Jobhu 17
17
Mwari ndiye chete rubatso rwangu
1“Mweya wangu uri kudzungaira
mazuva angu avakutopera.
Guva ratondimirira
2Vanhu vanongoramba vaneni kwazvo,
ini ndinoramba ndakatarisa zvangu kubaya mwoyo kwavo.
3Imi Mwari chivai ndimi rubatso rwangu,
nokuti ndianiwo zvake
angasimudze ruoko rwake kundiitira rubatso?
4Nokuti makavaputira pfungwa dzokunzwisisa,
saka musavarege vachikunda.
5Mungaite somunhu anotaurira shamwari zvomugove wake,
asi vana vake vachizvitsvokorera#17:5 Vachizvitsvokorera meso: Kutarisa chinhu chaunoda asi chausingagone kuwana. meso.
6Ndatove tsumo zvayo yenyika
uye ndave munhu wokusvipirwa mate kumeso.
7Maziso angu aita rima
pamusana pokurwadziwa kwangu mwoyo,
uye nhengo dzangu dzangova mumvuri zvawo.
8Munhu ari pachokwadi zvinomukatyamadza
vakanaka vanobva vashatirwa navakan'ora.
9Asi mururami anoramba akangoti
kwati kwati namaitiro ake
ana maoko akachena anoramba
achingosimbarara chete.
10Zvino chidzokai zvakare mundivinge,
mose zvenyu asi pakati penyu,
munhu anoungwaru handimbomuwana.
Guva ndiro rava musha wangu
11“Mazuva angu apfuura,
zvandaifunga kuita zvakapera,
zvandaida kuita zvacho zvaparara.
12Usiku vanohuti masikati,
chiedza vachichiti chakaita serima.
13Kana chido changu kuri kuita
nzvimbo yavafi musha wangu,
kana rima riri iro randinoita uriri hwandinorara,
14ndava kutoti kuguva
ndivo baba vangu, kuhonye ndichiti
ndimi amai vangu nehanzvadzi yangu,
15Chitarisiro, changu chiripi ipapa?
Ndianiwo zvake achaona chitarisiro changu?
16Kusatoti taenda tose kunzvimbo yavafi
tanyura muvhu tose pamwechete?”
Currently Selected:
Jobhu 17: SCLB
Highlight
Copy
Compare
Share
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.