Esita g 2
2
Kurangana kuuraya mambo
Modhekai akati zvino ombozororawo zvake munhandare muya aina Gabhata naTara, vayuniki vaviri vokwamambo vaichengetedza munhandare imomo. 2Sezvineiwo hurukuro dzavo dzakasvika munzeve dzaModhekai vachingunokurukura kudaro. Modhekai akatsvaka kuziva twairongwa twacho, akabva aziva kuti vanhu ivavo vakanga vachitoita bangano rokupfuudza mambo Ahasuerusi,#2:2 Ahaseurusi: Ndiye mumwecheteyo anonzi Atakizesesi. iye akabva andobayira mambo zanhi nezvavo. 3Mambo akazoongorora mhosva yavayuniki vaviri ivava pavakaibvuma vakaendwa nawo kundourayiwa. 4Mambo uyu akanyora firapo yenhoroondo yaizvozvi, Modhekai akanyorawo nyaya yacho iyoyi. 5Nezvo mambo akatema kuti Modhekai ashande mudare uyezve akamupira izvozvi izvi mubayiro. 6Asi Hamani mwanakomana waHamedhata mumwe wechiBhugi akanga achiremekedzwa kwazvo namambo, akafunga zvokupinza Modhekai navanhu vorudzi rwake munyatwa pamusana pavayuniki vaviri vaya vokwamambo.#2:6 (Pano apa ndipo panouya Esita 1:1—3:13 muBhaibhiri rechiHebheru.)
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.