Skip to content

2 Pita 3

3
Zuva richauya Tenzi
1Vadikanwi iyi ndiyo tsamba yechipiri ndichikunyorerai. Uye madziri dzose dziri mbiri, ndakamutsa mamuri mafungiro akarurama nokukuyeuchidzai 2kuti muyeuke zvakafanotaurwa navaporofita vatsvene nomutemo waTenzi, Muponesi, waakapa nokuvapositori venyu. 3Pokutanga, nzwisisai izvi zvokuti, mumazuva okupedzisira kuchauya vanhu vanonyomba vachitevera havi dzavo 4vachikutii, “Ko zvaakatsidza kuti achauya, ko achauya rini. Chinguri chakafa madzitateguru zvinhu zvose zviri kungoenderera mberi sezvazvakanga zvakangoita kubvira pasi pachitanga kusikwa. 5Vanoramba, ivo vachiziva zvavo kuti matenga akavapo kare kare nokuda kwezwi raMwari uye kuti pasi pakaitwa pachibva mumvura uye pachishandiswa mvura.” 6Yakaita kuti nyika yakanga iripo ifukidzwe nemvura ikaparara. 7Asi nezwi rimwechetero denga napasi zviripo iye zvino, zvakachengeterwa kuti zvipiswe nomoto. Zvakachengetwa kusvika pazuva rokutonga, zuva rokuparadzwa kwavasinganamati Mwari.
8Asi musakanganwe izvi, vadikanwi, zvokuti, pana Tenzi, zuva rimwechete rakangoita sechuru chamakore uye kuti churu chamakore chakangoita, sezuva rimwechete. 9Tenzi haanonoki nezvechitsidzo chake sokufunga kunoita vamwe, asi ari kutoita mwoyo murefu kwamuri asingadi kuti ani naani zvake aparare asi kuti vose vasvike pakutendeuka. 10Asi Zuva raTenzi richauya sembavha. Ipapo matenga achapfuura neruzha rukuru, zvomudenga zvichashikitiswa nomoto uye nyika nezvose zvakaitwa pairi zvichapiswa.
Kukurudzirwa ururami
11Zvino zvinhu zvose izvi zvazvichaparadzwa kudai, munosungirwa kuva vanhu vakaita sei pakuva vatsvene napakunamata kwenyu Mwari 12makamirira muchisuwira kuuya kweZuva raMwari richazoita kuti matenga abatire moto agoparadzwa uye zvomudenga zvichanyungurutswa nomoto. 13Asi maererano nechitsidzo chake tinomirira denga idzva nenyika itsva, ururami muri imo mumusha mawo.
14Naizvozvo vadikanwi, sezvamuri kumirira izvi, vavarirai kwazvo kuti akuwanei musina kana kavara kana chinoshoreka uye mune rugare. 15Torai mwoyo murefu waTenzi wedu soruponeso. Ndizvowo zvamakanyorerwa nehama yedu Paurosi maererano noungwaru hwaakapiwa, achitaura nezvazvo mutsamba dzake dzose. 16Madziri mune zvimwe zvinhu zvakaoma kunzwisisa zvinominamiswa navasina ruzivo navasina pavo zvichizovaparadza sezvavanongoita namamwe Magwaro Matsvene. 17Naizvozvo imi vadikanwi zvamunoziva izvi nakare, chenjerai mungadaro mukateteretswa nokukanganisa kwavanhu ivavo vasina mutemo muchirasikirwa nechamakasimba nacho. 18Asi rambai muchingokura munyasha noruzivo rwaTenzi wedu noMuponesi Jesu Kristu. Iye ngaarumbidzwe zvino nokusingaperi. Ameni.