YouVersion Logo
Search Icon

2 Timoti 4

4
1Ndinokurayira pamberi paMwari naKristu Jesu, achatonga vapenyu navakafa uye pamusoro pokuonekwa kwake noushe hwake kuti: 2Paridza shoko; ugare wakagadzirira panguva yakafanira kunyange isakafanira; rayira, tsiura, uye ukurudzire nomwoyo murefu zvikuru uye nokudzidzisa zvakanaka. 3Nokuti nguva ichasvika vanhu pavacharamba kuteerera dzidziso yakarurama. Asi vachida zvinovafadza ivo, vachazviunganidzira vadzidzisi vazhinji kuti vadzidzise zvinodiwa nenzeve dzavo. 4Vachafuratidza nzeve dzavo kuchokwadi uye vachatsaukira kungano. 5Asi iwe, usvinure pazvinhu zvose, tsungirira pamatambudziko, uite basa romuvhangeri, uite mabasa ose oushumiri hwako.
6Nokuti ini ndava kutodururwa sechipiriso chinonwiwa, uye nguva yangu yokuenda yasvika. 7Ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza nhangemutange yangu, ndachengeta kutenda kwangu. 8Zvino ndakachengeterwa korona yangu yokururama, yandichapiwa, naIshe, mutongi akarurama pazuva iro, uye kwete ini ndoga, asiwo nokuna vose vanoshuva kuonekwa kwake.
Mashoko Okupedzisira
9Ita napaunogona napo pose kuti ukurumidze kuuya kwandiri, 10nokuti Dhemasi akada nyika yazvino, akandisiya akaenda kuTesaronika. Kiresenzi akaenda kuGaratia, uye Tito akaenda kuDharimatia. 11Ruka oga ndiye aneni. Tora Mako uuye naye, nokuti anondibatsira kwazvo paushumiri hwangu. 12Ndakatuma Tikikasi kuEfeso. 13Paunouya, uuye nejasi randakasiya naKapasi paTiroasi, uye uuye nebhuku rangu, zvikuru magwaro amatehwe.
14Arekizanda, mupfuri wendarira, akandiitira zvakaipa zvizhinji. Ishe achamutsiva pane zvaakaita. 15Newewo umuchenjerere, nokuti akapikisa zvikuru mashoko edu.
16Pakuzvidavirira kwangu kwokutanga, hapana munhu akandibatsira, asi vose vakandisiya. Ngavarege kupiwa mhosva nokuda kwaizvozvo. 17Asi Ishe akamira neni uye akandipa simba, kuti kubudikidza neni shoko riparidzwe zvakakwana uye kuti veDzimwe Ndudzi vose varinzwe. Uye ndakarwirwa kubva pamuromo weshumba. 18Ishe achandirwira kubva pakurwiswa kwose kwakaipa uye achandiuyisa murugare kuumambo hwake hwokudenga. Kubwinya ngakuve kwaari nokusingaperi-peri. Ameni.
Kwaziso Dzokupedzisira
19Ndikwazisire Pirisira naAkwira neveimba yaOnesiferasi.
20Erastasi akasara kuKorinde, uye ndakasiya Tirofimasi paMiretasi achirwara. 21Ita napaunogona napo pose kuti uuye kuno chando chisati chasvika.
Yubhurasi anokukwazisa, uyewo naPudhenzi, Rino, Kiraudhiyo nehama dzose.
22Ishe ngaave nomweya wako. Nyasha ngadzive newe.

Currently Selected:

2 Timoti 4: BDSC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy