YouVersion Logo
Search Icon

Nziyo 92

92
Rwiyo urwu rumbo rwomusi weSabata
Rumbo rwomururami rwokurumbidza
1Chinhu chakanaka kurumbidza TENZI
uye kuimba tichirumbidza zita renyu
imi Wokumusorosoro.
2Kuparidza mwoyochena wenyu mangwanani
uye kutendeka kwenyu usiku
3nembira nedimbwa nechipendani.
4Nokuti imi TENZI makaita kuti ndifare
nebasa renyu.
Ndinopururudzira basa ramaoko enyu norufaro.
5Hakusi kukura ikoko
kwakaita mabasa enyu TENZI.
Pfungwa dzenyu dzakadzama zvikuru.
6Munhu akapata haangazvizivi.
Dununu haringazvizivi izvi
7zvokuti kunyange zvazvo
vakaipa vangatutumuke kukura souswa
uye kuti vaiti vezvakaipa vangabudirire zvavo,
chavo kuparadzwa nokusingaperi.
8Asi imi TENZI
muri wopamusorosoro nokusingaperi.
9Nokuti tarisai muone mhandu dzenyu TENZI
tarisai muone kuti mhandu dzenyu dzichaparara
vaiti vezvakaipa vachamwarariswa.
10Asi imi makandisimbaradza
senyanga yenyati,
makandizodza namafuta mutsva.
11Ndakaona namaziso angu
kuputsika kwavavengi vangu
ndakanzwawo nenzeve dzangu
kuparara kwavakaipa vanondirwisa.
12Vakarurama vanobudirira
sokukura kunoita murara
uye vanokura somusidhari wokuRebhanoni.
13Vanosimwa muimba yaTENZI,
vanobudirira mumipanda
yaMwari wedu.
14Vanobereka michero
ivo vakwegura zvavo,
vanoramba vari vanyoro vakasvibira
15kuratidza kuti TENZI ari pachokwadi
ndiye dombo rangu
maari hamuna chakaipa.

Currently Selected:

Nziyo 92: SCLBC

Highlight

Copy

Compare

Share

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

Video for Nziyo 92