YouVersion Logo
Search Icon

Genesisi 22

22
Abhurahama anoedzwa
1Shure kwaizvozvo, Mwari akaedza Abhurahama. Akati kwaari, “Abhurahama!”
Iye akati, “Ndiri pano hangu.”
2Ipapo Mwari akati, “Tora mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe oga, Isaka, iye waunoda, uende kunyika yeMoria. Umubayire ikoko sechipiriso chinopiswa pane rimwe gomo randichakuudza.”
3Mangwanani akatevera, Abhurahama akamuka akasunga mbongoro yake. Akatora varanda vake vaviri nomwanakomana wake Isaka. Akati atema huni dzechipiriso chinopiswa dzakakwana, akasimuka akaenda kunzvimbo yaakanga audzwa nezvayo naMwari. 4Pazuva rechitatu, Abhurahama akasimudza meso ake akaona nzvimbo yacho ichiri kure. 5Akati kuvaranda vake, “Sarai henyu pano nembongoro iyi, ini nomukomana timboyambukira uko. Tichandonamata tigodzoka hedu kwamuri.”
6Abhurahama akatora huni dzechipiriso chinopiswa akadziisa pana Isaka mwanakomana wake, uye iye pachake akatakura moto nebanga. Pavakanga vachifamba pamwe chete vari vaviri, 7Isaka akataura nababa vake Abhurahama akati, “Baba!”
Abhurahama akati, “Chiiko mwanangu?”
Isaka akati, “Moto nehuni zviri pano, asi gwayana rechipiriso chinopiswa riripiko?”
8Abhurahama akapindura akati, “Mwari pachake ndiye achapa gwayana rechipiriso chinopiswa, mwanakomana wangu.”
9Vakati vasvika panzvimbo yaakanga ataurirwa nezvayo naMwari, Abhurahama akavaka aritari ipapo uye akaisa huni pamusoro payo. Akasunga mwanakomana wake Isaka akamuradzika paaritari, pamusoro pehuni. 10Ipapo akatambanudza ruoko rwake akatora banga kuti auraye mwanakomana wake. 11Asi mutumwa waJehovha akadanidzira kwaari kubva kudenga akati, “Abhurahama! Abhurahama!”
Iye akapindura akati, “Ndiri pano hangu.”
12Akati, “Usaisa ruoko rwako pamukomana. Usamboita chimwe chinhu kwaari. Zvino ndava kuziva kuti unotya Mwari, nokuti hauna kundinyima mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe woga.”
13Abhurahama akasimudza meso ake uye ipapo padenhere akaona gondobwe rakabatwa nenyanga dzaro. Akaendapo akatora gondobwe akaribayira sechipiriso chinopiswa. 14Saka Abhurahama akatumidza nzvimbo iyo kuti, “Jehovha Achapa.” Uye nanhasi zvinonzi, “Pagomo raJehovha ndipo pazvichapiwa.”
15Mutumwa waJehovha akadana kuna Abhurahama kubva kudenga kechipiri 16akati, “Ndinopika neni pachangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, kuti nokuda kwokuti waita izvi uye kuti hauna kundinyima mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe oga, 17zvirokwazvo ndichakuropafadza uye ndichaita kuti zvizvarwa zvako zviwande senyeredzi dzokudenga uye sejecha riri pamahombekombe egungwa. Zvizvarwa zvako zvichatora maguta avavengi vavo, 18uye kubudikidza navana vako ndudzi dzose dzapanyika dzicharopafadzwa, nokuti wakanditeerera.”
19Ipapo Abhurahama akadzokera kuvaranda vake, vakasimuka vose pamwe chete vakaenda kuBheerishebha.
Vanakomana vaNahori
20Shure kwaizvozvo, Abhurahama akaudzwa kuti, “Mirika ava maiwo; akaberekera mununʼuna wako Nahori vanakomana vanoti:
21Uzi dangwe, Bhuzi mununʼuna wake,
Kemueri (baba vaAramu),
22Kesedhi, Hazo, Piridhashi, Jidhirafi naBhetueri.”
23Bhetueri akabereka Rabheka.
Mirika akaberekera Nahori mununʼuna waAbhurahama vanakomana vasere ava.
24Murongo wake ainzi Reuma, naiyewo akava navanakomana vaiti:
Tebha, Gahamu, Tahashi naMaaka.

Currently Selected:

Genesisi 22: BDSC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy