YouVersion Logo
Search Icon

Obhadhiya Zviri mubhuku rino

Zviri mubhuku rino
Obhadhiya akanyora bhuku iri guta reJerusaremu parakanga rakurirwa navanhu veBhabhironi (587 KAA) VaEdhomu vakasveeredza guta reJerusaremu navanhu varo. Vakaenda munyika yokwaJudha yakazotumidzwa zita rokuti Idhumea vakaipamba. Muporofita Obhadhiya ndipo paakaporofita achiti Edhomu ichaparadzwa zvachose nokuda kwaizvozvo uye kuti nyika yokwaIsiareri neyekwaJudha dzichabatana kuva nyika imwechete. Dzimwe ndudzi dzichazvionawo zvenhamo idzodzi munyika dzavo zvikuru Edhomu. Ichaitirwa zvayakaitiira vaJudha.
Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raObhadhiya
Mazwi akanangana neEdhomu (1–14)
Chiporofita chakananga dzimwe ndudzi pazuva raTENZI (15–21)

Highlight

Copy

Compare

Share

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in