YouVersion Logo
Search Icon

Nehemiya Zviri mubhuku rino

Zviri mubhuku rino
Bhuku raNehemiya rakanga riri rimwechete nebhuku raEzira. Bhuku iri rinotaura nezvokudzokera kwakaita Nehemiya kuJerusaremu achibva kuBhabhironi kuutapwa nokuvakazve kwaakaita rusvingo rweJerusaremu nokuverengwa kwakaitwa shoko raMwari naEzira uye kutonga kwaNehemiya ari gavhuna wokwaJudha. Bhuku iri rine zvidimbu zvikuru zviviri. Chokutanga chinotaura nezvokuvakwazve kwerusvingo rweJerusaremu. Abva mukunamata, akabvumirwa namambo Atakizesesi kudzokera kuJerusaremu kundoita basa iroro. Vavakidzani veIsiraeri havana kufadzwa nazvo. Saka vakatanga kushora zvaiitwa uye kuvatadzisa kuvaka vachida kuvarwisa. Mukati maJudha maivawo nezvinetso zvavapfumi vaiita udzvinyiriri kuvarombo. Asi Nehemiya akazvikunda nokunamata akachenura Temberi nokudzika mutemo wokuchengeta Sabata uye kuti vaJudha vose vasiyane navakadzi vechirudzi.
Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raNehemiya
Nehemiya anodzokera kuJerusaremu (1:1—2:20)
Kuvakwa kworusvingo rweJerusaremu (3:1—7:73)
Kuverengwa kwomutemo nokuvandudzwa kwechitenderano (8:1—10:39)
Zvimwe zvakaitwa naNehemiya (11:1—13:31)

Highlight

Copy

Compare

Share

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in