YouVersion Logo
Search Icon

Joeri Zviri mubhuku rino

Zviri mubhuku rino
Bhuku raJoeri rakanyorwa nyika yeIsiraeri yapinda nhamo yokuvingwa nehwiza kana kuti mhashu dzakawanda kwazvo nenzara huru yakabva yateverana nadzo. Muna izvozvo, Joeri akaona chiri chiratidzo chezvakanga zvichawira Isiraeri zvehondo yakanga ichauya ina vanhu vakawanda kwazvo. Muporofita Joeri anokurudzira vaIsiraeri kutendeukira kuna Mwari vachinamata nokutsanya. Izvozvi ndizvo zvichaponesa Isiraeri. Asi anotaura kuti ruponeso irworwo rwuchasvitswa kuna vanhu vose vapanyika. Mwari achadururira Mweya Mutsvene wake pavanhu vose varume navakadzi, vakuru navadiki (2:28–29).
Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raJoeri
Nhamo yemhashu dzakawanda kwazvo (1:1—2:27)
Zuva raTENZI (2:28—3:21)

Highlight

Copy

Compare

Share

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in