Jobhu Zviri mubhuku rino
Zviri mubhuku rino
Bhuku raJobhu rinotaura nezvorungano rwomunhu akarurama akawirwa nenhamo dzakaipisisa dzokufirwa navana vake vose nokurasikirwa noupfumi hwake hwose uye kuti iye pachake akawirwa nedenda risingatauriki.
Mafungiro echiJudha aiti munhu anoita zvakanaka, mururami, anokomborerwa uye haawirwi nenhamo dzakadai. Vaiti vakaipa vanorangwa. Jobhu aifungawo saizvozvo ndokusaka airwadziwa zvakanyanya nokuti aiona kuti Mwari haana kuita zvino ruenzaniso kwaari nokuti aizviziva kuti iye pachake aiedza chaizvo kuva munhu akarurama asi akapinda munhamo namatambudziko akaomarara. Ruenzaniso rwaMwari akarushaya. Shamwari dzake dzaiti Jobhu pane zvaakatadzira Mwari ndokusaka ane nhamo dzose dzaaiva nadzo. Mwari haana kupindura mibvunzo yaJobhu asi akamuratidza ukuru hwake uye udzamu nokusanzwisisika kwebasa rake. Asi akapembedza Jobhu achishora pfungwa dzeshamwari dzake. Mwari akazopembedza Jobhu nokumudzorera utano noupfumi navana kwaakaita. Zvaifungwa naSatani kuti Jobhu achasiyana naMwari hazvina kuzoitika.
Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raJobhu
Kusuma (1:1—2:13)
Jobhu neshamwari dzake (3:1—31:40)
a) Kunyunyuta kwaJobhu (3:1–26)
b) Hurukuro yokutanga (4:1—14:22)
c) Hurukuro yechipiri (15:1—21:34)
d) Hurukuro yechitatu (22:1—27:23)
e) Kurumbidza kwoungwaru (28:1–28)
f) Mazwi okupedzisira aJobhu (29:1—31:40)
Nhauro yaErihu (32:1—37:24)
Mhinduro yaMwari kuna Jobhu (38:1—42:6)
Mazwi okuzarira (42:7–17)
Currently Selected:
Jobhu Zviri mubhuku rino: SCLB
Highlight
Copy
Compare
Share
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.