhu anofanira kuiswa mumaoko avatadzi, arovererwe pamuchinjikwa agomukazve pazuva rechitatu.’ ” 8Ipapo vakarangarira mashoko ake.
9Vakati vadzoka kubva kuguva, vakataurira vane gumi nomumwe zvinhu zvose izvi, uye nokuna vamwe vose. 10VanaMaria Magadharena, naJohana, Maria mai vaJakobho, uye navamwe vavaiva navo ndivo vakandoudza vapostori izvozvo. 11Asi havana kutenda vakadzi ava, nokuti mashoko avo ainge upenzi kwavari. 12Zvisinei hazvo, Petro, akasimuka, akamhanyira kuguva. Akakotama, akaona micheka iri yoga, ndokubva adzokera kumba, achishamisika mumwoyo make nezvakanga zvaitika.
Jesu Anosangana naVadzidzi muNzira inoenda kuEmausi
13Zvino musi mumwe chete iwoyo, varume vaviri vakanga vachienda kumusha wainzi Emausi, makiromita anenge gumi nerimwe chete kubva kuJerusarema. 14Vakanga vachitaurirana pamusoro pezvinhu zvose zvakanga zvaitika. 15Vachiri kutaura nokukurukurirana pamusoro pezvinhu izvi, Jesu pachake akabva asvika uye akafamba navo; 16asi meso avo akabatwa zvokuti havana kumuziva.
17Akavabvunza akati, “Muri kukurukurirana pamusoro peiko, zvamuri kufamba kudai?”
Vakamira vakanyarara, zviso zvavo zvakasuwa. 18Mumwe wavo ainzi Kiropasi, akati kwaari, “Ndiwe woga mushanyi muJerusarema asingazivi zvinhu zvakaitikamo mumazuva ano aya here?”
19Jesu akati, “Zveiko?”
Vakapindura vachiti, “ZvaJesu weNazareta. Aiva muprofita, aiva nesimba mushoko napamabasa pamberi paMwari uye nokuvanhu vose. 20Vaprista vakuru navatongi vedu vakamuendesa kuti andotongerwa rufu, saka vakamuroverera pamuchinjikwa; 21asi isu takanga tichitarisira kuti ndiye akanga achizodzikinura vaIsraeri. Pamusoro paizvozvo, ratova zuva rechitatu kubvira pazvakaitika. 22Uyezve vamwe vakadzi vokwedu vatishamisa. Vaenda kuguva nhasi mambakwedza 23asi havana kuwana mutumbi wake urimo. Vauya vakatiudza kuti vaona chiratidzo chavatumwa, avo vati iye mupenyu. 24Ipapo dzimwe shamwari dzedu dzaenda kuguva dzikawana zviri izvo chaizvo zvanga zvataurwa navakadzi vaya, asi iye havana kumuona.”
25Iye akati kwavari, “Haiwa imi vokusanzwisisa, uye vane mwoyo inononoka kutenda zvose zvakarehwa navaprofita! 26Ko, Kristu akanga asingafaniri kutambudzika pazvinhu izvi agozopinda mukubwinya kwake here?” 27Ipapo akatanga naMozisi navaprofita vose, akavatsanangurira zvakanyorwa pamusoro pake mumagwaro.
28Kuzoti vava kusvika mumusha mavakanga vachienda, Jesu akaita sokunge oda kupfuurira. 29Asi vakamugombedzera zvikuru vachiti, “Garai nesu, nokuti kwava kudoka; zuva rava kuvira.” Saka akapinda kuti andogara navo.
30Akati agara navo patafura, akatora chingwa, akavonga, akachimedura akatanga kuvapa. 31Ipapo meso avo akasvinudzwa vakamuziva, akabva anyangarika pamberi pavo. 32Vakabvunzana vachiti, “Ko, mwoyo yedu yanga isingapisi neiko mukati medu zvaanga achitaura nesu mumugwagwa uye achitizarurira magwaro?”
33Vakasimuka panguva iyoyo vakadzokera kuJerusarema. Ikoko, vakandowana vane Gumi noMumwe navamwe vavaiva navo, vakaungana pamwe chete 34vachiti, “Ichokwadi! Ishe amuka uye azviratidza kuna Simoni.” 35Ipapo vaviri ava vakataura zvakanga zvaitika munzira, uye kuti vakaziva sei Jesu paakamedura chingwa.
Jesu Anozviratidza kuVadzidzi
36Pavakanga vachiri kutaura pamusoro pazvo, Jesu pachake akasvikomira pakati pavo akati, “Rugare ngaruve nemi.”
37Vakavhunduka uye vakatya, vachifunga kuti vaona mweya. 38Iye akati kwavari, “Munotambudzika neiko, uye seiko kukahadzika kuchimuka mupfungwa dzenyu? 39Tarisai maoko angu netsoka dzangu. Ndini iye! Ndibatei muone; mweya hauna nyama namapfupa, sezvamunoona ndinazvo ini.”
40Akati areva izvi, akavaratidza maoko ake netsoka dzake. 41Uye pavakanga vachigere kutenda nokuda kwomufaro uye vachishamiswa, akavabvunza akati, “Mune chokudya here pano?” 42Vakamupa chimedu chehove yakagochwa, 43uye akachitora akachidya pamberi pavo.
44Akati kwavari, “Izvi ndizvo zvandaikuudzai ndichinemi kuti: Zvinhu zvose zvakanyorwa pamusoro pangu muMurayiro waMozisi, naVaprofita nomuMapisarema zvinofanira kuzadziswa.”
45Ipapo akazarura ndangariro dzavo kuti vanzwisise Magwaro. 46Akati kwavari, “Izvi ndizvo zvakanyorwa kuti: Kristu achatambudzika agomuka kubva kuvakafa pazuva rechitatu, 47uye kuti kutendeuka nokuregererwa kwezvivi kuchaparidzirwa kumarudzi ose muzita rake, kutanga paJerusarema. 48Imi muri zvapupu zvezvinhu izvi. 49Ndichakutumirai chipikirwa chakavimbiswa naBaba; asi imi garai muguta kusvikira mafukidzwa nesimba rinobva kumusoro.”
Kukwidzwa kwaJesu kudenga
50Akati avatungamirira kunze kweguta pedyo neBhetania, akatambanudza maoko ake akavaropafadza. 51Achiri kuvaropafadza, akabva pavari akatorwa akakwidzwa kudenga. 52Ipapo vakamunamata ndokubva vadzokera kuJerusarema nomufaro mukuru. 53Uye vakaramba vari mutemberi, vachirumbidza Mwari nguva dzose.

Currently Selected:

Ruka 24: BDSC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy