Jobhu 25
25
Bhiridhadhi.
Ukuru hwaMwari nokusachena kwomunhu
1Bhiridhadhi Mushuhi akapindurawo achiti,
2“Mwari ano ukuru uye anotyisa
ndiye anochengetedza runyararo
kwake kumusoro ikoko.
3Hondo yake inoverengeka here,
ndiani asingavhenhekerwi nechiedza chake?
4Munhu angave akarurama sei
pamberi paMwari,
munhu akaberekwa nomukadzi
angave akachena sei?
5Inga wani kwaari
kunyange mwedzi zvawo haupenyi
kana nyenyedzi kwaari hadzina kuchena.
6Ko kutozotiwo munhu, honye zvake,
munhu chidukutse zvacho.”
Currently Selected:
Jobhu 25: SCLB
Highlight
Copy
Compare
Share
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.